Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 14

Kurumbidza Mambo Mutsva Wenyika

Kurumbidza Mambo Mutsva Wenyika

(Pisarema 2:12)

  1. 1. Boka guru riri kubva

    Mumarudzi mazhinji.

    Riri kuunganidzwa

    NaKristu nevakazodzwa.

    Umambo hwakatogadzwa;

    Kuda kwaMwari kuitwe.

    Tariro iyi inokosha,

    Yofadza nekunyaradza.

    (KORASI)

    Rumbidzai Jehovha neMwana wake,

    Jesu, Mambo wemadzimambo.

    Kutonga kwake tinokubvuma

    Tomurumbidza tese.

  2. 2. Tinorumbidza Kristu,

    Mambo wedu, tichifara.

    SeMuchinda Werugare

    Achaponesa vake.

    Ramangwana tichafara

    Munyika isingatyisi.

    Vakafa pavachazomutswa,

    Tichaimba nemufaro!

    (KORASI)

    Rumbidzai Jehovha neMwana wake,

    Jesu, Mambo wemadzimambo.

    Kutonga kwake tinokubvuma

    Tomurumbidza tese.