Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 70

Tsvagai Vakakodzera

Tsvagai Vakakodzera

(Mateu 10:11-15)

  1. 1. Ishe akaratidza kuparidza

    Kwatingaita achiti:

    ‘Kwese kwamunoenda tsvagaiwo

    Vaya vanoda kunamata.

    Pamunoti ivai nerugare,

    Mucharupa vakakodzera.

    Vamwe vakaramba, vokudzingai,

    Zunzai guruva mutsoka.’

  2. 2. Mwari achavhura mwoyo yevaya

    Vanokugamuchirai.

    Kuda upenyu husina mugumo

    Kuchavabatanidza nemi.

    Musanetseke nechekutaura,

    Mwari achakubatsirai.

    Kana mukapindura zvakarungwa,

    Izvi zvichafadza vanyoro.