Ndinoda Kuva Munyoro saMozisi
Dhaunirodha:
1. Mozisi aida kufadza Jehovha.
Ndozvaakadzidziswa namai nababa.
Neniwo ndoterera amai nababa.
SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.
2. Paaiva mufudzi akabvuma kuti
Mwari wake Jehovha amudzidzise.
Saka neni ndinoda kuterera Mwari.
SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.
3. Paaitungamira vaIsraeri
Aiterera vamwe zvavaimuudza.
Neni ndinoterera shamwari dzanguwo.
SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.
(Mhedziso)
Mwari wangu Jehovha ndichamuterera.
SaMozisi ndinoda kuvawo munyoro.