Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 47

Nyengetera Kuna Jehovha Zuva Nezuva

Sarudza Zvakarekodhwa
Nyengetera Kuna Jehovha Zuva Nezuva
ONA

(1 VaTesaronika 5:17)

  1. 1. Nyengetera kuna She Jehovha.

    Anotinzwa, tine zita rake.

    Durura kwaari mwoyo wako,

    Vimba naye ishamwari yako.

    Nyengetera kazhinji.

  2. 2. Titende Jehovha neupenyu;

    Timukumbire kukanganwirwa.

    Tireurure zvese kwaari.

    Anoziva kuti tiri ivhu.

    Nyengetera kazhinji.

  3. 3. Nyengeterawo pazvinooma.

    Udza Baba vedu vari pedyo.

    Vakumbire vakudzivirire.

    Vimba navo usambovhunduka.

    Nyengetera kazhinji.