Ndosimbisa Kutenda Kwangu
Dhaunirodha:
1. Kutenda kwangu kwapotsa kwapera; ndaomerwa
Ndakanga ndadzikatidzwa,
Nemafungiro enyika ino
Asi ndotosunga dzisimbe ndisadonha.
Ndogadzirisa nhoo yekutenda,
Ndoisimbisa:
(KORASI)
Ndokuchidzira kutenda.
Ndonyengetera kuna Jah
“Ndiwedzerei kutenda.”
Ondipindura, Ondipa zvandinoda
Ndisimbise,
Kutenda kwangu,
Kutenda kwangu.
2. Munyika zvinosemesa ndizvo zvava zvakanaka
Asi kuti ndikunde
Ndozviisa pasi paMwari wangu
Ndoramba ndichivimba nemitemo yenyu.
Shoko renyu rese ichokwadi;
Netariro yangu!
(KORASI)
Ndokuchidzira kutenda.
Ndonyengetera kuna Jah
“Ndiwedzerei kutenda.”
Ondipindura
Ondipa zvandinoda
Ndisimbise,
Kutenda kwangu,
Kutenda kwangu.
(BHIRIJI)
Ndosimbiswa nehama, nehanzvadzi,
Nerwiyo rumwe kana nevhesi
“Maita Jehovha masimbisa kutenda kwangu!”
(KORASI)
Ndokuchidzira kutenda.
Ndonyengetera kuna Jah
“Ndiwedzerei kutenda.”
Anondipindura nekundipa zvandinoda
Ndisimbise,
Kutenda kwangu,
Ndisimbise,
Kutenda kwangu,
Ndisimbise,
Kutenda kwangu.

