Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 6

Matenga Anozivisa Kubwinya kwaMwari

Matenga Anozivisa Kubwinya kwaMwari

(Pisarema 19)

  1. 1. Matenga anozivisa Jehovha.

    To’na basa rake

    Riri kumusoro.

    Zuva nezuva anorumbidzwa.

    Denga rozivisa simba

    uye rudo rwake.

  2. 2. Mutemo waJehovha wakakwana,

    Zviyeuchidzo zvake

    zvotichenjedza.

    Kutonga kwake kwakarurama.

    Shoko rake rakachena,

    richinaka kwazvo.

  3. 3. Kutya Mwari kunogara narini,

    Mitemo yake

    inopfu’ra ndarama.

    Inochengetedza vanhu vake.

    Iro zita rake dzvene,

    Tinoritsigira.