Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 78

‘Kudzidzisa Shoko raMwari’

Sarudza Zvakarekodhwa
‘Kudzidzisa Shoko raMwari’
ONA

(Mabasa 18:11)

  1. 1. Tinonzwa m’faro mukuru,

    Kudzidzisa Shoko.

    Hapana chingaenzana

    Nezvatinowana.

    Madzidzisire aKristu

    Toatevedzera.

    Vatinodzidzisa vanova

    Pedyo naJehovha.

  2. 2. Zvatinodzidzisa vamwe,

    Ndozvatinoita.

    Vanobva vagutsikana,

    Tiri pachokwadi.

    Tinochera muMagwaro

    Toisa mumwoyo

    Pfuma yatinozovapawo;

    Tinoikoshesa.

  3. 3. Tine zvese zvatinoda

    Kudzidzisa Shoko.

    Mwari anotibatsira

    Patinom’kumbira.

    Shoko rake tinorida,

    Shoko rechokwadi.

    Tinodawo vadzidzi vatsva;

    Vachadzidzisawo.