RAMBAI MAKAMUKA!
Pane Hurumende Here Inogona Kuita Kuti Zvinhu Zvifambe Zvakanaka Panyika?—Bhaibheri Rinoti Kudii?
Pasi rese, zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka muhurumende dzakasiyana-siyana. Kunyange munyika dzinoita sedzakagadzikana, hurumende idzodzo dzinokanganiswa nezvinhu zvinotevera zvinoti: Mishumo inoshoresa yezvinenge zvichiitwa nevezvematongerwo enyika, misiyano isina kunyanya kukura inovapo pavanoita sarudzo, kusabvumirana kwevanhu munyaya dzezvematongerwo enyika, uye mhirizhonga inoitwa nevanhu pavanenge vachiratidzira.
Bhaibheri rinotaura kuti kune hurumende imwe chete inokwanisa kuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka panyika. Zvimwe wakambotonzwa nezvayo muBhaibheri Jesu paaidzidzisa nezvekunyengetera.
“Saka munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.’”—Mateu 6:9, 10.
Bhaibheri rinoti kudii nezveUmambo ihwohwo?
Umambo hwaMwari—ihurumende yakanaka
Hurumende iyi inotonga iri kudenga.
Jesu akati hurumende iyoyo “Umambo hwekudenga.” (Mateu 4:17; 5:3, 10, 19, 20) Ndosaka akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”—Johani 18:36.
Umambo hwaMwari huchabvisa hurumende dzese dzevanhu.
Bhaibheri rinoti “Umambo hwacho . . . huchapwanya, hwogumisa umambo hwese [hwevanhu], uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Umambo hwaMwari hausi kuzoparadzwa uye Jesu Kristu ndiye Mambo weumambo hwacho.
Bhaibheri rinoti: “Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.”—Dhanieri 7:13, 14.
Umambo hwaMwari huchaita kuti panyika pave nerunyararo uye vanhu vachange vasina chekutya.
Bhaibheri rinoti: “Mumwe nemumwe achagara pasi pomuvhaini wake, kana pasi pomuonde wake murugare. Hakuna munhu wavachazotya.”—Mika 4:4, BHAIBHERI (rine Apokirifa) muNdimi yeUnion Shona.
Dzidza zvakawanda nezveUmambo hwaMwari
Jesu paaiva panyika, akashandisa nguva yake yakawanda “kuparidza mashoko akanaka eUmambo.” (Mateu 9:35) Jesu ataura kuti:
“Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”—Mateu 24:14.
Mazuva ano, mashoko akanaka eUmambo ari kuparidzwa munyika dzinopfuura 240. Tinokukoka kuti udzidze zvakawanda nezvehurumende iyi uye kuti ungawana sei makomborero anobva pautongi hwayo.
Ona vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii?

