Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 124

Ngatirambei Takavimbika

Ngatirambei Takavimbika

(Pisarema 18:25)

  1. 1. Tivimbike kuna Mwari,

    Timude zvakadzama.

    Zvatakazvitsaurira,

    Tinoda mirayiro.

    Zano rake rakanaka,

    Tinoriteerera.

    NdiMwari akavimbika,

    Hatizombomusiyi.

  2. 2. Takavimbika kuhama

    Padzinomboomerwa.

    Tinoramba tichidzida,

    Mushoko nechiito.

    Dzese todziremekedza

    Kubva pasi pemwoyo.

    Tova shamwari dzapedyo,

    Hatizombodzirambi.

  3. 3. Tivimbe nehama dzedu

    Padzinotungamira.

    Dzatiudza zvekuita,

    Tinyatsoteerera.

    Chikomborero nesimba

    Achatipa Jehovha.

    Tavimbika, tatendeka,

    Tichava vaJehovha.