NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA

Jesu “Akadzidza Kuteerera”

Shona
Jesu “Akadzidza Kuteerera”
/assets/ct/2fee4a8a5e/images/syn_placeholder_sqr.png
w25 September p. 32

PFUNGWA YEMUBHAIBHERI

Jesu “Akadzidza Kuteerera”

Jesu “Akadzidza Kuteerera”

Jesu agara achiteerera Jehovha kubvira kare. (Joh. 8:29) Saka nei Bhaibheri richizoti, “Akadzidza kuteerera pamatambudziko aakasangana nawo”?—VaH. 5:8.

Jesu paaiva panyika, akasangana nezvinhu zvaakanga asina kumbobvira asangana nazvo kudenga. Akarerwa nevabereki vaida Mwari asi vakanga vaine chivi. (Ruka 2:51) Akatambudzwa nevatungamiriri vezvitendero vaiva nemwoyo yakaipa uye vatungamiriri vehurumende vaiva neutsinye. (Mat. 26:59; Mako 15:15) Uyewo akafa zvinorwadza. Bhaibheri rinoti, “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu.”—VaF. 2:8.

Zvese izvi zvakaita kuti Jesu awedzere kuteerera kupfuura zvaaiita achiri kudenga. Saka akanga ava kunyatsokodzera kuva Mambo uye Mupristi Mukuru anokwanisa kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu. (VaH. 4:15; 5:9) Kudzidza kwaakaita kuteerera kubva pamatambudziko aakasangana nawo kwakaita kuti awedzere kufarirwa naJehovha. Nesuwo kana tikaramba tichiteerera patinosangana nematambudziko atinosangana nawo, Jehovha achawedzera kutifarira uye tinokwanisa kuita chero basa raanotipa.—Jak. 1:4.