Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madzidzisiro Api Anonyatsoita?

Madzidzisiro Api Anonyatsoita?

 Madzidzisiro Api Anonyatsoita?

“Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”—DHEUTERONOMIO 6:6, 7.

DZIMWE nguva vabereki vangaona sokuti basa rokudzidzisa vana vavo rinorema. Pavanobvunza mazano okuti vorera sei vana vavo, mazano avanoudzwa angatovavhiringidza nokuti anenge akasiyana-siyana. Hama neshamwari hadzinonoki kupawo mazano adzo. Uyewo, mabhuku, magazini uye Indaneti zvinongoramba zvichibudisa mazano, mamwe acho anopikisana.

Bhaibheri haringogumiri pakupa mazano okuti vabereki chii chavangadzidzisa vana vavo, asiwo rinopa mazano okuti vangavadzidzisa sei. Sezvinoratidzwa nendima dzeBhaibheri dziri pamusoro apa, zuva nezuva vabereki vanofanira kutsvaka nzira yokutaura nezvaMwari kuvana vavo. Pasi apa panokurukurwa mazano mana eBhaibheri ayo akabatsira zviuru zvevabereki kuti vadzidzise vana vavo nezvaMwari.

1. Dzidzisai vana kuti vangadzidzei pane zvakasikwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokuti izvo zvaari [Mwari] zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.” (VaRoma 1:20) Vabereki vane zvakawanda zvavanogona kuita kuti vabatsire vana vavo kuona Mwari seMunhu chaiye. Vangaita izvi nokuratidza vana vavo zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naMwari, vobvunza kuti unhu hupi huna Mwari hwavanoona pachinhu chimwe nechimwe chakasikwa.

Iyi ndiyo nzira yakashandiswa naJesu paaidzidzisa vadzidzi vake. Somuenzaniso, akati: “Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here?” (Mateu 6:26) Apa Jesu airatidza pachena kuti Jehovha ane rudo uye anonzwira tsitsi. Asi haana kugumira ipapo. Akabatsira vadzidzi vake kuti vazvifungire voga kuti Mwari akaratidza sei unhu ihwohwo kuvana vake.

Mambo akachenjera Soromoni akataura nezveuchenjeri hwakapiwa masvosve naMwari, achibva azotaura nezvechidzidzo chinokosha chatinowana pamasvosve. Akanyora kuti: “Iwe simbe, enda kusvosve; ona nzira dzaro uve akachenjera.  Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri kana mutongi, rinogadzirira zvokudya zvaro muzhizha; rakaunganidza zvokudya zvaro munguva yokukohwa.” (Zvirevo 6:6-8) Chokwadi, iyi inzira inonyatsoshanda yokudzidzisa vana nezvokuti vangava sei nezvinangwa zvinokosha muupenyu vobva vashandisa simba ratinopiwa naMwari kuti vazadzise zvinangwa izvozvo.

Vabereki vanogona kutevedzera madzidzisiro anobudirira akaitwa naJesu uye Soromoni kana vakaita zvinotevera: (1) Kubvunza vana vavo kuti imhuka dzipi uye zvinomera zvavanofarira. (2) Kuongorora zvakawanda nezvezvinhu izvozvo. (3) Kutsvaka kuti zvisikwa izvozvo zvinovadzidzisei nezvaMwari.

2. Tevedzerai Jesu pamabatiro aaiita vanhu vaaidzidzisa. Pavanhu vose vakamborarama pasi pano, Jesu ndiye aiva nezvinhu zvinonyanya kukosha zvokutaura. Asi, nguva yake yakawanda aibvunza mibvunzo. Aida chaizvo kunzwa pfungwa dzevanhu vaaidzidzisa. (Mateu 17:24, 25; Mako 8:27-29) Vabereki vane zvinhu zvinokosha zvakawandawo zvavanoda kudzidzisa vana vavo. Saka kuti vabudirire vanofanira kutevedzera Jesu vokurudzira vana vavo kuti vataure zvavanofunga vakasununguka.

Ko kana vana vaine mafungiro asina kunaka kana kuti vachinonoka kubata zvavari kudzidziswa? Ngatimbokurukurai kuti Jesu akabatsira sei vadzidzi vake. Dzimwe nguva vadzidzi vaiitirana nharo huru uye vainonoka kuona zvakanakira kuzvininipisa. Asi Jesu akaramba aine mwoyo murefu achidzokorora nyaya yokuti vaifanira kuzvininipisa. (Mako 9:33, 34; Ruka 9:46-48; 22:24, 25) Vabereki vanofanirawo kutevedzera Jesu vachiitira vana vavo mwoyo murefu uye pamwe pacho vanofanira kudzokorora zvavanenge vachida kusvikira vana vava kunyatsonzwisisa. *

3. Dzidzisai nomuenzaniso wenyu. Zvakanaka chaizvo kuti vabereki vateerere zano romuapostora Pauro raakapa vaKristu vaiva muRoma. Akavanyorera kuti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ haubi here?”—VaRoma 2:21.

Zano iri rakakodzera nokuti vana vanonyanya kukoshesa zvinoitwa nevabereki vavo kupfuura zvavanotaura. Chokwadi, kana vabereki vachiita zvavanotaura kazhinji zvinobva zvaitira vana nyore kuti vatevedzere zvavanodzidziswa nevabereki vavo.

4. Tangai mwana achiri muduku. Timoti uyo aifamba nomuapostora Pauro parwendo rwoumishinari, aipupurirwa zvakanaka chaizvo nevanhu vekwaaigara. (Mabasa 16:1, 2) Chimwe chikonzero chaiva chokuti “kubvira paucheche,” Timoti aidzidziswa “zvinyorwa zvitsvene.” Mai vaTimoti nambuya vake vakanga vasingangogumiri pakumuverengera Magwaro asi vaimubatsira kuti anzwisise zvokukwanisa kutsanangurirawo vamwe.—2 Timoti 1:5; 3:14, 15.

Ndekupi Kwaungawana Rubatsiro

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku akawanda akanyorerwa kubatsira vabereki kuti vadzidzise vana vavo chokwadi nezvaMwari. Mamwe akanyorerwa vana vaduku. Mamwe anobatsira kuti vabereki nevana vavo vari kuyaruka varambe vachitaurirana vakasununguka. *

Vabereki vasati vadzidzisa vana vavo nezvaMwari, vanofanira kutanga vaziva mhinduro dzemibvunzo yakaoma ingabvunzwa nevana vavo. Somuenzaniso, mungapindura sei mibvunzo inotevera: Nei Mwari achibvumira kutambura? Mwari akasikirei nyika ino? Vakafa vari kupi? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwewo kuitira kuti iwe nemhuri yako muswedere pedyo naMwari.—Jakobho 4:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘kuroverera’ pana Dheuteronomio 6:7, rinoreva kudzokorora pfungwa yacho kakawanda.

^ ndima 15 Kuti vabatsire vana vaduku, vabereki vanogona kushandisa bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, iro rinonyanya kutaura nezvedzidziso dzaJesu Kristu kana kuti rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, iro rinotsanangura zviri nyore zvidzidzo zvinokosha zviri muBhaibheri. Kune vari kuyaruka, vabereki vanogona kushandisa bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1 ne2.