Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Vakaona’ Zvipikirwa

‘Vakaona’ Zvipikirwa

‘Havana kuwana kuzadzika kwezvipikirwa, asi vakazviona zviri kure.’—VAH. 11:13.

1. Kufungidzira zvichaitika mune ramangwana kunotibatsira sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

JEHOVHA akatipa chipo chinoshamisa chaizvo chokukwanisa kufungidzira kuti zvinhu zvatisati taona zvichange zvakaita sei. Chipo ichocho chinotibatsira kuronga zvinhu neuchenjeri uye kuti titarisire zvinhu zvakanaka zvatichawana mune ramangwana. Jehovha anoziva zvichaitika mune ramangwana uye anogara atiudza zvinhu izvozvo achishandisa Magwaro. Mupfungwa dzedu tinogona kuita setiri kutoona zvichiitika. Izvozvo zvinototibatsira kuti tive nokutenda.—2 VaK. 4:18.

2, 3. (a) Nei zvichikosha kuti zvatinofungidzira zvive nepazvinobva? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

2 Dzimwe nguva tinogona kufungidzira zvinhu zvisingambofi zvakaitika. Somuenzaniso, kana kasikana kachifungidzira kakatasva bhatafurayi richibhururuka, kanenge kachingorotawo zvako. Asi chimbofunga nezvaHana, amai vaSamueri. Akaramba achifunga nezvezuva raaizoendesa mwanakomana wake Samueri kuti anoshumira kutebhenekeri. Uku kwainge kusiri kurota. Ndizvo chaizvo zvaainge asarudza kuita. Saka kugara achifunga nezvezuva iroro kwakamubatsira kuti achengete mhiko yake. (1 Sam. 1:22) Kana tikaita setiri kuona zvakavimbiswa naMwari zvichizadziswa, tinenge tisiri kurota asi tinenge tichitofungidzira zvinhu chaizvo zvichaitika.—2 Pet. 1:19-21.

3 Vanhu vakawanda vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vaiita sevari kuona zvinhu zvakavimbiswa naMwari zvichizadziswa. Kufungidzira makomborero iwayo kwakavabatsira sei? Uye nei zvakanaka kuti tifungidzire makomborero akavimbiswa naMwari kuvanhu vanoteerera?

KUTENDA KWAVO KWAKASIMBA PAVAIFUNGIDZIRA ZVAIVA MBERI

4. Nei Abheri aikwanisa kufungidzira zvakaita ramangwana?

4 Abheri, munhu wokutanga ainge akatendeka, ane zvaaifungidzira here pane zvainge zvavimbiswa naJehovha? Abheri aisaziva mazadzisirwo aizoitwa vimbiso yaiva mumashoko aMwari aakataurira nyoka achiti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Gen. 3:14, 15) Asi Abheri anofanira kunge aifungisisa vimbiso iyoyo uye akaziva kuti pane mumwe munhu ‘aizopwanywa chitsitsinho’ kuti vanhu vazova neupenyu hwakanaka sehwaiva naAdhamu naEvha vasati vatadza. Kunyange zvazvo tingasaziva kuti Abheri aifungidzirei nezveramangwana, tinoziva kuti aiva nokutenda kwaibva pane zvakavimbiswa naMwari uye izvozvo ndizvo zvakaita kuti Jehovha agamuchire chibayiro chake.—Verenga Genesisi 4:3-5; VaHebheru 11:4.

5. Inoki anofanira kunge akasimbiswa sei paaifungidzira zvaizenge zvakaita ramangwana?

5 Inoki aiva nokutenda kunyange zvazvo airarama nevanhu vasingadi Mwari vaitaura zvinhu zvakaipa kwazvo pamusoro paMwari. Inoki akaudzwa naMwari kuti aprofite kuti Jehovha aizouya “nemakumi ake ezviuru zvengirozi tsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari avakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo zvakataurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.” (Jud. 14, 15) Kutenda kwaiva naInoki kwakaita kuti afungidzire achiona nyika yose isisina vanhu vasingadi Mwari.—Verenga VaHebheru 11:5, 6.

6. Noa anofanira kunge airamba achifunga nezvei pashure peMafashamo?

6 Noa akapona paMafashamo nokuti aiva nokutenda. (VaH. 11:7) Pashure pemafashamo, kutenda kwaaiva nako kwakaita kuti ape zvibayiro zvemhuka. (Gen. 8:20) Kungofanana naAbheri, Noa aiva nechokwadi chokuti vanhu vaizosunungurwa muuranda hwechivi norufu. Mumazuva aNimrodhi uyo aiita zvinhu zvaipesana nezvaidiwa naJehovha, Noa akaramba aine kutenda uye tariro. (Gen. 10:8-12) Anofanira kunge akasimbiswa chaizvo paaifunga nezvokusunungurwa kwaizoitwa vanhu pautongi hunodzvinyirira, uye pachivi norufu. Nesuwo tinogona kuita setiri kuona nguva iyoyo inofadza yasvika, uye nguva iyoyo yava pedyo chaizvo!—VaR. 6:23.

VAKAITA SEVARI KUONA ZVIPIKIRWA ZVICHIZADZISWA

7. Abrahamu, Isaka naJakobho vanofanira kunge vaifungidzira ramangwana rakaita sei?

7 Abrahamu, Isaka naJakobho vanofanira kunge vaifungidzira ramangwana rakanaka nokuti Mwari ainge avavimbisa kuti marudzi ose epanyika aizowana makomborero nokuvana vavo. (Gen. 22:18; 26:4; 28:14) Vana vavo vaizowanda uye vaizogara muNyika Yakapikirwa. (Gen. 15:5-7) Kutenda kwaiva nevarume ava vaitya Mwari kwakaita kuti vaite sevari kutoona vana vavo vava kugara munyika iyoyo. Tingatoti kubva pakatadza Adhamu naEvha, Jehovha ari kubatsira vashumiri vake vakatendeka kuti vanzwisise kuti achaita sei kuti vanhu vazovazve neupenyu hwakakwana sehuya hwaiva naAdhamu.

8. Chii chakabatsira Abrahamu kuti ave nokutenda kwakasimba?

8 Kufungidzira kwaiita Abrahamu zvainge zvavimbiswa naMwari kunofanira kunge kwakamubatsira kuti aite mabasa makuru okutenda. Magwaro anoratidza kuti kunyange zvazvo Abrahamu pamwe nevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka “vasina kuwana kuzadzika kwezvipikirwa” muupenyu hwavo, “vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa.” (Verenga VaHebheru 11:8-13.) Abrahamu aiva neuchapupu hwakawanda hwairatidza kuti zvaaitarisira zvaiva zvechokwadi zvokuti aiita seaitozviona kunyange zvisati zvaitika.

9. Kutenda muzvipikirwa zvaMwari kwakabatsira sei Abrahamu?

9 Kutenda kwaAbrahamu muzvipikirwa zvaMwari kwakamubatsira kuti atsunge kuita zvinodiwa naJehovha. Somuenzaniso, akatsunga kubuda muguta reUri uye akaramba ari mugari wenguva pfupi mumaguta eKenani. Kungofanana neguta reUri, maguta eKenani aiva nenheyo dzisina kusimba nokuti madzimambo emo aisashumira Jehovha. (Josh. 24:2) Kubvira paakabuda muguta reUri, Abrahamu “akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo, iro Mwari ari muvaki nomuiti waro.” (VaH. 11:10) Abrahamu aiita seaitoona ava kugara munyika inotongwa naJehovha. Abheri, Inoki, Noa, Abrahamu nevamwewo, vaitenda kuti vanhu vakafa vachamutswa uye vaitarisira kuzorarama panyika vachitongwa noUmambo hwaMwari, “guta rine nheyo chaidzo.” Kufungisisa nezvemakomborero iwayo kwakaita kuti vawedzere kuva nokutenda muna Jehovha.—Verenga VaHebheru 11:15, 16.

10. Kufunga nezveramangwana kunofanira kunge kwakabatsira sei Sara?

10 Funga nezvaSara, mudzimai waAbrahamu. Kunyange zvazvo akanga ava nemakore 90 uye asina mwana, aitarisira kuti rimwe zuva aizova naye. Aiita seaitoona vana vake vachiwana makomborero ainge avimbiswa naJehovha. (VaH. 11:11, 12) Chii chaiita kuti atarisire izvozvo? Jehovha ainge audza Abrahamu, murume waSara kuti: “Ndichamukomborera uyewo ndichakupa mwanakomana anobva kwaari; ndichamukomborera uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva maari.” (Gen. 17:16) Sara paakasununguka Isaka, akabva ava nechokwadi chokuti zvimwe zvose zvainge zvavimbiswa Abrahamu naMwari zvaizozadziswa. Isuwo tinogona kusimbisa kutenda kwedu kana tikaita setiri kuona zvinhu zvinoshamisa zvatakavimbiswa naJehovha, uye tine chokwadi chokuti zvinhu izvozvo zvichatoitika.

AKARAMBA AKATARIRA MUBAYIRO

11, 12. Chii chakabatsira Mosesi kuti awedzere kuda Jehovha?

11 Mosesi ndemumwe aiva nekutenda muna Jehovha. Akashanda nesimba kuti awedzere kuda Jehovha. Paaiva muduku achigara muimba youmambo yeIjipiti, hapana chaimutadzisa kuva nesimba uye upfumi. Asi vabereki vake chaivo vakanga vamudzidzisa nezvaJehovha uye kuti Jehovha aida kusunungura vaHebheru kubva muuranda uye kuvapa Nyika Yakapikirwa. (Gen. 13:14, 15; Eks. 2:5-10) Mosesi aigara achifunga nezvemakomborero aizowanikwa nevanhu vaMwari, uye izvozvo zvakaita kuti awedzere kuda Jehovha.

12 Magwaro anoti: “Nokutenda Mosesi, paakanga akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao, achisarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku, nokuti akaona kuzvidzwa kwaKristu sepfuma huru pane pfuma yeIjipiti; nokuti akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.”—VaH. 11:24-26.

13. Mosesi akabatsirwa sei nokufungisisa zvainge zvavimbiswa naMwari?

13 Mosesi paaifungisisa zvainge zvavimbiswa naJehovha kuti aizoitira vaIsraeri, kutenda kwake uye kuda kwaaiita Mwari kwaiwedzera. Kungofanana nevamwe vashumiri vaMwari, Mosesi anofanira kunge aifunga nezvenguva yaizosunungurwa vanhu parufu naJehovha. (Job. 14:14, 15; VaH. 11:17-19) Izvi ndizvo zvakaita kuti Mosesi awedzere kuda Mwari uyo ainzwira tsitsi vaHebheru uye vanhu vose. Kutenda uye kuda Mwari kwakabatsira Mosesi muupenyu hwake hwose. (Dheut. 6:4, 5) Kunyange Farao paakati aizomuuraya, Mosesi haana kutya nokuti aiva nokutenda, aida Mwari uye aiona ramangwana rakanaka raiva mberi.—Eks. 10:28, 29.

ITA SEURI KUONA MAKOMBORERO ACHAUNZWA NOUMAMBO

14. Zvinhu zvipi zvinofungidzirwa nevanhu zvisingambofi zvakaitika?

14 Vanhu vakawanda vanofunga nezveramangwana asi zvavanenge vachifungidzira hazvimbofi zvakaitika. Somuenzaniso, vamwe vanhu vane zvinhu zvishoma zvokurarama nazvo vanorota vava nepfuma yakawanda uye vasisina kana chinovanetsa. Asi Bhaibheri rinoti upenyu munyika yaSatani hucharamba huzere nenhamo “nezvinhu zvinokuvadza.” (Pis. 90:10) Vanotozviona vasisina zvinovanetsa munyika ino inotongwa nevanhu, asi Bhaibheri rinoratidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchabvisa matambudziko evanhu. (Dhan. 2:44) Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari haasi kuzoparadza nyika ino yakaipa, asi Bhaibheri rinotaura zvakasiyana chaizvo nezvavanofunga. (Zef. 1:18; 1 Joh. 2:15-17) Vanhu ivavo vanenge vachingorota zvavo nokuti tarisiro dzavo hadzienderani nechinangwa chaJehovha.

Unozviona wava munyika itsva here? (Ona ndima 15)

15. (a) VaKristu vanobatsirwa sei nokufungidzira zvichange zvakaita ramangwana ravo? (b) Taura chimwe chinhu chaunotarisira Mwari paachazadzisa vimbiso dzake.

15 SevaKristu, tinosimbiswa patinoita setiri kuona tariro yedu ichizadziswa, ingava yokudenga kana kuti yepanyika. Unofungidzira here wava munyika itsva uchifadzwa nezvinhu zvakavimbiswa naMwari? Kana ukafungisisa zvaunenge uchiita Mwari paachazadzisa vimbiso dzake, uchafara chaizvo. Zvimwe ungafungidzira wava kugara panyika nokusingaperi uchishanda nevamwe kuita kuti nyika yose ive paradhiso. Vavakidzani vako vanoda Jehovha sezvaunoitawo. Une utano hwakanaka, une simba uye hauna kana chokutyira. Vaya vari kutungamirira basa rokuita kuti nyika yose ive paradhiso vanokuda chaizvo zvokuti uri kunakidzwa noupenyu. Uye uri kufara kushandisa matarenda ako nokuti zvose zvauri kuita zviri kubatsira vamwe uye zviri kukudza Mwari. Somuenzaniso, uri kubatsira vanhu vachangomutswa kuti vazive Jehovha. (Joh. 17:3; Mab. 24:15) Zvose izvi zvaunofungidzira hakusi kurota nokuti zvinobva pazvinhu zvinotaurwa neMagwaro kuti zvichaitika mune ramangwana.—Isa. 11:9; 25:8; 33:24; 35:5-7; 65:22.

UDZAWO VAMWE ZVAUNOTARISIRA MUNYIKA ITSVA

16, 17. Tinobatsirwa sei patinotaura nezvetariro yedu?

16 Patinoudza vamwe vaKristu zvatinoda kuzoita munyika itsva, tariro yedu inobva yawedzera kujeka. Kunyange zvazvo pasina anonyatsoziva kuti mamiriro ezvinhu emumwe nomumwe wedu achange akadii munyika itsva, patinotaura zvatinofungidzira kuti ndizvo zvichange zvakaita upenyu hwedu, tinokurudzirana uye tinoratidza kuti tinotenda kuti zvatakavimbiswa naMwari ndezvechokwadi. Muapostora Pauro paakashanyira hama dzake kuRoma, dzakasimbiswa chaizvo ‘nokukurudzirana’ kwavakaita. Isuwo tinosimbiswa patinokurudzirana munguva dzino dzinonetsa.—VaR. 1:11, 12.

17 Kufungidzira zvichange zvakaita ramangwana kunogonawo kutibatsira kuti tisangoramba tichifunga nezvematambudziko edu. Pane imwe nguva muapostora Petro ainetseka uye akati kuna Jesu: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai; chokwadi chii chatichawana?” Kuti abatsire Petro nevamwe vaivapo kuti vafungidzire zvaizenge zvakaita ramangwana ravo, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Pakusikwazve, Mwanakomana womunhu paanogara pachigaro chake choumambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri. Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvakapetwa kazhinji uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.” (Mat. 19:27-29) Petro nevamwe vadzidzi vanofanira kunge vakatanga kufungidzira basa ravaizoita muhurumende yaizotonga nyika yose uye yaizounza makomborero akawanda kuvanhu vanoteerera.

18. Kufunga nezvekuzadziswa kuchaitwa zvakavimbiswa naMwari kunotibatsira sei mazuva ano?

18 Vashumiri vaJehovha vari panyika vagara vachibatsirwa nokufungisisa nezvokuzadziswa kuchaitwa vimbiso dzaMwari. Zvishoma zvaizivikanwa naAbheri nezvezvinangwa zvaMwari zvakamubatsira kuti afungidzire ramangwana rakanaka, ave nokutenda uye ave netariro yechokwadi. Abrahamu akakwanisa kuita mabasa makuru okutenda nokuti akaita seaitoona kuzadzika kweuprofita hwaMwari hune chekuita ‘nemwana’ akapikirwa. (Gen. 3:15) Mosesi “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro,” uye izvi zvakamubatsira kuti arambe achida Jehovha uye arambe akatendeka kwaari. (VaH. 11:26) Kutenda kwedu uye kuda kwatinoita Jehovha kuchawedzerawo kana tikaita setiri kuona zvaakavimbisa zvichizadziswa. Nyaya inotevera ichatibatsira kuona kuti tingashandisa sei zvakanaka chipo ichi chatakapiwa naMwari.