Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 37

Kushumira Jehovha Nemweya Wese

Sarudza Zvakarekodhwa
Kushumira Jehovha Nemweya Wese
ONA

(Mateu 22:37)

  1. 1. Changamire She Jehovha,

    Ndinokudai zvakadzama.

    Ndakazvipira kwamuri;

    Mwari, ndichakushumirai.

    Mitemo yenyu ndinoida,

    Nezviyeuchidzo zvenyu!

    (KORASI)

    Jehovha makakodzera;

    Ndinozvipira kwamuri She.

  2. 2. Zvese zvinokukudzai;

    Nyika, mwedzi, uye nyeredzi.

    Neniwo ndichatendeka

    Pakuzivisa zita renyu.

    Ndichakushumirai Mwari;

    Ndichava akavimbika.

    (KORASI)

    Jehovha makakodzera;

    Ndinozvipira kwamuri She.