Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Isina Urombo Yava Pedyo

Nyika Isina Urombo Yava Pedyo

Nyika Isina Urombo Yava Pedyo

MIFANANIDZO yeParadhiso, yakaita souri pabutiro remagazini ino, inofadza kwazvo vanhu vari kurarama muurombo. Vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, vakagara muparadhiso chaiyoiyo yakadaro. Musha wavo waiva bindu reEdheni. (Genesi 2:7-23) Kunyange zvazvo Paradhiso iyoyo yakatsakatika, kutenda muparadhiso ichauya—munyika itsva isina urombo—hakusi kungorotawo zvako. Kwakavakirwa zvakasimba pazvipikirwa zviri muBhaibheri.

Chimbofunga nezvechipikirwa chakaitwa naJesu Kristu pazuva rokupedzisira roupenyu hwake pasi pano. Mumwe wevaiita zvakaipa akazofa pamwe naJesu akaratidza kutenda kwokuti Mwari anokwanisa kupedza matambudziko evanhu. Iye akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Mashoko aya anoratidza kuti munhu wacho aiita zvakaipa aiziva kuti Jesu aizotonga saMambo uye kuti vakafa vaizomutswa. Jesu akapindura kuti: “Zvechokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:42, 43.

Richitaura nezvevaya vachararama muParadhiso, Bhaibheri rinoti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.” (Isaya 65:21) Chokwadi, “mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mika 4:4.

Zvisinei, nei urombo huchibvumirwa kuti huvepo nhasi? Mwari anopa varombo rubatsiro rwei? Urombo huchazopera zvachose rini?

Nei Urombo Hwave Huchibvumirwa?

Paradhiso yakanga yaiswa Adhamu naEvha yakatsakatika nokuda kwokupanduka kwakatangwa nengirozi yakaipa, Satani Dhiyabhorosi. Achishandisa nyoka somutauriri wake, Satani akanyengera Evha kuti aputse mutemo waMwari wokuti vasadya muchero womumwe muti. Akamunyengera kuti afunge kuti kurega kutungamirirwa naMwari kwaigona kumupa upenyu huri nani. Evha paakapa Adhamu muchero wakarambidzwa, iyewo akaudya, akaramba Mwari achiteerera mudzimai wake.—Genesi 3:1-6; 1 Timoti 2:14.

Zvakanga zvakakodzera kuti vaviri vacho vadzingwe muParadhiso uye kubvira ipapo zvichienda mberi vaifanira kutamburira kuti vawane chouviri. Nanhasi, Jehovha akabvumira Satani kuti atonge vanhu vanoita zvivi, zvichibudisa pachena migumisiro yokusateerera Mwari. Nhoroondo yevanhu yakaratidza kuti vanhu havagoni kuunza Paradhiso panyika. (Jeremia 10:23) Panzvimbo pezvo, kuramba kutungamirirwa naMwari kwakaguma nematambudziko ane ngozi, anosanganisira urombo.—Muparidzi 8:9.

Zvisinei, varombo havasiyiwi vasina rubatsiro munyika ino yakazara nematambudziko. Shoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, rinogona kuvatungamirira zvakanaka.

“Musambofunganya”

Paakanga achitaura nevanhu vazhinji vaisanganisira varombo vakawanda, Jesu akati: “Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidzira mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here? . . . Nokudaro musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinorondwa nemarudzi nemwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:26-33.

Murombo haafaniri hake kuba. (Zvirevo 6:30, 31) Achapiwa zvaanoda kana akaisa Mwari pakutanga muupenyu hwake. Funga nezvaTukiso, mumwe murume wokuLesotho, kumaodzanyemba kweAfrica. Muna 1998, mauto okunze akapinda muLesotho kuti agumise kumukira hurumende. Somugumisiro wehondo iyoyo, vanhu vakapamba zvinhu zvaiva muzvitoro, vakarasikirwa nemabasa avo, uye zvokudya zvakava zvishoma zvikuru.

Tukiso aigara munzvimbo yakanyanya kusaririra yomuguta guru iroro. Vavakidzani vake vakawanda vakanga vapamba zvinhu zvaiva muzvitoro kuti vawane chouviri. Tukiso paakadzoka mukamuri rake rimwe chete raaigara, akawana Maseiso, mukadzi waaigara naye, aine zvinhu zvakawanda zvaakanga apamba. “Budisa zvinhu izvi panze,” akadaro Tukiso, achitsanangura kuti kuba kwaipesana nomutemo waMwari. Maseiso akateerera. Vavakidzani vavo vakavanyomba uye vakatora zvokudya zviya zvakanga zvabiwa.

Tukiso akaita izvi nemhaka yezvaakanga adzidza paaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kuteerera kwake mutemo waMwari kwakaita kuti aziye nenzara here? Kwete. Kwapera nguva yakati, vakuru vomuungano yeZvapupu zvaJehovha yaaipinda vakataura naTukiso ndokumuvigira zvokudya. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvaJehovha zvomunyika yavakavakidzana nayo yeSouth Africa zvakanga zvatumira matani anopfuura maviri ezvinhu zvokuyamura hama nehanzvadzi dzazvo dzechiKristu dzomuLesotho. Maseiso akafadzwa nokuteerera Mwari kwakaitwa naTukiso uye kubatsira kworudo kwakaitwa neungano. Iyewo akatanga kudzidza Bhaibheri. Vaviri ava vakapedzisira vachata uye zvakaita kuti vakwanise kubhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Vachiri kushumira Jehovha vakatendeka.

Jehovha Mwari ane hanya nevarombo. (Ona bhokisi rinoti “Mwari Anoona Sei Varombo?”) Akaita urongwa hworudo hwokuti abatsire vamwe vakaita saTukiso naMaseiso kuti vadzidze zvakawanda nezvake. Uye muShoko rake mune mazano anoshanda mukurarama kwezuva nezuva.

Urongwa Hwakanaka

Nguva dzose Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiedza kuratidza kuva nehanya nevarombo sezvinoitwa naMwari. (VaGaratiya 2:10) Kakawanda panoitika njodzi munyika uye vaKristu vakawirwawo nayo, panorongwa kuti rubatsiro rwakakodzera rupiwe. Zvinotonyanya kukosha, Zvapupu zvinoratidza kuti zvine hanya nezvinodiwa nevanhu vose mune zvokunamata, kusanganisira varombo. (Mateu 9:36-38) Mumakore 60 akapfuura, zviuru zvevashumiri vakarovedzwa zvakazvipira kunoshanda semamishinari mune dzimwe nyika. Somuenzaniso, mamishinari akaroorana okuFinland ndiwo akakwanisa kudzidzisa Tukiso naMaseiso kuti vave vadzidzi vaJesu paakadzidza mutauro weSesotho. (Mateu 28:19, 20) Basa roumishinari iri rinowanzobatanidza kusiya upenyu hwomutambarakede munyika yakapfuma uye kutamira kunyika isina kupfuma.

Kuba kuti uwane chouviri hachisi chinhu chingaitwa nevaKristu. Pane kudaro, vanotenda kuti Jehovha Mwari anogona kuvagovera. (VaHebheru 13:5, 6) Imwe nzira iyo Jehovha anogovera nayo vanhu vake ndeyokushandisa kwaanoita sangano repasi pose revanamati vake, avo vanotarisirana.

Imwe nzira iyo Jehovha anobatsira nayo varombo ndeyokuvapa mazano anoshanda okurarama kwezuva nezuva. Somuenzaniso, Bhaibheri rinorayira kuti: “Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokugovera mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEfeso 4:28) Vanhu vakawanda vasingashandi vave vachikwanisa kutanga mabasa avo, vachishanda zvakaoma, zvakadai sokudyara miriwo mubindu uye kuitarisira. Bhaibheri rinobatsirawo varombo kuchengetedza mari nokuvadzidzisa kudzivisa maitiro akaipa, akadai sokunyanyisa kunwa doro.—VaEfeso 5:18.

Nyika Isina Urombo—Rini?

Bhaibheri rinoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” okutonga kwaSatani. (2 Timoti 3:1) Munguva pfupi, Jehovha Mwari achatuma Jesu Kristu kuzotonga vanhu. Chii chichaitika panguva iyoyo? Jesu akapa mhinduro yacho mune mumwe wemifananidzo yake. Iye akati: “Mwanakomana womunhu paanosvika ari mumbiri yake, ane ngirozi dzose, ipapo achagara pachigaro chake choumambo chine mbiri. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.”—Mateu 25:31-33.

Makwai omumuenzaniso uyu ndevaya vanobvuma kutonga kwaJesu. Jesu akavafananidza nemakwai nokuti vanomutevera soMufudzi wavo. (Johani 10:16) Vanhu ava vakafanana nemakwai vachawana upenyu munguva yokutonga kwakakwana kwaJesu. Huchange huri upenyu hunofadza munyika itsva isina urombo. Vanhu vakaita sembudzi, vanoramba kutonga kwaJesu, vachaparadzwa zvachose.—Mateu 25:46.

Umambo hwaMwari huchapedza uipi. Zvadaro urombo huchange husisipo. Panzvimbo paizvozvo, nyika ichagarwa nevanhu vanodanana uye vane hanya nevamwe. Kuti nyika itsva yakadaro ichavapo kunogona kuonekwa pakubatana sehama dzinodanana kwakaita Zvapupu zvaJehovha munyika yose, nokuti Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 6, 7]

MWARI ANOONA SEI VAROMBO?

Bhaibheri rinotsanangura Musiki wevanhu richiti “unopa vane nzara zvokudya.” (Pisarema 146:7) Rine ndima dzinopfuura zana dzinosimbisa kuti Mwari ane hanya nevarombo.

Somuenzaniso, Jehovha paakapa rudzi rwekare rwaIsraeri Mutemo wake, akarambidza varimi vechiIsraeri kukohwa kumicheto yeminda yavo vachipedzeredza. Vakanga vasingafaniri kukohwa kechipiri michero yemiorivhi kana yemizambiringa yakanga yasaririra. Mitemo iyi yakanga iri urongwa hwakanakira vaeni, nherera, chirikadzi, nevamwe vaitambura.—Revhitiko 19:9, 10; Dheuteronomio 24:19-21.

Uyezve, Mwari akarayira vaIsraeri kuti: “Usatambudza chirikadzi kana nherera. Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichaterera kudana kwavo; kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo: vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera.” (Eksodho 22:22-24) Zvinosuruvarisa kuti, shoroma dzakawanda dzechiIsraeri hadzina kuteerera mashoko iwayo. Nokuda kweizvi zvikanganiso nezvimwewo, Jehovha Mwari akapa vaIsraeri yambiro dzakasiyana-siyana achishandisa vaprofita vake. (Isaya 10:1, 2; Jeremia 5:28; Amosi 4:1-3) Pakupedzisira, Mwari akaita kuti vaAsiriya uye gare gare vaBhabhironi vatore nyika yeIsraeri. VaIsraeri vakawanda vakaurayiwa, uye vakapukunyuka vakaendwa navo kune dzimwe nyika senhapwa.

Mwanakomana waMwari anodiwa, Jesu Kristu, akaratidza kuva nehanya kworudo nevarombo sezvaiitwa naBaba vake. Achitsanangura chinangwa choushumiri hwake, Jesu akati: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo.” (Ruka 4:18) Izvi hazvirevi kuti Jesu aingoita ushumiri hwake kuvarombo chete. Norudo, aibatsirawo vapfumi. Zvisinei, paaibatsira vapfumi, Jesu aiwanzoratidza kuti aiva nehanya nevarombo. Somuenzaniso, akakurudzira mumwe mutongi akanga akapfuma kuti: “Tengesa zvinhu zvose zvaunazvo ugovere varombo, uye uchava nepfuma kumatenga; uuye uve muteveri wangu.”—Ruka 14:1, 12-14; 18:18, 22; 19:1-10.

Jehovha Mwari noMwanakomana wake vane hanya zvikuru nevarombo. (Mako 12:41-44; Jakobho 2:1-6) Achiratidza kuti ane hanya nevarombo, Jehovha anoramba achiyeuka mamiriyoni evarombo vakafa. Vose ivavo vachamutsirwa munyika itsva isina urombo.—Mabasa 24:15.

[Mifananidzo]

Kubatana sehama dzomunyika yose kunoita Zvapupu zvaJehovha kunoratidza kuti nyika itsva inogona kuvapo

[Mufananidzo uri papeji 5]

Tukiso naMaseiso vaine mumishinari akadzidza Bhaibheri naTukiso

[Mufananidzo uri papeji 5]

Maseiso ari pasuo remba yake aine mumishinari akamudzidzisa Bhaibheri