Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?

Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?

Mwari ane vamwe vanyori veBhaibheri vaakaudza kuti vataure mazivire atingaita munhu aizova Mutongi weUmambo hwaMwari. Mutongi wacho:

  • Aizosarudzwa naMwari. “Ini pachangu ndakagadza mambo wangu . . . Ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yako uye migumo yenyika kuti ive yako.”​—Pisarema 2:6, 8.

  • Aizova wedzinza raMambo Dhavhidhi. “Taberekerwa mwana, tapiwa mwanakomana . . . Utongi hwake huchangoramba huchikura uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo pachigaro cheumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake, kuti ahusimbise.”​—Isaya 9:6, 7.

  • Aizoberekerwa muBhetrehema. “Iwe Bhetrehema . . . , kwauri kuchabva munhu achava mutongi achindimiririra . . . Ukuru hwake huchazivikanwa kumigumo yenyika.”​—Mika 5:2, 4.

  • Aizorambwa nevanhu ourayiwa. “Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi. . . . Iye akabayiwa nekuda kwekudarika kwedu; akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.”​—Isaya 53:3, 5.

  • Aizomutswa kubva kuvakafa uye okwidziridzwa. “Hamuzondisiyi muGuva. Hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona gomba. . . . Kuruoko rwenyu rwerudyi kune mufaro nekusingaperi.”​—Pisarema 16:10, 11.

Jesu Kristu Ndiye Mambo Anonyatsokodzera

Hakuna mumwe munhu anonyatsoenderana nezvataurwa apa kunze kwaJesu Kristu. Amai vake Mariya, vakanga vatoudzwa nengirozi kuti: “Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, . . . uye Umambo hwake hauzogumi.”​—Ruka 1:31-33.

Jesu haana kumbotonga vanhu paaiva panyika. Asi achazotonga vanhu ari kudenga saMambo weUmambo hwaMwari. Chii chinoita kuti anyatsokodzera kutonga? Chimbofunga zvaakaita paaiva panyika.

  • Jesu aida vanhu. Jesu akabatsira varume nevakadzi, vakuru nevadiki pasinei nekuti vaiva vanhu vakaita sei. (Mateu 9:36; Mako 10:16) Mumwe murume aiva nemaperembudzi paakamukumbira achiti: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa,” Jesu akasiririswa naye, achibva amuporesa.​—Mako 1:40-42.

  • Jesu akatidzidzisa zvatinofanira kuita kuti tifadze Mwari. Akati: “Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” Akatiwo: “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.” Akaratidza kuti Mwari haagumiri pakutarisa zvatinoita asi anotarisawo zviri mupfungwa nemwoyo. Saka kana tichida kufadza Mwari tinofanira kudzora zvatinofunga mumwoyo. (Mateu 5:28; 6:24; 7:12) Akatiwo kana tichida kunyatsofara zvechokwadi, tinofanira kudzidza zvinodiwa naMwari tozviita​—Ruka 11:28.

  • Jesu akatidzidzisa chinonzi rudo. Mashoko nezviito zvaJesu zvaiva nesimba uye zvaisvika pamwoyo yevateereri vake. “Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nekuti akanga achivadzidzisa semunhu ane chiremera.” (Mateu 7:28, 29) Akavaudza kuti: ‘Idai vavengi venyu.’ Akatonyengetererawo vamwe vakanga vakonzera kuti afe achiti: “Baba, varegererei, nekuti havazivi zvavari kuita.”​—Mateu 5:44; Ruka 23:34.

Jesu ndiye anonyatsokwanisa kutonga pasi rese zvakanaka nekuti anoda vanhu. Saka achatanga kutonga riini?