Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 122

Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

(1 VaKorinde 15:58)

  1. 1. Marudzi zvino azotambura.

    Vanhu vari kutya ramangwana.

    Tive vasingambotsuduguki

    Pakushumira Mwari.

    (KORASI)

    Timire takasimba

    Tiri kure nenyika,

    Kusvika pam’gumo; Tiwane upenyu.

  2. 2. Tinonzvenga misungo yenyika

    Kana tichifunga zvakanaka.

    Nekuvenga zvinhu zvakaipa

    Hatimbozununguki.

    (KORASI)

    Timire takasimba

    Tiri kure nenyika,

    Kusvika pam’gumo; Tiwane upenyu.

  3. 3. Mwari umude nemwoyo wese;

    Ita zvizhinji mubasa rake.

    Kuparidza shoko batisisa,

    Nguva hapasisina.

    (KORASI)

    Timire takasimba

    Tiri kure nenyika,

    Kusvika pam’gumo; Tiwane upenyu.