Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 46

Tinokutendai Jehovha

Sarudza Zvakarekodhwa
Tinokutendai Jehovha
ONA

(1 VaTesaronika 5:18)

  1. 1. Tokutendai Mwari nguva dzese,

    M’notivhenekera nechiedza.

    Totenda kuti tinonyengetera,

    Kuti tikuudzei zvinetso.

  2. 2. Totenda nekutipa Mwana wenyu,

    Akakunda nyika nekutenda.

    Totenda kutitungamira kwenyu,

    Kuti tizadzise mhiko dzedu.

  3. 3. Totenda kuti tinoparidzira

    Zita renyu pamwe nechokwadi.

    Totenda kuti nhamo dzichapera,

    Zvikomborero hazvizoperi.