Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 68

Kudyara Mbeu yeUmambo

Kudyara Mbeu yeUmambo

(Mateu 13:4-8)

  1. 1. Huya kubasa raShe wedu;

    Bvuma paanokudana.

    Ari kuda kukubatsira;

    Uchadzidza zvakawanda.

    Mbeu yechokwadi inokura

    Mumwoyo yakatendeka.

    Saka shanda nesimba rako rese,

    Uchishanda wakavimbika.

  2. 2. Zvinoda kushanda nesimba,

    Basa rako ribereke.

    Vanoda ngativabatsire

    Vadzidze kuda chokwadi.

    Vabatsire vatsunge, vasatya

    Zvavachasangana nazvo.

    Uchafara pauchaona mbeu

    Ichikura mumwoyo mavo.