Bhaibheri Rinotii?
Panyika pachazombova nerugare here?
Ungati kudii?
Ehe
Aiwa
Pamwe
Zvinotaurwa neBhaibheri
Kana Jesu Kristu ava kutonga panyika, “rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo”—kureva kuti nekusingaperi.—Pisarema 72:7.
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Vanhu vakaipa vachaparadzwa uye vanhu vakanaka “vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.
Mwari achaita kuti kusazovazve nehondo.—Pisarema 46:8, 9.
Iye zvino munhu anokwanisa kuva nerugare rwemupfungwa here?
Vamwe vanoti . . . munhu haakwanisi kuva nerugare mupfungwa kana vanhu vachiri kutambura uye vachibatwa zvisina kunaka. Unofungei?
Zvinotaurwa neBhaibheri
Kunyange iye zvino, shamwari dzaMwari dzinogona kuva ‘nerugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.’—VaFiripi 4:6, 7.
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Mwari anovimbisa kuti achabvisa kutambura uye zvinhu zvakaipa, oita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.
Tinogona kuwana rugare kana tikaziva ‘zvinodiwa zvedu zvemweya.’—Mateu 5:3.