VHIDHIYO 3
“Ndini Wacho”
(Yakareba 39:40)
Jesu anodzidzisa Nikodhimo, mukadzi wekuSamariya, uye vanhu vemuNazareta asi vamwe vavo vanomuramba. Zvimwe zviri muvhidhiyo iyi ndeizvi:
Jesu anotsanangurira Nikodhimo nezvekuberekwa nemvura uye nemweya (Johani 3:1-13)
Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa sezvakaitwa nyoka murenje (Johani 3:14, 15)
Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti aponese nyika, kwete kuitonga (Johani 3:16-21)
Uchapupu hwaJohani hwekupedzisira nezvaJesu (Johani 3:22-30)
Kutenda muMwanakomana akabva kumusoro kunoreva upenyu husingaperi (Johani 3:31-36)
Johani anoiswa mujeri (Mako 6:17-20; Mateu 4:12; 14:3-5; Ruka 3:19, 20)
Jesu aneta, uye anosvika patsime raJakobho muSikari kuSamariya (Johani 4:1-6)
Jesu anotanga kukurukura nemukadzi wekuSamariya (Johani 4:7-15)
Jesu anodzidzisa mukadzi muSamariya nezvekunamata kwechokwadi (Johani 4:16-24)
Jesu anozvizivisa kumukadzi wekuSamariya kuti ndiye Mesiya (Johani 4:25, 26)
Mukadzi wekuSamariya anopupura kune vamwe (Johani 4:27-30)
Jesu anofananidza kuita kuda kwaMwari nezvekudya; anotaura nezvekukohwa kwemweya (Johani 4:31-38)
VaSamariya vakawanda vanotenda muna Jesu kuti “ndiye muponesi wenyika” (Johani 4:39-42)
Jesu anotanga kuparidza muGarireya (Johani 4:43-45; Mako 1:14, 15; Mateu 4:17; Ruka 4:14, 15)
Jesu anoporesa mwanakomana wegurukota muKana kuGarireya (Johani 4:46-54)
Jesu anorambwa muNazareta (Ruka 4:16-30)
Jesu anoenda kuKapenaume (Mateu 4:13-16)
Chishamiso chekubata hove; kudanwa kwevadzidzi vekutanga (Ruka 5:1-11; Mateu 4:18-22; Mako 1:16-20)

