Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano eBhaibheri Anogona Kukubatsira Kana Wapererwa Nebasa

Mazano eBhaibheri Anogona Kukubatsira Kana Wapererwa Nebasa

 Kupererwa nebasa kunogona kuita kuti uve nematambudziko mumhuri, ushaye mari yekushandisa uye kunogona kuita kuti ugare uchinetseka uye usingafari. Kufunga nezvemazano euchenjeri anotevera anobva muBhaibheri kunogona kukubatsira kutsungirira.

  •   Udza vamwe manzwiro ako.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese.”—Zvirevo 17:17.

     Paunopererwa nebasa, unogona kurwadziwa, kugumbuka, kuvhiringidzika, kana kuti unogona kunzwa sekuti uri munhu asingabatsiri. Paunotaura nevamwe vemumhuri mako uye shamwari dzepedyo vanogona kukubatsira kuti usanyanya kunetseka. Vanogonawo kukupa mazano anogona kukubatsira pakutsvaga rimwe basa.

  •   Usanyanya kuzvidya mwoyo.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro.”—Mateu 6:34.

     Bhaibheri rinotikurudzira kuti tironge zvatinoda kuita. (Zvirevo 21:5) Asi rinotikurudzirawo kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo nezveramangwana. Kakawanda kacho tinowanzozvidya mwoyo nezvezvinhu zvisingazoitiki. Zviri nani kuisa pfungwa pane zvaunenge uchida kuita zuva iroro.

     Bhaibheri rine mamwe mazano anokubatsira kuziva zvaungaita paunenge uchinetseka. Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Kukunda Dambudziko Rekushushikana.

  •   Chinja mashandisiro aunoita mari.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndakadzidza . . . kuva nezvakawanda kana kushayiwa.”—VaFiripi 4:12.

     Ita zvinoenderana nemamiriro ezvinhu aripo. Izvi zvinosanganisira kuchinja mashandisiro awaiita mari kuitira kuti urarame zvinoenderana nemari yaunowana. Usangotora zvikwereti uchida kutenga zvinhu zvisingakoshi.—Zvirevo 22:7.

     Kuti uwane mamwe mazano anokubatsira kuchinja mashandisiro aunoita mari, ona nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma.

  •   Shandisa nguva yako zvakanaka.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai muchifamba nekuchenjera . . . , muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.”—VaKorose 4:5.

     Kunyange zvazvo usisina purogiramu yakarongeka yekuenda kubasa sezvawaimboita, ramba uchironga mashandisiro aunoita nguva yako. Kuita izvozvo kuchabatsira kuti uve neupenyu hwakarongeka uye usazviona semunhu asingabatsiri.

  •   Iva munhu anochinjika.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.”—Zvirevo 14:23.

     Iva nechido chekuita basa rakasiyana nerawaimboita. Unogona kuita mabasa anotarisirwa pasi kana kuti asingakupi mari yakawanda seyawaimbowana.

  •   Usakanda mapfumo pasi.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nekuti hauzivi kuti ndezvipi zvichabudirira.”—Muparidzi 11:6.

     Ramba uchitsvaga basa. Ita kuti vanhu vazive kuti uri kutsvaga basa. Taura neveukama, shamwari, vawaimboshanda navo, uye vavakidzani. Bvunza vanoita zvekutsvagira vanhu mabasa, uye tarisa mabasa ari kushambadzirwa pamawebsite emakambani. Ziva kuti usati wawana basa unogona kushevedzwa kumainterview akawanda uye dzimwe nguva unotofanira kutumira CV rako kumakambani akawanda.