Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usarega Kurwara Kuchikutadzisa Kufara

Usarega Kurwara Kuchikutadzisa Kufara

Usarega Kurwara Kuchikutadzisa Kufara

FUNGIDZIRA uchirwara kana kuti uchishungurudzika, zvokuti paunomuka mangwanani unoti kwaedzerei. Ungatonzwa sezvakaita Jobho uyo akati: “Zviri nani hangu ndife pane kuva mumatambudziko ose aya.” (Job. 7:15, The New English Bible) Zvakadini kana zvinhu zvikaramba zvakadaro, kunyange kwemakore?

Mefibhosheti, mwanakomana waJonatani, shamwari yaMambo Dhavhidhi, aiva nedambudziko rakadaro. Paaiva nemakore mashanu, ‘akawa ndokubva aremara.’ (2 Sam. 4:4) Paakazopomerwa mhosva yokupandukira mambo, ndokutorerwa pfuma yake, anofanira kuva akashungurudzika zvikawedzera kurwadziwa kwaaiitwa nourema hwake. Asi akaratidza muenzaniso wakanaka wokutsungirira urwere, kureverwa nhema, uye kuodzwa mwoyo, asingaregi zvinhu zvakadaro zvichimutadzisa kufara.—2 Sam. 9:6-10; 16:1-4; 19:24-30.

Muapostora Pauro ndemumwe muenzaniso. Akambonyora nezve“munzwa munyama” waaifanira kutsungirira. (2 VaK. 12:7) Munzwa waaitaura unogona kunge waiva kugara achirwara kana kuti vanhu vairamba kuti aiva muapostora. Pasinei nokuti munzwa wacho waiva chii, dambudziko racho harina kupera, uye aifanira kuritsungirira.—2 VaK. 12:9, 10.

Mazuva ano, vamwe vashumiri vaMwari vanobatwa nezvirwere zvinogara kwenguva refu kana kuti vanoshungurudzikawo. Ava nemakore 18, Magdalena akabatwa chirwere chinonzi systemic lupus erythematosus, chinokonzerwa nemasoja emuviri anenge achirwisa mamwe masero akanaka ari mumuviri. Anoti, “Ndakatya. Nokufamba kwenguva ndakarwara zvakanyanya uye zvakawedzerwa nezvirwere zvomudumbu, maronda mukanwa, uye zvirwere zvepahuro.” Izabela anewo matambudziko asingakurumidzi kuonekwa nevamwe. Anotsanangura kuti: “Ndave ndiine chirwere chedepression kubvira ndiri muduku. Izvi zvinoita kuti ndingovhunduka-vhunduka, ndizarirwe, uye ndinzwe kusunga mudumbu. Ndinogara ndakarukutika.”

Kubvuma Kuti Ndizvo Zvazviri

Kurwara uye kuva ndonda kunogona kukanganisa upenyu hwako. Saka kana ukarwara, zvinobatsira kugara pasi wonyatsoongorora mamiriro ako ezvinhu. Kubvuma kuti pane zvausisakwanisi kuita kungasava nyore. Magdalena anoti: “Chirwere changu chinongoramba chichikura. Kazhinji ndinonzwa ndakarukutika zvokutadza kumuka. Zvinondiomera chaizvo kugara ndaronga zvokuita nokuti handizivi kuti panguva iyoyo ndinenge ndichinzwa sei. Chinonyanya kundirwadza ndechokuti handichakwanisi kuita zvakawanda sezvandaichimboita mubasa raJehovha.”

Zbigniew anotsanangura kuti: “Nokupindana kwemakore, chirwere changu chearthritis chiri kundipedza simba, chichingoramba chichikanganisa majoini angu. Dzimwe nguva, pandinenge ndakanyanya kuzvimba, handikwanisi kuita basa riri nyore nyore. Izvi zvinondisuwisa.”

Makore akapfuura, Barbara akaonekwa kuti ane bundu muuropi rinoramba richikura. Anoti, “Muviri wangu wakangotanga kuita zvimwe zvawaisaita. Ndinopera simba, ndinogara ndichitemwa nomusoro, uye ndinonetseka kuisa pfungwa dzangu pachinhu. Ndaitofanira kuongorora zvose zvandinoita sezvo ndava nezvandisisakwanisi kuita.”

Vanhu vose ava vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira. Vanokoshesa kuita zvaanoda. Vanovimba naMwari zvizere uye vanobatsirwa nokuvatsigira kwaanoita.—Zvir. 3:5, 6.

Jehovha Anobatsira Sei?

Hatifaniri kufunga kuti kutambura kwatinoita chiratidzo chokuti Mwari haatifariri. (Mari. 3:33) Funga kutambura kwakaita Jobho kunyange zvazvo akanga “asina chaanopomerwa, akarurama.” (Job. 1:8) Mwari haaedzi munhu nezvinhu zvakaipa. (Jak. 1:13) Kurwara kwose, kusanganisira kushungurudzika, inhaka isingafadzi yatakawana kuvabereki vedu vokutanga Adhamu naEvha.—VaR. 5:12.

Zvisinei, Jehovha naJesu havazoregi kubatsira vakarurama. (Pis. 34:15) Zvinhu pazvinenge zvaoma ndipo patinonyatsoona kuti Jehovha ‘ndiye nzvimbo yedu yokupotera nenhare yedu.’ (Pis. 91:2) Saka, paunenge uri mumamiriro ezvinhu akaoma, chii chingakubatsira kuti urambe uchifara?

Munyengetero: Unogona kutevedzera vashumiri vaMwari vekare, nokukanda mutoro wako pana Baba vedu vokudenga uchinyengetera. (Pis. 55:22) Kana ukadaro, unogona kuwana “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” Rugare irworwo ‘rucharinda mwoyo wako nesimba rako rokufunga.’ (VaF. 4:6, 7) Magdalena ari kutsungirira chirwere chake chinomupedza simba nokuvimba naMwari achinyengetera. Anoti: “Kuudza Jehovha zviri kutsi kwomwoyo kunondizorodza uye kunoita kuti nditangezve kufara. Iye zvino ndava kunyatsonzwisisa zvinorehwa nokuvimba naMwari zuva nezuva.”—2 VaK. 1:3, 4.

Jehovha anogona kupindura minyengetero yako nokukupa simba achishandisa mudzimu wake mutsvene, Shoko rake uye hama dzechiKristu. Haungatarisiri kuti Mwari aite chishamiso chokukuporesa. Asi unogona kuva nechivimbo chokuti achakupa uchenjeri uye simba raunoda kuti utsungirire dambudziko rimwe nerimwe. (Zvir. 2:7) Anogona kukusimbisa, achikupa “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaK. 4:7.

Mhuri: Kana vanhu vari pamba vachiratidza rudo netsitsi, izvozvo zvinogona kukubatsira kutsungirira urwere hwako. Unofanira kuziva kuti hama dzako dzinotambudzikawo. Vangave vachitoshayawo kuti voita sei. Asi varipo kuti vakutsigire kunyange pazvinenge zvakaoma. Kunyengetera pamwe chete kuchakubatsira kuti uve nemwoyo wakadzikama.—Zvir. 14:30.

Barbara anoti nezvemwanasikana wake nedzimwe hanzvadzi dzechidiki dziri muungano: “Vanondibatsira muushumiri. Kushingaira kwavo kunondikurudzira uye kunoita kuti ndifare.” Zbigniew anobatsirwa chaizvo nemudzimai wake. Anoti, “Ndiye anoita mabasa akawanda epamba. Anondibatsira kupfeka uye anowanzonditakurira bhegi rangu pakuenda kumisangano yechiKristu uye muushumiri.”

Hama dzechiKristu: Patinenge tiine hama dzedu tinokurudzirwa uye tinonyaradzwa. Asi zvakadini kana usingakwanisi kuenda kumisangano nemhaka yokurwara? Magdalena anoti: “Ungano yakaronga kuti ndibatsirwe nemisangano nokuita kuti misangano irekodhwe. Vandinonamata navo vanowanzondifonera vachida kunzwa kana paine zvimwe zvavangandibatsira nazvo. Vanonditumirawo tsamba dzinokurudzira. Kuziva kuti vanondifunga uye kuti vane hanya neni kunondibatsira kuti nditsungirire.”

Izabela, uyo ane chirwere chedepression anorondedzera kuti: “Muungano ndina vanababa navanaamai vanonditeerera uye vanoedza kundinzwisisa. Ungano ndiyo mhuri yangu, uye ndiyo inondipa rugare nemufaro.”

Zvakanaka kuti vaya vane miedzo yakasiyana-siyana ‘vasazviparadzanise nevamwe.’ Asi vanofanira kukoshesa kushamwaridzana kwavanoita neungano. (Zvir. 18:1) Ivo vanobva vakurudzirawo vamwe zvakanyanya. Pakutanga ungazeza kuudza hama nehanzvadzi rubatsiro rwaunoda. Asi hama dzako dzingaonga chaizvo kana ukadziudza. Izvi zvinopa mukana ‘wokudanana kwazvo sehama pasina unyengeri.’ (1 Pet. 1:22) Unogona kuvaudza kuti unoda kutakurwawo kuenda kumisangano, kushanda navo muushumiri kana kumbowana nguva yokukurukurawo navo. Ichokwadi kuti haufaniri kubva waona sokuti une kodzero yokubatsirwa, asi unofanira kuonga zvaunoitirwa.

Iva nemaonero akanaka: Zviri kwauri kana uchida kukwanisa kurarama nourwere asi uchifara. Kugara wakangoti kwindi uye usingafari kunogona kuita kuti utange kuva nepfungwa dzisina kunaka. Bhaibheri rinoti: “Mafungiro omunhu angaita kuti ashivirire denda rake; asi mafungiro okunetseka, ndiani angaatsungirira?”—Zvir. 18:14.

Magdalena anoti: “Ndinoita zvose zvandinokwanisa kuti ndisaramba ndichifunga matambudziko angu. Ndinoedza kunakidzwa pandinenge ndichinzwa zviri nani. Ndinokurudzirwa nokuverenga nyaya dzoupenyu dzevanhu vakaramba vakatendeka pasinei nokurwara kwenguva refu.” Izabela anosimbiswa nokuziva kuti Jehovha anomuda uye anomukoshesa. Anoti: “Ndinonzwa ndichidiwa uye ndiine mumwe munhu wokuraramira. Uye ndine tariro yakazonaka.”

Zbigniew anoti: “Kurwara kwangu kunondidzidzisa kuzvininipisa uye kuteerera. Kunondidzidzisa kuratidza kunzwisisa uye kungwarira uyewo kukanganwira vamwe zvinobva pamwoyo. Ndakadzidza kunakidzwa nokushumira Jehovha ndisingangochemi-chemi. Chokwadi ndechokuti izvi zvakandipa simba rokuramba ndichifambira mberi pakunamata.”

Ziva kuti Jehovha anonyatsoona kuti uri kutsungirira. Anokunzwira tsitsi uye ane hanya newe. ‘Haazokanganwi basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake.’ (VaH. 6:10) Fungisisa vimbiso yaanopa vose vanomutya yokuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaH. 13:5.

Kana uchimbosuruvara, funga nezvetariro yakanaka chaizvo yokurarama munyika itsva. Nguva yokuti uone zvikomborero zveUmambo hwaMwari zvichiuya panyika yava pedyo zvikuru!

[Mufananidzo uri papeji 30]

Vose, vakuru nevaduku vanogona kukurudzira vamwe

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28]

Vanoramba Vachiparidza Pasinei Nokurwara

“Handichakwanisi kufamba ndiri ndoga, saka mudzimai wangu kana dzimwe hama nehanzvadzi vanoenda neni muushumiri. Ndinodzidzira mharidzo uye ndima dzeBhaibheri nomusoro.”—Jerzy, asisanyatsooni.

“Kuwedzera pakupupura nefoni, ndinonyora tsamba uye ndinogara ndichinyorerana nevashoma vanofarira. Pandinenge ndiri muchipatara, ndinowanzoisa Bhaibheri nemamwe mabhuku pedyo nemubhedha wangu. Izvi zvakandibatsira kuti kutanga kukurukura nevanhu vakawanda.”—Magdalena, ane chirwere chinonzi “systemic lupus erythematosus.”

“Ndinofarira ushumiri hwepaimba neimba, asi pandinenge ndichinzwa ndisingakwanisi, ndinoparidza ndichishandisa foni.”—Izabela, ane chirwere che“depression.”

“Ndinonakidzwa nokushanyirazve vanhu uye kubatsira pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Pandinenge ndichinzwa zviri nani, ndinofarira kuparidza paimba neimba.”—Barbara, ane bundu muuropi.

“Ndinongotakura kabhegi kemagazini kasingaremi. Ndinozorega kuparidza kana majoini angu ava kurwadza.”—Zbigniew, ane “arthritis.”