Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Sei tichifanira kuyeuka rufu rwaJesu?

Kufa kwakaita Jesu kuchatibatsira sei?—Isaya 25:8; 33:24

Rufu rwaJesu rwunokosha kupfuura zvose zvakamboitika munhoroondo yevanhu. Akafa kuti vanhu vadzokere pakuva neupenyu hwavaiva nahwo pakutanga. Munhu haana kusikwa aine pfungwa dzekuda kuita zvakaipa. Aisafanira kurwara kana kufa. (Genesisi 1:31) Asi chivi chakapinda munyika nemunhu wekutanga, Adhamu. Jesu akafa kuti atinunure pachivi nerufu.—Verenga Mateu 20:28; VaRoma 6:23.

Mwari akatiratidza rudo rwakakura nekutuma Mwanakomana wake panyika kuti azotifira. (1 Johani 4:9, 10) Jesu akaudza vateveri vake kuti vaite musangano usingashamisiri wekuyeuka rufu rwake, vachishandisa chingwa newaini. Kuita izvi gore negore kunoratidza kuti tinotenda rudo rwatakaratidzwa naMwari uye naJesu.—Verenga Ruka 22:19, 20.

Ndivanaani vanofanira kudya chingwa nekunwa waini?

Jesu paakatanga kuudza vadzidzi vake kuti vayeuke rufu rwake, akataura nezvesungano kana kuti chibvumirano. (Mateu 26:26-28) Sungano iyi yaizoita kuti ivo nevamwewo vaizosarudzwa vazova madzimambo nevapristi naye kudenga. Kunyange zvazvo mamiriyoni evanhu achiyeuka rufu rwaJesu, vaya chete vari musungano iyoyo ndivo vanodya chingwa nekunwa waini.—Verenga Zvakazarurwa 5:10.

Iye zvino patova nemakore angada kusvika 2 000, Jehovha achisarudza vaya vachazova madzimambo. (Ruka 12:32) Vanhu ava vashoma kana tichienzanisa nevachararama nekusingaperi panyika.—Verenga Zvakazarurwa 7:4, 9, 17.