Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 45

Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

Sarudza Zvakarekodhwa
Kufungisisa Kwemwoyo Wangu
ONA

(Pisarema 19:14)

  1. 1. Zvandinofunga mumwoyo

    Muswere wese wezuva

    Ngazvikufadzei Ishe,

    Ndisabve munzira yenyu.

    Ndamomoterwa nenhamo,

    Dzichindishayisa hope,

    Ndofungisisa nezvenyu,

    Nezvinhu zvakarurama.

  2. 2. Zvinhu zvese zvakachena,

    Zvechokwadi, zvakanaka,

    Zvinhu zvese zvinodiwa

    Ngazvindipewo rugare.

    Dzinokosha pfungwa dzenyu!

    Dzese hadziverengeki.

    Ndodzandichafungisisa,

    Dzinyure mumwoyo mangu.