Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Mwari Achirega Vanhu Vachitambura?

Nei Mwari Achirega Vanhu Vachitambura?

Vaverengi Vanobvunza Kuti

Nei Mwari Achirega Vanhu Vachitambura?

Mwari haasi iye anoita kuti vanhu vatambure. Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa.” (Jobho 34:10) Saka, ndiani honzeri chaiyo yokutambura?

Jesu akati Satani ndiye “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Chokwadi, Jehovha ndiye Changamire Wezvose Zvakasikwa. Haazombosiyi chigaro ichocho. Zvisinei, Mwari akarega Satani achitonga ruzhinji rwevanhu kwekanguva.—1 Johani 5:19.

Satani ave ari mutongi akaita sei? Kubva paakatanga kuonana nevanhu, Satani ave ari mhondi uye munyengeri. Satani anonyonganisa vanhu nenzira dzakaoma kunzwisisa. Jesu akamupa mhosva nemashoko aya anoti: “Iye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Jesu akataurawo kuti varume vaida kumuuraya vaiva vana vemhondi iyi yokutanga. Vakazviita vana vake pavakamutevedzera. Vakuru vakati mbudzi kudya mufenje hufana nyina.

Satani achiri kuda kuti vanhu vave mhondi. Somuenzaniso, R. J. Rummel, aimbova purofesa paUniversity of Hawaii, kuU.S.A., anofungidzira kuti kubva muna 1900 kusvika muna 1987, hurumende dzakasiyana-siyana dzakaponda vanhu 169 198 000 paiitika bongozozo rezvematongerwe enyika, kupondana kwemarudzi uye kuuraya vanhu pasina chikonzero. Nhamba iyi haibatanidzi makumi emamiriyoni akaurayiwa muhondo panguva iyoyo.

Kana Mwari asiri iye anoita kuti vanhu vatambure, nei achirega vachitambura? Nyaya dzinobatanidza zvinhu zvose zvakasikwa, dzine chokuita nezvakanaka nezvakaipa dzakatangwa kare dzichiri kuda kugadziriswa. Ngatimboonai imwe yacho.

Vanhu vokutanga Adhamu naEvha pavakasikwa, vakatsigira Satani. Vakaramba kutongwa naMwari ndokusarudza kuzvitonga, asi chaizvoizvo vachitongwa naDhiyabhorosi.—Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9.

Kururamisira kwaJehovha kwaida kuti pambobvumirwa nguva yokuti chokwadi chibude pachena. Ndeipi mhedziso isingarambiki? Kutonga kwevanhu vachitungamirirwa naSatani kunongokonzera kutambura. Kutaura zvazviri, kufamba kwaita nguva kwaratidza kuti kubvumira kwaMwari kuti pambopfuura nguva kwakatobatsira vanhu. Sei? Vaya vanodzidza nezvouchapupu hwacho vachihubvuma vane mukana wokuratidza kuda kwavanoita kutongwa naMwari. Vaya vanodzidza zvinodiwa naMwari vachirarama maererano nazvo vane tariro yokurarama nokusingaperi.—Johani 17:3; 1 Johani 2:17.

Chokwadi, panguva ino Satani ndiye akabata nyika noupi hwake. Asi nguva yaasara nayo ipfupi. Munguva pfupi iri kuuya Jehovha achashandisa Mwanakomana wake kuti “aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Achitungamirirwa naMwari, Jesu achagadzirisa mwoyo yakaputsika noupenyu hwakavhiringidzwa. Achamutsa mabhiriyoni evanhu vakatambura uye vakafa mumazana emakore akapfuura kuti vararame pasi pano.—Johani 11:25.

Kumutswa kwaJesu muenzaniso wokukunda kwaMwari mabasa aDhiyabhorosi, chimwe chezvinhu zvichaitirwa vanhu vanosarudza kutongwa naMwari. (Mabasa 17:31) Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa ramangwana iroro nemashoko aya anonyaradza: “Mwari pachake achava [nevanhu]. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.