Shona
Kuwedzera Kuri Kuita Kusatevedzerwa Kwemitemo—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/501100107/univ/art/501100107_univ_sqr_xl.jpg
mrt nyaya 114

Yan Zabolotnyi/stock.adobe.com

RAMBAI MAKAMUKA!

Kuwedzera Kuri Kuita Kusatevedzerwa Kwemitemo—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Kuwedzera Kuri Kuita Kusatevedzerwa Kwemitemo—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Mhirizhonga uye kuratidzira zviri kuitika muFrance zviri kuita kuti musave nekugadzikana. Achitaura nezvazvo, Mutungamiriri wenyika yeFrance, Emmanuel Macron akati: “Hapana chikonzero chingaita kuti vanhu vaite izvi uye hazvina musoro. Manheru ano, tese takatsamwa uye tiri kunyara nezviri kuitika.”

 Zvinhu zvakadai hazvisi kungoitika muFrance chete. Zviri kuitika pasi rese. Maererano neGlobal Protest Tracker yesangano reCarnegie Endowment for International Peace, munyika 57 maiva nekuratidzira kwakanyanya kwevanhu vaipikisa hurumende mumwedzi 12 yapfuura.

 Bhaibheri rinoti kudii nezvekuwedzera kuri kuita vanhu kusatevedzera mitemo pasi rese?

Zvakataurwa neBhaibheri nezvekusatevedzerwa kwemitemo

 Bhaibheri rakataura kuti kusateerera mutemo kwaizova chikamu chechiratidzo chekuti “nyika yava kumagumo kwayo.” (Mateu 24:3) Jesu Kristu paaitaura zvinhu zvaizoumba chiratidzo ichi akati:

  •   “Kuwedzera kwekusateerera mutemo kuchaita kuti rudo rwevazhinji rutonhore.”—Mateu 24:12.

 Bhaibheri rakataurawo kuti “mumazuva ekupedzisira” vanhu vaizova “vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka.” (2 Timoti 3:1-5) Unhu uhwu hwekungozvifunga ndihwo huri kuita kuti vanhu vasatevedzera mitemo mazuva ano.

 Asi zvinhu hazvisi kuzoramba zvakadai. Bhaibheri rinovimbisa kuti munguva pfupi iri kutevera kusatevedzerwa kwemitemo kuchapera.

  •   “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve; Uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.

 Inzwa zvakawanda zvinovimbiswa neBhaibheri uye kuti sei tiine chokwadi chekuti zvinhu zvatiri kuona mazuva ano ndizvo chaizvo zvakagara zvataurwa neBhaibheri. Verenga nyaya dzinotevera.

 “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka”

 “Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti ‘Nguva Yekupedzisira’ Ndechipi?”

 “Bhaibheri Rakagara Rataura Here Unhu Hune Vanhu Mazuva Ano?”