Ndinoda Kuva Munyoro saMozisi

Ndinoda Kuva Munyoro saMozisi

Dhaunirodha:

  1. 1. Mozisi aida kufadza Jehovha.

    Ndozvaakadzidziswa namai nababa.

    Neniwo ndoterera amai nababa.

    SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.

  2. 2. Paaiva mufudzi akabvuma kuti

    Mwari wake Jehovha amudzidzise.

    Saka neni ndinoda kuterera Mwari.

    SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.

  3. 3. Paaitungamira vaIsraeri

    Aiterera vamwe zvavaimuudza.

    Neni ndinoterera shamwari dzanguwo.

    SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.

    (Mhedziso)

    Mwari wangu Jehovha ndichamuterera.

    SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.