Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 63

Tiri Zvapupu zvaJehovha!

Tiri Zvapupu zvaJehovha!

(Isaya 43:10-12)

  1. 1. Voveza vanamwari,

    Vemabwe nematanda,

    Wemasimbaose,

    Vachimuramba.

    Vavo vakundikana,

    Kuona ramangwana.

    Hapana ovapupurira,

    Ndivanamwari venhema.

    (KORASI)

    Tiri Zvapupu zvaJah.

    Hatityi kutaura.

    Anoprofita zvechokwadi;

    Zvese zvinoitika.

  2. 2. Todada naJehovha,

    Tinomupupurira.

    ZveUmambo hwake,

    Tozvizivisa.

    Vamwe tinobatsira

    Kunzwisisa chokwadi.

    Zvavanosimba pakutenda,

    Vanoimbisa vachiti:

    (KORASI)

    Tiri Zvapupu zvaJah.

    Hatityi kutaura.

    Anoprofita zvechokwadi;

    Zvese zvinoitika.

  3. 3. Kuparidza kwokudza

    Zita guru raMwari,

    Uye kwonyevera

    Vanorizvidza.

    Vanhu vokanganwirwa,

    Vakadzoka kwaari.

    Kuzvipira kwotipa m’faro

    Nevimbiso yeupenyu.

    (KORASI)

    Tiri Zvapupu zvaJah.

    Hatityi kutaura.

    Anoprofita zvechokwadi;

    Zvese zvinoitika.