‘IMBIRA JEHOVHA UCHIFARA’

Ndimi Mufaro Wedu (Rwiyo 155)

Shona
Ndimi Mufaro Wedu (Rwiyo 155)
/assets/ct/28ada02fb0/images/syn_placeholder_sqr.png
sjj rwiyo 155

RWIYO 155

Ndimi Mufaro Wedu

Ndimi Mufaro Wedu

(Pisarema 16:11)

  1. 1. Nyeredzi dzinovaima

    Zvinoyevedza.

    Pazvese zvamakasika

    Toona rudo.

    Ndimi makasika nyika,

    Mwoyo wenyu wakafadzwa

    Nebasa renyu.

    (KORASI)

    Tofadzwa nezvakasikwa,

    Neshoko reruponeso,

    Uye neParadhiso.

    Asi chikuru pazvese,

    Baba ndirwo rudo rwenyu.

    Ndimi mufaro wedu

    Nekusingaperi.

  2. 2. Jehovha tinotenda

    Nezvamakatipa.

    Tine zvese zvatinoda

    Kuti tifare.

    Makatisika nemazvo,

    Mukaisa kusaguma

    Mumwoyo medu.

    (KORASI)

    Tofadzwa nezvakasikwa,

    Neshoko reruponeso,

    Uye neParadhiso.

    Asi chikuru pazvese,

    Baba ndirwo rudo rwenyu.

    Ndimi mufaro wedu

    Nekusingaperi.

    (BHIRIJI)

    Tinofara nekuti

    Makatipa Jesu.

    Akatifira kuti

    Tiwane mufaro nariini.

    (KORASI)

    Tofadzwa nezvakasikwa,

    Neshoko reruponeso,

    Uye neParadhiso.

    Asi chikuru pazvese,

    Baba ndirwo rudo rwenyu.

    Ndimi mufaro wedu

    Nekusingaperi.

    (KORASI)

    Tofadzwa nezvakasikwa,

    Neshoko reruponeso,

    Uye neParadhiso.

    Asi chikuru pazvese,

    Baba ndirwo rudo rwenyu.

    Ndimi mufaro wedu

    Nekusingaperi.