Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvombo zvese zvehondo zvichaparadzwa

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Panyika pachazombova nerugare here?

Ungati kudii?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Pamwe

Zvinotaurwa neBhaibheri

Kana Jesu Kristu ava kutonga panyika, “rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo”​—kureva kuti nekusingaperi.​—Pisarema 72:7.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

Iye zvino munhu anokwanisa kuva nerugare rwemupfungwa here?

Vamwe vanoti . . . munhu haakwanisi kuva nerugare mupfungwa kana vanhu vachiri kutambura uye vachibatwa zvisina kunaka. Unofungei?

Zvinotaurwa neBhaibheri

Kunyange iye zvino, shamwari dzaMwari dzinogona kuva ‘nerugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.’​—VaFiripi 4:6, 7.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Mwari anovimbisa kuti achabvisa kutambura uye zvinhu zvakaipa, oita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva.”​—Zvakazarurwa 21:4, 5.

  • Tinogona kuwana rugare kana tikaziva ‘zvinodiwa zvedu zvemweya.’​—Mateu 5:3.