Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

2 Mwari Haana Hanya Nevanhu—Ichokwadi Here?

2 Mwari Haana Hanya Nevanhu—Ichokwadi Here?

2 Mwari Haana Hanya Nevanhu—Ichokwadi Here?

Zvaungadaro wakanzwa: “Dai Mwari ainyatsova nehanya nevanhu, angadai akabvisa kutambura uye zvinhu zvakaipa zviri munyika. Kunyange zvikanzi ane hanya nevanhu vose, haana hanya nezvinoitika kwandiri.”

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Jehovha Mwari haasi iye anokonzera zvakaipa. (Jakobho 1:13) Kunyange zvazvo Mwari achigona kubvisa zvakaipa chero paadira, akabvumira kuti nyika yakaipa iripo iye zvino imboenderera kuitira kuti agadzirise nyaya youchangamire hwake uye yokuperera kwevanhu yakamutswa pakatanga kusikwa vanhu. Asi pakupedzisira achabvisira vanhu vake matambudziko ose ari kukonzerwa nevanhu vanoramba kutonga kwake.—Genesisi 3:1-6; Isaya 65:17. *

Mwari haangogumiri pakutida tose seboka asi anoda mumwe nomumwe wedu zvikuru. Mateu 10:29-31 inoratidza kuti anoziva twose tunoitika kwatiri kupfuura zvatinoita isu pachedu, ichiti: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi imi kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”

Kubatsirwa kwaungaita nokuziva chokwadi: Hatiwanzodi kushamwaridzana nevanhu vane hasha uye vasina hanya nevamwe. Ndokusaka zvisingashamisi kuti nhema dzokuti Mwari haana hanya dzinoita kuti vakawanda vasada kuziva nezvake uye vazongomunamata nokuti hapana zvavangazviita. Kuziva kuti Jehovha Mwari ane hanya chaizvo nevanhu kunogona kuita kuti ude kudzidza zvakawanda nezvake uye uvake ushamwari naye.

Somuenzaniso, ungadaro waimbonyengetera kuna Mwari asi usina chokwadi kuti anokunzwa here kana kuti kukupindura. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Munzwi womunyengetero,” Jehovha, anogara akagadzirira kukurukurirana nevanhu vose vanomunamata nemwoyo wose.—Pisarema 65:2.

Mwari anokukumbira kuti ‘ukande kuzvidya mwoyo kwako kwose paari, nokuti iye ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Tinogona kuvimba naye kunyange patinenge tichishungurudzika zvakanyanya, nokuti Shoko rake rinoti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”—Pisarema 34:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro pokuti nei Mwari achibvumira kutambura, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Kana Mwari asina hanya nesu, sei achitikumbira kuti tinyengetere kwaari?