Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hauzivi Kuti Zvichabudirira Kupi!

Hauzivi Kuti Zvichabudirira Kupi!

Hauzivi Kuti Zvichabudirira Kupi!

“Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi.”—MUP. 11:6.

1. Nei kuona zvinhu zvichikura kuchishamisa uye kuchiita kuti tizvininipise?

MURIMI anofanira kushivirira. (Jak. 5:7) Kana adyara mbeu, anofanira kumirira kuti imere uye ikure. Zvishoma nezvishoma, kana zvinhu zvose zvakanaka, mbeu yacho inotanga kutungira, ichibuda muvhu. Zvadaro inokura yoita madzinde anozobereka. Pakupedzisira, murimi anenge ava nomunda wamirira kukohwewa. Zvinoshamisa zvikuru kuona zvinhu zvichikura! Kuziva kuti ndiani anoita kuti zvikure kunoitawo kuti tizvininipise. Tingatimbirira mbeu. Tingabatsira nokuidiridza. Asi Mwari chete ndiye anogona kuita kuti ikure.—Enzanisa na1 VaKorinde 3:6.

2. Ipfungwa dzipi dzakadzidziswa naJesu nezvokukura kwezvinhu dziri mumifananidzo yakakurukurwa munyaya yakapfuura?

2 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jesu akafananidza basa rokuparidza Umambo nokudyarwa kunoitwa mbeu nomurimi. Mumufananidzo weivhu rakasiyana-siyana, Jesu akati kunyange zvazvo murimi achidyara mbeu yakanaka, zvakaita mwoyo womunhu ndizvo zvinosarudza kuti mbeu yacho ichakura here kana kuti kwete. (Mako 4:3-9) Mumufananidzo womudyari anorara, Jesu akati murimi haanyatsonzwisisi kuti zvinhu zvacho zvinokura sei. Izvi imhaka yokuti simba raMwari ndiro rinoita kuti zvinhu zvikure, kwete zvinoitwa nevanhu. (Mako 4:26-29) Iye zvino ngatikurukurei mimwe mifananidzo mitatu yaJesu inoti, tsanga yemasitadhi, mbiriso, uye mambure okukukudzisa. *

Mufananidzo Wetsanga Yemasitadhi

3, 4. Mufananidzo wetsanga yemasitadhi unoratidzei nezveshoko roUmambo?

3 Mufananidzo wetsanga yemasitadhi, wakanyorwawo muna Mako chitsauko 4, unosimbisa zvinhu zviviri: chokutanga, kuwedzera kunoshamisa kwevanhu vanoteerera shoko roUmambo; chechipiri, kudzivirirwa kunoitwa vaya vanogamuchira shoko racho. Jesu akati: “Tichafananidza umambo hwaMwari nechii, kana kuti tichahurondedzera nomufananidzo wechii? Kufanana netsanga yemasitadhi, iyo panguva yayakadyarwa muvhu yakanga iri mbeu duku kupfuura dzimwe dzose dziri panyika—asi painenge yadyarwa, inomera yova huru pane mimwe miriwo yose uye inoita mapazi akakura, zvokuti shiri dzokudenga dzinokwanisa kuwana pokugara pasi pomumvuri wayo.”—Mako 4:30-32.

4 Pano pari kufananidzira kuwedzera kwo“umambo hwaMwari” kunooneka pakuparadzirwa kweshoko roUmambo uye pakukura kuri kuita ungano yechiKristu kubvira paPendekosti ya33 C.E. zvichienda mberi. Tsanga yemasitadhi kambeu kadukuduku kanogona kumiririra chinhu chiduku zvikuru. (Enzanisa naRuka 17:6.) Zvisinei, pakupedzisira dzinde romumasitadhi ringareba mamita 3 kusvika ku5 uye rinova nemapazi akasimba, richiguma raita somuti chaiwo.—Mat. 13:31, 32.

5. Ungano yechiKristu yakakura zvakadini muzana remakore rokutanga?

5 Ungano yechiKristu yakatanga kukura zvishoma muna 33 C.E., vadzidzi vanenge 120 pavakazodzwa nomudzimu mutsvene. Pasina nguva yakawanda, ungano duku iyi yevadzidzi yakava nezviuru zvevatendi. (Verenga Mabasa 2:41; 4:4; 5:28; 6:7; 12:24; 19:20.) Mumakore makumi matatu, nhamba yevakohwi yakanga yawedzera zvikuru zvokuti muapostora Pauro aigona kuudza ungano yokuKorose kuti mashoko akanaka akanga ato“paridzirwa zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Kukura kwacho kwaishamisa zvikuru!

6, 7. (a) Kuwedzera kupi kwakaitika kubvira muna 1914? (b) Ndokupi kumwe kuwedzera kucharamba kuchiitika?

6 Kubvira pakagadzwa Umambo hwaMwari kudenga muna 1914, mapazi “omuti” womumasitadhi akakura zvakanga zvisingatarisirwi. Vanhu vaMwari vakaona uprofita hwakanyorwa naIsaya huchizadzika, hwokuti: “Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.” (Isa. 60:22) Boka duku revakazodzwa raiita basa rokuparidza Umambo mukutanga kwezana remakore rechi20 harina kumbofungidzira kuti paizosvika gore ra2008, Zvapupu zvinenge mamiriyoni manomwe zvaizenge zvichiita basa iri munyika dzinopfuura 230. Kuwedzera kwacho kunoshamisa, uye kwakafanana nokukura kwetsanga yemasitadhi yomumufananidzo waJesu!

7 Asi kuwedzera kwacho kunogumira ipapo here? Aiwa. Vanhu vachatongwa noUmambo hwaMwari vachaguma vazadza pasi rose. Vose vanovashora vachange vabviswa. Izvi hazvizoitwi nevanhu asi Changamire Ishe Jehovha achapindira pane zviri kuitwa pasi pano. (Verenga Dhanieri 2:34, 35.) Panguva iyoyo tichaona kuzadzika kwohumwe uprofita hwakanyorwa naIsaya, hwokuti: “Nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isa. 11:9.

8. (a) Shiri dzomumufananidzo waJesu dzinomiririra vanaani? (b) Kunyange iye zvino takadzivirirwa pachii?

8 Jesu akati shiri dzokudenga dzinokwanisa kuwana pokugara mumumvuri woUmambo uhwu. Shiri idzi hadzimiririri vavengi voUmambo vanoedza kudya mbeu yakanaka, sezvakaitwa neshiri dzomumufananidzo womunhu aikusha mbeu paivhu rakasiyana-siyana. (Mako 4:4) Asi mumufananidzo uyu shiri dzacho dzinomiririra vanhu vane mwoyo yakarurama vanoda kudzivirirwa muungano yechiKristu. Kunyange iye zvino, ava vanodzivirirwa patsika dzinovatadzisa kuva noukama hwakanaka naMwari, dzisina kuchena dzenyika ino yakaipa. (Enzanisa naIsaya 32:1, 2.) Saizvozvowo Jehovha akafananidza Umambo hwaMesiya nomuti uye akataura achiprofita achiti: “Ndicharisima pagomo rakakwirira raIsraeri, richabudisa matavi, robereka michero, rova musidhari mukuru. Pasi pawo pachagara shiri dzose dzine mapapiro emarudzi ose; dzichagara mumumvuri wemashizha awo.”—Ezek. 17:23.

Mufananidzo Wembiriso

9, 10. (a) Jesu akasimbisa pfungwa ipi mumufananidzo wembiriso? (b) MuBhaibheri, mbiriso inowanzomiririrei, uye tichakurukura mubvunzo upi une chokuita nokutaura kwakaita Jesu nezvembiriso?

9 Kukura hakuwanzooneki nemaziso. Mumufananidzo wake unotevera, Jesu anosimbisa pfungwa iyi. Anoti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nembiriso, yakatorwa nomumwe mukadzi akaisanganisa nezviyero zvikuru zvitatu zvefurawa, kusvikira mukanyiwa wose waviriswa.” (Mat. 13:33) Mbiriso iyi inomiririrei, uye inei chokuita nokukura kwoUmambo?

10 MuBhaibheri, mbiriso inowanzoshandiswa kureva chivi. Muapostora Pauro akataura nezvembiriso nenzira iyi paaitaura nezvokukanganisa ungano kwaiita mutadzi aiva muKorinde yekare. (1 VaK. 5:6-8) Iye zvino Jesu akanga ava kushandisa mbiriso ichimiririra kukura kwechinhu chisina kunaka here?

11. Mbiriso yaishandiswa sei muIsraeri yekare?

11 Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, tinofanira kuziva zvinhu zvitatu zvinokosha. Chokutanga, kunyange zvazvo Jehovha akanga asingabvumiri mbiriso panguva yomutambo wePaseka, pane dzimwe nguva dzaaigamuchira zvibayiro zvaiva nembiriso. Mbiriso yaishandiswa pazvibayiro zvokuonga zvokugoverana, zvaipiwa mupi wacho achionga zvikomborero zvakawanda zvaaiva apiwa naJehovha. Kudya uku kwaifadza vaidya vacho.—Revh. 7:11-15.

12. Tingadzidzei pakushandisa kunoita Bhaibheri mifananidzo?

12 Chechipiri, kunyange zvazvo pane imwe nguva chiratidzo chingasataurwa zvakanaka nezvacho muMagwaro, pane imwe nguva chiratidzo ichocho chingashandiswa kureva chinhu chakanaka. Somuenzaniso, pana 1 Petro 5:8, Satani anofananidzwa neshumba, zvichiratidza kuti ane ngozi, anorura. Asi pana Zvakazarurwa 5:5, Jesu anofananidzwa neshumba, “Shumba yokudzinza raJudha.” Pana Zvakazarurwa, shumba inoshandiswa sechiratidzo chokururamisira kwoushingi.

13. Mufananidzo waJesu wembiriso unoratidzei nezvokufambira mberi pakunamata kungaitwa nomudzidzi?

13 Chechitatu, mumufananidzo waJesu, haana kuti mbiriso yakashatisa furawa yacho yose, zvichiita kuti isashandisika. Akangotaura nezvezvinoitwa pakubika chingwa. Amai vemba ndivo vaitowedzera mbiriso yacho, uye zvaibuda zvakanaka. Mbiriso yacho yaisanganiswa nomukanyiwa wefurawa. Saka yaivira amai vemba vasingazvioni. Izvi zvinotiyeuchidza nezvomurume anodyara mbeu onorara usiku. Jesu akati “mbeu inomera yoreba, kuti zvinoitika sei [murume wacho] haazivi.” (Mako 4:27) Inzira iri nyore chaizvo yokuenzanisa kufambira mberi mune zvokunamata kusingaoneki nemaziso kunoitwa nomudzidzi! Pakutanga tingasaona kufambira mberi kwake, asi zvibereko zvacho zvinozooneka pakupedzisira.

14. Chii chinoitwa pabasa rokuparidza chinofananidzwa nembiriso inoita kuti mukanyiwa wose uvire?

14 Kufambira mberi uku hakuoneki nemaziso asi kuri kuitika munyika yose. Iyi ndeimwe pfungwa inosimbiswa mumufananidzo wembiriso. Mbiriso yacho inoita kuti mukanyiwa wose, kureva “zviyero zvikuru zvitatu zvefurawa,” uvire. (Ruka 13:21) Kufanana nembiriso, basa rokuparidza Umambo rakaita kuti vadzidzi vawedzere rakura zvokuti iye zvino Umambo huri kuparidzwa “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8; Mat. 24:14) Takaropafadzwa zvikuru kuitawo basa iri rinoshamisa rokuwedzera kwoUmambo!

Mambure Okukukudzisa

15, 16. (a) Rondedzera muchidimbu mufananidzo wemambure okukukudzisa. (b) Mambure okukukudzisa anomiririrei, uye mufananidzo uyu unoreva chii nezvokuwedzera kwebasa roUmambo?

15 Zvinoitwa nevaya vanozviti vadzidzi vaJesu Kristu zvinokosha kupfuura kuwanda kwavo. Jesu akataura nezvokuwedzera kwoUmambo uku paakataura mumwe mufananidzo, wemambure okukukudzisa. Akati: “Zvakare umambo hwokumatenga hwakafanana nemambure okukukudzisa akadzikiswa mugungwa achiunganidza hove dzemarudzi ose.”—Mat. 13:47.

16 Mambure okukukudzisa, ayo anomiririra basa rokuparidza Umambo, anounganidza hove dzemarudzi ose. Jesu anoenderera mberi achiti: “[Mambure okukukudzisa] paakazara, vakaakwevera pamhenderekedzo uye, vachigara pasi, vakaunganidza dzakanaka mumidziyo, asi vakarasa dzisina kukodzera. Ndizvo zvazvichange zvakaita pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho: ngirozi dzichabuda dzoparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama uye dzichavakanda muvira romoto. Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.”—Mat. 13:48-50.

17. Kuparadzanisa kunotaurwa mumufananidzo wemambure okukukudzisa kuchaitwa panguva ipi?

17 Kuparadzanisa uku kunoreva here kutongwa kwokupedzisira kwemakwai nembudzi kwakanzi naJesu kwaizoitika paaizosvika achibwinya? (Mat. 25:31-33) Aiwa. Kutongwa kwokupedzisira ikoko kuchaitika Jesu paachauya panguva yokutambudzika kukuru. Kusiyana neizvi, kuparadzanisa kuri kutaurwa mumufananidzo wemambure okukukudzisa kunoitika “pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” * Iyi ndiyo nguva yatiri kurarama, mazuva achabva atipinza mukutambudzika kukuru. Saka iye zvino basa rokuparidzanisa riri kuitwa sei?

18, 19. (a) Basa rokuparadzanisa riri kuitwa sei iye zvino? (b) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kutora danho rei? (Onawo mashoko omuzasi ari papeji 21.)

18 Mamiriyoni chaiwo ehove dzokufananidzira dzinobva mugungwa revanhu ari kukwezvwa kuti auye kuungano yaJehovha mazuva ano. Vamwe vanopinda Chirangaridzo, vamwe vanouya kumisangano yedu, uyewo vamwe vanobvuma kudzidza Bhaibheri. Asi vose ava vanoita zvinoratidza kuti vaKristu vechokwadi here? ‘Vangakweverwa pamhenderekedzo,’ asi Jesu anotiudza kuti ‘vakanaka’ bedzi ndivo vanounganidzirwa mumidziyo, inomiririra ungano dzechiKristu. Vasina kukodzera vanoraswa, kuti vazokandwa muvira romoto, rinoreva kuti vachazoparadzwa.

19 Kufanana nehove dzisina kukodzera, vakawanda vakambodzidza Bhaibheri nevanhu vaJehovha vakarega kudzidza. Vamwe vane vabereki vaKristu havana kumboda kuva vateveri vetsoka dzaJesu. Havana kuda kusarudza kushumira Jehovha kana kuti vakazorega kumushumira. * (Ezek. 33:32, 33) Zvisinei, zvinokosha kuti vose vane mwoyo yakatendeseka vaunganidzwe muungano dzakaita semidziyo uye varambe vari munzvimbo yakachengeteka zuva rokupedzisira rokutongwa risati rasvika.

20, 21. (a) Tadzidzei patakurukura mifananidzo yaJesu ine chokuita nokukura? (b) Watsunga kuitei?

20 Saka tadzidzei patakurukura muchidimbu mifananidzo yaJesu ine chokuita nokukura? Kutanga, sezvinoita kukura kwetsanga yemasitadhi, vanhu vanogamuchira shoko roUmambo vakawedzera zvikuru pasi pano. Hapana chingamisa kuwedzera kuri kuita basa raJehovha! (Isa. 54:17) Uyezve, vaya vakatsvaka “pokugara pasi pomumvuri” womuti wacho vakadzivirirwa pana Satani nenyika yake yakaipa. Chechipiri, ndiMwari anoita kuti ukure. Sezvinoita mbiriso isingaoneki inenge iri mumukanyiwa wose, kuwedzera uku hakusi nyore kuona uye kunzwisisa nguva dzose, asi kuri kuitika! Chechitatu, havasi vose vanoteerera vanozoratidza kuti vakakodzera. Vamwe vakaita sehove dzisina kukodzera dzomumufananidzo waJesu.

21 Zvisinei, zvinokurudzira zvikuru kuona Jehovha achiita kuti vanhu vakawanda vakakodzera vauye kwaari! (Joh. 6:44) Izvi zvakaguma nokuwedzera kunoshamisa munyika dzakawanda. Jehovha ndiye anofanira kukudzwa nokuda kwokuwedzera uku. Zvatiri kuona izvi zviri kuitika, mumwe nomumwe wedu anofanira kuda kuteerera zano rakanyorwa mazana emakore akapfuura, rokuti: “Dyara mbeu yako mangwanani . . . , nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi, kuno here kana kuti uko, uye kana zvose zvazvo zvichava zvakanaka.”—Mup. 11:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Tsanangudzo dzinotevera kugadziridzwa kwezvakambotsanangurwa muNharireyomurindi yaJune 15, 1992, mapeji 17-22, uye yeChirungu yaOctober 1, 1975, mapeji 589-608.

^ ndima 17 Kunyange zvazvo Mateu 13:39-43 ichitaura nezvechikamu chakasiyana chebasa rokuparidza Umambo, rinozadzika panguva imwe chete neinozadzika mufananidzo wemambure okukukudzisa, kureva nguva yo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Kuparadzanisa hove dzokufananidzira ibasa rinoramba richiitwa, sezvinoitwa basa rokudyara nokukohwa riri kuramba richiitwa munguva ino.—Nharireyomurindi, October 15, 2000, mapeji 25-26; Namata Mwari Wechokwadi Bedzi, mapeji 178-181, ndima 8-11.

^ ndima 19 Izvi zvinoreva here kuti vanhu vose vakarega kudzidza kana kuti kuwadzana nevanhu vaJehovha vanoraswa nengirozi vachinzi havana kukodzera? Aiwa! Kana munhu achida kudzoka kuna Jehovha nomwoyo wose, anogamuchirwa nemaoko maviri.—Mar. 3:7.

Ungapindura Sei?

• Mufananidzo waJesu wetsanga yemasitadhi unotidzidzisei nezvokuwedzera kuri kuita vanhu vari kugamuchira shoko roUmambo uye vari kudzivirirwa pana Satani nenyika yake yakaipa?

• Mbiriso yomumufananidzo waJesu inomiririrei, uye Jesu anotaura chokwadi chipi nezvokuwedzera kwevanhu vanogamuchira shoko roUmambo?

• Mufananidzo wemambure okukukudzisa unoreva chii nezvokuwedzera kwebasa roUmambo?

• Tingava sei nechokwadi chokuti tinoramba tiri muboka revaya ‘vakaunganidzwa mumidziyo’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Mufananidzo wetsanga yemasitadhi unotidzidzisei nezvokuwedzera kuri kuita vanhu vanogamuchira shoko roUmambo?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Tinodzidzei pamufananidzo wembiriso?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kuparadzanisa hove dzakanaka nedzisina kukodzera kunomiririrei?