Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 106

Kushanda Kuti Tive Nerudo

Kushanda Kuti Tive Nerudo

(1 VaKorinde 13:1-8)

  1. 1. Tinokumbira Mwari kuti

    Timutevedzere pazvese.

    Asi chakanyanya kukosha

    Ndirwo rudo rwaanotipa.

    Tingava nezvipo zvizhinji,

    Tisina rudo hazvikoshi.

    Mwari ngaatipewo rudo

    Pamashoko nepazviito.

  2. 2. Rudo rwunopa rwuchifara;

    Rudo rwunofungawo vamwe.

    Harwurongi zvekurwadzisa;

    Zvikwereti rwunotodzima.

    Rwotsungirira kutadzirwa.

    Rwuchitakura zvinorema.

    Rwunokunda yese miedzo;

    Rudo harwumbokundikani.