Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndine Tariro Kuna Mwari”

“Ndine Tariro Kuna Mwari”

“Adhamu wokupedzisira akava [mweya] unopa upenyu.”​—1 VAK. 15:45.

NZIYO: 151, 147

1-3. (a) Ndechipi chimwe chezvinhu zvinokosha pane zvatinotenda? (b) Nei rumuko ruchikosha chaizvo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

KANA ukabvunzwa kuti, ‘Ndedzipi dzidziso huru dzaunotenda?’ ungati kudii? Hapana mubvunzo kuti unotaura kuti Jehovha ndiye Musiki uye Mupi Weupenyu. Zvichida unogona kutaura kuti unotenda muna Jesu Kristu, uyo akafa serudzikinuro. Uye unogona kutaurawo kuti nyika ichava paradhiso ichagarwa nevanhu vaMwari nekusingaperi. Asi unotaura here nezverumuko sechimwe chezvinhu zvinokosha chaizvo pane zvaunotenda?

2 Tine zvikonzero zvakanaka zvekutaura nezverumuko sedzidziso inokosha kunyange zvazvo isu pachedu tiine tariro yekupona pakutambudzika kukuru torarama panyika nekusingaperi. Muapostora Pauro akaratidza kuti nei rumuko chiri chinhu chinokosha pakutenda kwedu paakati: “Chokwadi, kana kusina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswawo.” Kudai Kristu asina kumutswa, angadai asiri kutonga saMambo, uye kudzidzisa kwatinoita nezvekutonga kwaKristu kwaizova kushandira pasina. (Verenga 1 VaKorinde 15:12-19.) Zvisinei, tinoziva kuti Jesu akamutswa. Kutenda kwatinoita izvozvo kunotisiyanisa nevaSadhusi vechiJudha, avo vairamba zvakasimba kuti vanhu vakafa vachamutswa. Kunyange tikasekwa, tinoramba tichinyatsotenda kuti kuchava nerumuko.​—Mako 12:18; Mab. 4:2, 3; 17:32; 23:6-8.

3 Pauro paakanyora ‘nezvedzidziso yokutanga pamusoro paKristu,’ akataurawo ‘zvinodzidziswa pamusoro pekumuka kwevakafa.’ (VaH. 6:1, 2) Uye Pauro akasimbisa kuti aitenda kuti kune rumuko. (Mab. 24:10, 15, 24, 25) Kunyange zvazvo rumuko chiri chimwe ‘chezvinhu zvekutanga zvemashoko matsvene aMwari,’ tinofanira kunyatsodzidza nezvarwo. (VaH. 5:12) Nemhaka yei?

4. Mibvunzo ipi ingavapo ine chekuita nerumuko?

4 Vanhu pavanotanga kudzidza Bhaibheri, vakawanda vanoverenga nyaya dzekare dzinotaura nezverumuko, dzakadai seyekumutswa kwaRazaro. Uye vanodzidzawo kuti Abrahamu, Jobho naDhanieri vaiva nechivimbo chekuti mune ramangwana vanhu vakafa vachararamazve. Asi ungapindura sei kana ukanzi uratidze kubva muBhaibheri kuti vimbiso dzerumuko dzichazadzika pasinei nekuti dzakataurwa kare kare? Uye Bhaibheri rinonyatsoratidza here nguva chaiyo ichaitika rumuko? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichasimbisa kutenda kwedu, saka ngationei zvinotaurwa neMagwaro.

RUMUKO RWAKAITIKA PASHURE PEMAZANA EMAKORE

5. Tichatanga kukurukura nezvei panyaya yerumuko?

5 Zvinogona kuva nyore kuti tifungidzire munhu anenge achangobva kufa achimutswa. (Joh. 11:11; Mab. 20:9, 10) Asi zvakadini nevimbiso yekuti rumuko ruchaitika, kunyange pashure pemazana emakore? Ungatenda here vimbiso iyoyo, pasinei nekuti munhu wacho achangobva kufa kana kuti ndeuya akafa kare kare? Kutaura zvazviri, unototenda kuti rumwe rumuko rwakanga rwavimbiswa pachiine mazana emakore rwakaitika. Rumuko rwupi irworwo? Uye runobatana papi netariro yako yekuti kuchava nerumuko?

6. Jesu akabatanidzwa sei pakuzadzika kwemashoko ari muPisarema 118?

6 Kana iri nyaya yerumuko rwakataurwa nezvarwo pachiine mazana emakore, ona Pisarema 118, iro ringangodaro rakanyorwa naDhavhidhi. Rinosanganisira chikumbiro chekuti: “Jehovha, ndapota ponesai! . . . Ngaakomborerwe Iye anouya nomuzita raJehovha.” Zvichida unoyeuka kuti vanhu vakataura mashoko iwayo ane chekuita naMesiya, Jesu paakapinda muJerusarema musi waNisani 9, mazuva mashoma asati afa. (Pis. 118:25, 26; Mat. 21:7-9) Asi Pisarema 118 rinotaura sei nezverumuko rwaizoitika pashure pemazana emakore? Ona humwe uprofita huri mupisarema iroro hwekuti: “Dombo rakarambwa nevavaki razova musoro wekona.”​—Pis. 118:22.

‘Vavaki vakaramba’ Mesiya (Ona ndima 7)

7. VaJudha vakaramba Jesu kusvika papi?

7 “Vavaki” vakaramba Jesu vaiva vatungamiriri vechiJudha. Kumuramba kwavakaita kwakanga kusiri kwekungomupira gotsi kana kuramba kuti aiva Kristu. VaJudha vakawanda vakamuramba zvekutosvika pakushevedzera kuti aurayiwe. (Ruka 23:18-23) Saka vakabatanidzwawo pakuurayiwa kwaJesu.

Jesu akamutswa kuti ave “musoro wekona” (Ona ndima 8, 9)

8. Jesu aizova sei “musoro wekona”?

8 Kana Jesu akarambwa uye akaurayiwa, aizova sei “musoro wekona”? Izvozvo zvaizongoitika chete kana amutswa. Jesu pachake akataura nezvazvo. Akataura mufananidzo wevarimi vakashungurudza vanhu vakatumwa nemuridzi wemunda, sezvakaitwa nevaIsraeri kuvaprofita vakatumwa naMwari kwavari. Mumufananidzo wacho, muridzi wemunda akazotuma mwanakomana wake waaida chaizvo uye mugari wenhaka. Mwanakomana wacho akagamuchirwa zvakanaka here? Aiwa. Varimi vacho vakatomuuraya. Jesu paakapedza kutaura mufananidzo iwoyo, akataura mashoko euprofita ari pana Pisarema 118:22. (Ruka 20:9-17) Muapostora Petro akataurawo nezvazvo paaitaura ‘nevatongi vechiJudha, nevarume vakuru nevanyori vainge vakaungana muJerusarema.’ Akataura ‘nezvaJesu Kristu wekuNazareta, wavakaroverera asi akamutswa naMwari kubva kuvakafa.’ Akabva azotaura zvakajeka kuti: “Uyu ndiro ‘dombo rakanzi harikoshi nemi vavaki razova musoro wekona.’”​—Mab. 3:15; 4:5-11; 1 Pet. 2:5-7.

9. Pisarema 118:22 yakagara yataura nezvechii?

9 Uprofita huri pana Pisarema 118:22 hwakataura nezverumuko rwaizoitika pashure pemazana emakore. Mesiya aizorambwa uye aizofa, asi aizomutswa ova musoro wekona. Mwanakomana uyu akamutswa akava iye chete ane zita “rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”​—Mab. 4:12; VaEf. 1:20.

10. (a) Pisarema 16:10 yakafanotaura nezvei? (b) Nei tiine chokwadi chekuti Pisarema 16:10 haina kuzadzika pana Dhavhidhi?

10 Ona imwe vhesi inotaura nezverumuko. Vhesi iyi yakanyorwa pachiine makore anopfuura 1 000 kuti izadzike, uye izvozvo zvinofanira kuita kuti uwedzere kuva nechivimbo chekuti rumuko runogona kuitika pashure pemakore akawanda rwavimbiswa. MuPisarema rechi16, Dhavhidhi akanyora kuti: “Hamuzosiyi mweya wangu [muGuva]. Hamuzobvumiri akavimbika wenyu kuti aone gomba.” (Pis. 16:10) Dhavhidhi akanga asingatauri kuti iye aisazofa kana kuti aisazopinda muguva. Shoko raMwari rinotaura zvakajeka kuti Dhavhidhi akakwegura. Paakafa, “[akaradzikwa] nemadzitateguru ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi.” (1 Madz. 2:1, 10) Saka Pisarema 16:10 iri kutaura nezvei?

11. Petro akatsanangura Pisarema 16:10 riini?

11 Hatisi murima panyaya iyi. Pashure pemakore anopfuura 1 000 kubva pakanyorwa pisarema iroro uye pashure pemavhiki mashoma Jesu amutswa, Petro akataura kune zviuru zvevaJudha nevamwe vakatendeukira kuchiJudha nezvaPisarema 16:10. (Verenga Mabasa 2:29-32.) Akataura kuti Dhavhidhi akafa uye akavigwa. Vaya vainge vakateerera Petro vaiziva izvozvo. Uye hapana panoratidza kuti vanhu ivavo vakaramba zvakataurwa naPetro kuti Dhavhidhi “akafanoona, akataura pamusoro porumuko” rwaMesiya aizouya.

12. Pisarema 16:10 yakazadzika sei, zvichiratidzei nezvevimbiso yerumuko?

12 Petro akasimbisa zvaaitaura nekushandisa mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 110:1. (Verenga Mabasa 2:33-36.) Kutaura kwakaita Petro achishandisa Magwaro kwakabatsira boka guru revanhu kuti ribvume kuti Jesu akaitwa “zvose zviri zviviri Ishe naKristu.” Vanhu vakabva vaona kuti Pisarema 16:10 yakazadzika Jesu paakamutswa kubva kuvakafa. Pava paya, muapostora Pauro akashandisawo uchapupu ihwohwo paaitaura nevaJudha vaiva muguta reAndiyoki muPisidhiya. Zvaakataura zvakavafadza, uye vakada kunzwa zvimwe. (Verenga Mabasa 13:32-37, 42.) Izvi zvinofanira kuita kuti tibvumewo kuti uprofita ihwohwo hweBhaibheri hwaitaura nezverumuko hwaiva hwechokwadi kunyange zvazvo hwakazozadzika papera makore anopfuura 1 000.

RUMUKO RUCHAITIKA RIINI?

13. Mibvunzo ipi ine chekuita nerumuko ingavapo?

13 Zvinofanira kutikurudzira kuziva kuti rumuko runogona kuitika pashure pemazana emakore akawanda rwataurwa nezvarwo. Kunyange zvakadaro, vamwe vangabvunza kuti: ‘Izvi zvinoreva here kuti ndinofanira kumirira kwenguva yakareba chaizvo kuti ndizoona munhu wandinoda? Rumuko rwandiri kutarisira ruchaitika riini?’ Jesu akaudza vaapostora vake kuti pane zvimwe zvavakanga vasingazivi uye vaisakwanisa kuzviziva. Pane mamwe mashoko ane chekuita “nezvenguva kana mwaka zvakaiswa naBaba musimba ravo.” (Mab. 1:6, 7; Joh. 16:12) Asi izvi hazvirevi kuti hatina zvatinoziva nezvenguva ichaitika rumuko.

14. Kumutswa kwaJesu kwakasiyana sei nekwakaitika iye asati amutswa?

14 Kuti ukwanise kunzwisisa izvozvo, yeuka rumuko rwakagara rwataurwa neBhaibheri. Zviri pachena kuti runonyanya kukosha nderwaJesu. Kudai asina kumutswa, hapana kana mumwe wedu aizova netariro yekuonazve vanhu vatinoda vakafa. Vaya vakamutswa rumuko rwaJesu rusati rwaitika, vakadai sevakamutswa naEriya naErisha, havana kuramba vachirarama. Vakafa zvakare ndokuona kuora. Kusiyana naivava, Jesu “akamutswa kubva kuvakafa, [uye] haachafi; rufu harusisiri tenzi paari.” Anorarama “nokusingaperi-peri,” ari kudenga.​—VaR. 6:9; Zvak. 1:5, 18; VaK. 1:18; 1 Pet. 3:18.

15. Nei Jesu achinzi “chibereko chokutanga”?

15 Rumuko rwaJesu ndirwo rwekutanga rwakadaro, uye hapana mubvunzo kuti ndirwo runonyanya kukosha. (Mab. 26:23) Asi haasi iye ega akavimbiswa kumutswa kuti aende kudenga sechisikwa chemweya. Jesu akavimbisa vaapostora vake vakatendeka kuti vaizotonga naye kudenga. (Ruka 22:28-30) Saka kuti vawane mubayiro iwoyo, vaifanira kutanga vafa, vozomutswa vaine muviri wemweya sezvakaitwa Kristu. Pauro akanyora kuti “Kristu akamutswa kuvakafa, icho chibereko chokutanga pane vaya vakarara murufu.” Pauro akaratidza kuti pane vamwe vaizomutswa kuti vararame kudenga, achiti: “Mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga, kwozotevera vaya vari vaKristu, munguva yokuvapo kwake.”​1 VaK. 15:20, 23.

16. Chii chinotibatsira kuziva nezvenguva yaizoitika rumuko rwekudenga?

16 Mashoko iwayo anotibatsira kuziva nguva yaizoitika rumuko rwevachaenda kudenga. Rwaizoitika “munguva yokuvapo kwake.” Kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichiratidza kubva muBhaibheri kuti “kuvapo” kwaKristu kwakatanga muna 1914. Kuchiri kuenderera mberi, uye kuguma kwenyika ino kwava pedyo chaizvo.

17, 18. Chii chichaitika kune vamwe vakazodzwa munguva yekuvapo kwaKristu?

17 Bhaibheri rinotaura mamwe mashoko nezverumuko rwevachaenda kudenga richiti: “Hatidi kuti musaziva pamusoro pevaya vari kurara murufu . . . Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa akamukazve, saizvozvowo, vaya vakarara murufu . . . Mwari achavaunzawo pamwe chete naye. . . . Isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe hatizombotangiri vakarara murufu; nokuti Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, . . . uye vaya vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka. Pashure paizvozvo isu vapenyu tiri kurarama, tichatorwa mumakore, pamwe chete navo, kuti tisangane naShe mumhepo; uye nokudaro tichava naShe nguva dzose.”​—1 VaT. 4:13-17.

18 Rumuko rwekudenga rwaizoitika nguva ‘yekuvapo’ kwaKristu yatanga. Vakazodzwa vanenge vachiri vapenyu pakutambudzika kukuru ‘vachatorwa mumakore.’ (Mat. 24:31) Vaya ‘vachatorwa’ ‘havazorari murufu’ pakuti havazoiti nguva refu vakafa. ‘Vachachinjwa, munguva dukuduku, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rokupedzisira.’​—1 VaK. 15:51, 52.

19. Nderupi ‘rumuko ruri nani’ ruchaitika mune ramangwana?

19 Mazuva ano, vazhinji vevaKristu vakatendeka havana kuzodzwa uye havana kusarudzwa kuti vave naKristu kudenga. Asi vanomirira “zuva raJehovha” paachagumisa nyika ino yakaipa. Hapana anoziva nguva chaiyo ichasvika mugumo, asi uchapupu hunoratidza kuti wava pedyo. (1 VaT. 5:1-3) Pashure paizvozvo, pane rumwe rumuko ruchaitika, rumuko rwevaya vachararama muParadhiso. Vaya vachamutswa vachava netariro yekuva vanhu vasina chivi uye yekusazofa zvakare. Ikoko kuchava “kumuka kuri nani” pane kuya kwakaitika kare ‘vakadzi pavakagamuchira vakafa vavo vakanga vamutswa’ asi vakazofa zvakare pava paya.​—VaH. 11:35.

20. Nei tichigona kuvimba kuti rumuko ruchaitika zvakarongeka?

20 Richitaura nezvevanhu vachamutswa kuti vaende kudenga, Bhaibheri rinoti vachamutswa “mumwe nomumwe padzoro rake.” (1 VaK. 15:23) Tinogona kuvimba kuti rumuko rwepanyika ruchange rwakarongekawo saizvozvo. Iyoyo itariro inofadza chaizvo. Vaya vanenge vachangobva kufa vachamutswa Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000 kuchangobva kutanga here, vobva vagamuchirwa nevanhu vanovaziva? Varume vakatendeka vekare vaigona kutungamirira ndivo here vachatanga kumutswa kuti vabatsire pakuronga vanhu vaMwari munyika itsva? Ko vanhu vasina kumbobvira vakashumira Jehovha? Vachamutswa panguva ipi uye vachamutsirwa kupi? Tinogona kuva nemibvunzo yakawanda. Asi pane chikonzero here chekuti tinyanye kunetseka nenyaya idzi pari zvino? Zviri nani kuti timirire toona zvinoitika. Tinogona kuvimba kuti zvichange zvichifadza kuzvionera tega kuti Jehovha achange achizvifambisa sei.

21. Une tariro ipi pamusoro perumuko?

21 Pari zvino tinofanira kusimbisa kutenda kwedu muna Jehovha, uyo akativimbisa achishandisa Jesu kuti vakafa vanoyeukwa naMwari vachamuka. (Joh. 5:28, 29; 11:23) Achiratidza kuti Jehovha anokwanisa kumutsa vakafa, Jesu akambotaura kuti Abrahamu, Isaka uye Jakobho “kwaari vose vapenyu.” (Ruka 20:37, 38) Pari zvino, tine chikonzero chakanaka chekutaura sezvakaitwa naPauro kuti: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka.”​—Mab. 24:15.