Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Vana vangadzidza sei kuda Mwari?
Dzidzisa mwana wako kuti azive uye ade Mwari uchishandisa zvakasikwa
Vana vako vanogona kudzidza kuda Mwari kana vaine chokwadi chekuti ariko uye kuti anovada. Kuti vade Mwari vanofanira kunge vachimuziva. (1 Johani 4:8) Somuenzaniso, vanofanira kuziva kuti: Mwari akasikirei vanhu? Nei Mwari achibvumira kutambura? Mwari achaitirei vanhu mune ramangwana?
Kuti ubatsire vana vako kuda Mwari, iwe pachako unofanira kuratidza kuti unomuda. Pavanoona kuti unoda Mwari, vanogonawo kukutevedzera.
Ungadzidzisa sei vana vako zvinosvika pamwoyo?
Shoko raMwari rine simba. (VaHebheru 4:12) Saka batsira vana vako kuti vazive dzidziso dzeBhaibheri. Jesu paaidzidzisa vanhu aivabvunza mibvunzo, aivateerera uye aivatsanangurira Magwaro, kuti mashoko ake asvike pamwoyo yavo. Saka kuti udzidzise vana vako zvinosvika pamwoyo, tevedzera madzidzisiro aiita Jesu.
Uyezve, unogona kubatsira vana kuti vazive uye vade Mwari uchishandisa nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza mabatiro aiita Mwari nevanhu. Mabhuku anobatsira anowanika pawww.jw.org.