Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 16

Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwana Wake, Muzodziwa

Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwana Wake, Muzodziwa

(Zvakazarurwa 21:2)

  1. 1. Mwari akazodza Jesu

    Kuti atonge vanhu.

    Iye anoruramisira,

    Kuda kwaMwari kwoitwa.

    (KORASI)

    Vanhu rumbidzai Jehovha.

    Rumbidzai Jesu Mambo,

    Muchimutevera nguva dzese,

    imi makwai ake.

    Vanhu rumbidzai Jehovha

    nekuda kweMuzodziwa.

    Akazodzerwa kuti akudze

    zita dzvene raMwari.

  2. 2. Hama dzaKristu dzodanwa.

    Dzinoberekwa patsva.

    Vachatonga semadzimambo

    Vagounza Paradhiso.

    (KORASI)

    Vanhu rumbidzai Jehovha.

    Rumbidzai Jesu Mambo,

    Muchimutevera nguva dzese,

    imi makwai ake.

    Vanhu rumbidzai Jehovha

    nekuda kweMuzodziwa.

    Akazodzerwa kuti akudze

    zita dzvene raMwari.