Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 83

“Paimba Neimba”

“Paimba Neimba”

(Mabasa 20:20)

  1. 1. Pamba nemba nemasuo,

    Toparidza shoko.

    Mumaguta nemaruwa,

    Makwai odyiswa.

    Mashoko ekuti Jesu

    Otonga saMambo

    Ari kuparidzwa kwese

    Nemazera ese.

  2. 2. Pamba nemba, totaura

    Nezvekuponeswa

    Kune vanoda kudana

    Zita raJehovha.

    Vangakudza sei zita

    Ravasingazivi?

    Pamba nemba nemasuo,

    Zivisai zita.

  3. 3. Ngatiende pamasuo

    Tiparidze Ushe.

    Kubvuma kana kuramba,

    Vazvisarudzire.

    Isu chedu kuvaudza,

    Zita raJehovha.

    Tikaenda pamasuo,

    Towana makwai.