Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VAVERENGI VANOBVUNZA KUTI . . .

Chokwadi Panyaya yeKrisimasi Ndechipi?

Chokwadi Panyaya yeKrisimasi Ndechipi?

Mamiriyoni evanhu munyika yose anopemberera Krisimasi nezvikonzero zvakasiyana siyana. Vamwe vanofarira mazororo nokuti anoita kuti vave pamwe chete nemhuri dzavo neshamwari. Vamwe vanenge vachifunga nezvaMwari kana kuti kubatsira varombo nevanoshayiwa. Mabasa aya pachawo akanaka. Zvisinei, anowanzoitwa pamwe nezororo iri rine zvarakaipira.

Chokutanga, vakawanda vanopemberera Krisimasi vanoti ndiro zuva rakazvarwa Jesu. Zvisinei, vanyori vezvakaitika kare vakawanda vanobvumirana kuti zuva raakazvarwa harizivikanwi. The Christian Book of Why rinoti “vaKristu vekutanga havana kupemberera zuva rakazvarwa Jesu” nekuti vakanga vachida “kusiyana zvachose nezvinoitwa nevahedheni.” Kunyangewo muBhaibheri, hapana panotaurwa kuti Jesu akambopemberera zuva rekuzvarwa kwake kana kuti remumwewo munhu. Asi akaudza vateveri vake kuti vachengete zuva rekufa kwake.Ruka 22:19.

Chechipiri, vaongorori vakawanda vanoti zvizhinji zvinoitwa paKrisimasi hazvisi zvechiKristu uye zvakatangwa nevahedheni. Izvi zvinosanganisira kukudza Father Christmas, kushandisa muti weKrisimasi, kupanana zvipo, kubatidza makenduru uye matanda zvepaKrisimasi, kurembedza maruva anoyevedza pamadhoo, nekuimba nziyo dzechitendero. Richitaura nezvetsika idzi, bhuku rinonzi The Externals of the Catholic Church rinoti: “Patinopa vanhu zvipo zveKrisimasi kana kuti pavanotipa, uye patinorembedza maruva egirini anenge akaita sehata mudzimba dzedu nemumachechi, vakawanda vedu tinogona kunge tisingazivi kuti tiri kutevedzera zvakatangwa nevahedheni.”

“Patinopa vanhu zvipo zveKrisimasi kana kuti pavanotipa, uye patinorembedza maruva egirini anenge akaita sehata mudzimba dzedu nemumachechi, vakawanda vedu tinogona kunge tisingazivi kuti tiri kutevedzera zvakatangwa nevahedheni.”The Externals of the Catholic Church

Asi unganetseka kuti chii chakaipa nekuita zvinhu izvi zvinoita sezvakanaka. Pfungwa yechitatu inotiratidza zvazvakaipira. Mwari haadi kuti kunamata kwakachena kubatane nekuita zvechihedheni. Achishandisa muprofita wake Amosi, Jehovha Mwari akaudza vanamati vake vemuIsraeri vainge vapanduka kuti: “Ndakavenga, ndakaramba mitambo yenyu . . . Bvisai ruzha rwenziyo dzenyu kwandiri.”Amosi 5:21, 23.

Nei vakatsiurwa zvakasimba kudai? Funga zvakanga zvichiitwa nevanhu veumambo hwemadzinza gumi erudzi rwaIsraeri. Mambo wavo wekutanga, Jerobhoami, akaisa mhuru dzendarama kuguta reDhani nereBheteri, uye akafurira vanhu kuti vadzinamate pane kuti vanamate Jehovha Mwari patemberi muJerusarema. Mambo uyu akaitawo kuti pave nemitambo, uye akagadza vapristi kuti vabatsire vanhu kuichengeta.1 Madzimambo 12:26-33.

Zvaiitwa nevaIsraeri ivavo zvaiita sezvine musoro. Vaitoti vari kuita zvose izvi nechinangwa chokunamata Mwari nekumufadza. Asi mashoko akataurwa naMwari achishandisa Amosi nevamwe vaprofita anoratidza zvakajeka kuti Mwari aiona sei zvavaiita izvi. Achishandisa muprofita Maraki, Mwari akati: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.” (Maraki 3:6) Izvi hazviratidzi here kuti Mwari anoona sei zvakasiyana-siyana zvinoitwa nevanhu pavanenge vachichengeta Krisimasi mazuva ano?

Kune mamiriyoni evanhu vasingachengeti Krisimasi, nezvikonzero zvataurwa munyaya ino. Asi vanonakidzwa uye vanogutsikana nekuva nemhuri neshamwari dzavo, uye kubatsira varombo nevanoshayiwa, chero nguva yavanenge vazvifunga, gore rose.