“Umambo Hwenyu Ngahuuye”—Munyengetero Unogara Uchiitwa Nevakawanda

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”—Munyengetero Unogara Uchiitwa Nevakawanda

Wakambonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye here? Kubvira kare, vanhu vakawanda vagara vachinyengetera vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Nei vachitaura mashoko iwayo? Nekuti Jesu akaudza vateveri vake kuti vanyengeterere Umambo hwaMwari.

Asi pakutanga vateveri vake havana kunzwisisa zvese zvaakataura nezveUmambo. Vakambomubvunza kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri iye zvino here?” Vanogona kunge vakashamiswa Jesu paasina kuvaudza musi chaiwo waizouya Umambo. (Mabasa 1:6, 7) Izvi zvinoreva here kuti hatitombokwanisi kunzwisisa chinonzi Umambo hwaMwari uye kuti huchauya riini? Aiwa!

Magazini ino ichakubatsira kupindura mibvunzo inotevera:

  • Nei tichida Umambo hwaMwari?

  • Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?

  • Umambo hwaMwari huchatonga riini panyika?

  • Umambo hwaMwari huchaitei?

  • Nei tichifanira kutsigira Umambo hwaMwari iye zvino?

  • Chii chinonzi Umambo hwaMwari?