Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Unhu Hwakaita Sei?

Mwari Ane Unhu Hwakaita Sei?

Patinowedzera kuziva unhu hwemunhu, tinowedzerawo kuva pedyo naye. Ndizvo zvazvakaitawo naMwari. Patinowedzera kuziva unhu hwake tinobva tawedzerawo kuva pedyo naye. Mwari ane simba, ane uchenjeri, anotonga zvakarurama uye ane rudo.

MWARI ANE SIMBA

“Haiwa, Changamire Ishe Jehovha! Tarirai makaita matenga nenyika muchishandisa simba renyu guru.”JEREMIYA 32:17.

Simba raMwari rinooneka pazvinhu zvaakasika. Semuenzaniso ukamira pazuva unonzwa kudziyirwa. Imhaka yesimba raJehovha riri pazvinhu zvaakasika. Zuva rine simba rakaita sei? Nechepakati paro, zuva rinopisa 15 000 000°C. Pasekondi imwe neimwe, zuva rinobudisa simba rakaenzana nekuputika kwemazana emamiriyoni emabhomba enyukireya.

Asi pamamiriyoni enyeredzi dziri muchadenga, dzakawanda dzacho dzakakura kupfuura zuva. Nyanzvi dzesainzi dzinofungidzira kuti imwe yenyeredzi dzakakura inonzi UY Scuti, yakakura zvakapetwa ka1 700 kupfuura zuva. Kudai nyeredzi iyi yaizoiswa pane zuva, pasi raizopinda mukati mayo uye yaizonosvika kune puraneti inonzi Jupiter. Izvi zvinotibatsira kunzwisisa zvakataurwa naJeremiya paakati Jehovha Mwari akasika denga nenyika achishandisa simba rake guru.

Simba raMwari rinotibatsira sei? Kuti tirarame, tinotoda zvinhu zvakasikwa naMwari zvakadai sezuva uye zvimwewo zvinhu zviri panyika. Uyewo Mwari anoshandisa simba rake kutibatsira semunhu mumwe nemumwe. Sei? Jesu paaiva pano panyika, Mwari akamupa simba rekuti aite zvishamiso. Bhaibheri rinoti: “Mapofu ari kuonazve, vanokamhina vari kufamba-famba, vane maperembudzi vari kucheneswa nematsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa.” (Mateu 11:5) Ko mazuva ano? Bhaibheri rinoti, “Anopa munhu akaneta simba, uye. . . vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba.” (Isaya 40:29, 31) Mwari anogona kutipa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti tikwanise kutsungirira matambudziko atinosangana nawo muupenyu. (2 VaKorinde 4:7) Tese tinoda kuva pedyo naMwari anotida zvakadaro uye anoshandisa simba rake kuti atibatsire.

MWARI ANE UCHENJERI

“Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri.”PISAREMA 104:24.

Patinowedzera kudzidza nezvezvinhu zvakasikwa naMwari tinowedzera kushamiswa neuchenjeri hwake. Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzinokopa zvinhu zvakasikwa kuti dzigadzirewo zvimwe zvinhu. Dzinozviita padzinogadzira zvinhu zvidiki kusvika pazvinhu zvakakura zvakadai sendege.

Ziso remunhu rinoratidza uchenjeri hwaMwari

Muviri wemunhu ndiwo unonyatsoratidza uchenjeri hwaMwari. Semuenzaniso, chimbofunga kukura kunoita kacheche mudumbu. Zvinotanga nesero rimwe chete rinenge riine mirayiridzo yese inodiwa. Sero iroro rinopatsanuka kuita mamwe masero akawanda akada kufanana. Zvadaro, masero aya anobva atanga kuumbika zvakasiyana-siyana kuti pave nemasero eropa, masero etsinga, masero emabhonzo nemamwewo. Nhengo dzemuviri dzinoumbwa uye dzotanga kushanda. Mumwedzi 9 chete, sero riya rekutanga rinoumba mwana anenge aine mabhiriyoni emasero. Uchenjeri huri pazvinhu zvakadai hunoita kuti vakawanda vabvumirane nezvinotaurwa nemunyori weBhaibheri uyo akati: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.”—Pisarema 139:14.

Uchenjeri hwaMwari hunotibatsira sei? Musiki wedu anoziva zvatinoda kuti tifare. Sezvo ari iye akatisika, anotipa mazano euchenjeri achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. Semuenzaniso, anoti: ‘Rambai muchikanganwirana nomwoyo wose.’ (VaKorose 3:13) Zano iri rinoshanda here? Ehe. Vanachiremba vakaona kuti kuregerera vamwe kunoita kuti munhu akwanise kurara zvakanaka uye kunoderedza BP. Kunoderedzawo mikana yekubatwa nechirwere chedepression nezvimwewo zvirwere. Mwari akafanana neshamwari yakachenjera, ine hanya uye inoramba ichitipa mazano anotibatsira. (2 Timoti 3:16, 17) Haungadi kuva neshamwari yakadaro here?

MWARI ANOTONGA ZVAKARURAMA

“Jehovha anoda kururamisira.”PISAREMA 37:28.

Mwari anogara achiita zvakarurama. Bhaibheri rinototi, “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!” (Jobho 34:10) Anotonga zvakarurama sezvinotaurwa nemunyori wepisarema kuti: “Muchatonga marudzi nokururama.” (Pisarema 67:4) Jehovha haanyengedzwi, anokwanisa kuziva chokwadi otonga zvakarurama nekuti “anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Uyewo anoona udzvinyiriri neuori zviri kuitika panyika uye anovimbisa kuti “vakaipa vachaparadzwa.”—Zvirevo 2:22.

Asi Mwari haasi mutongi ane utsinye anongoda zvekuranga vanhu. Anonzwira vanhu ngoni pazvinenge zvakakodzera. Bhaibheri rinoti: “Jehovha ane ngoni nenyasha,” kunyange kune vanhu vakaipa kana vachinge vapfidza nemwoyo wese. Uku ndiko kunonzi kutonga zvakarurama.—Pisarema 103:8; 2 Petro 3:9.

Kutonga zvakarurama kunoita Mwari kunotibatsira sei? Muapostora Petro akati: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Kusasarura kunoita Mwari kunotibatsira nekuti tinogona kuva pedyo naye pasinei neruvara rwedu rweganda, rudzi rwedu, kudzidza kwatakaita kana zvinhu zvatiinazvo.

Mwari haasaruri uye anokwanisa kutikomborera pasinei neruvara rwedu rweganda kana kuti zvinhu zvatiinazvo

Mwari akatipa hana nekuti anoda kuti tinzwisise matongero ake tobatsirwa nawo. Magwaro anoti hana yakaita ‘semutemo wakanyorwa pamwoyo yedu,’ uye ‘inopupura’ kuti zvatiri kuita zvakanaka here kana kuti zvakaipa. (VaRoma 2:15) Zvinotibatsira sei? Kana hana yedu ikanyatsodzidziswa, inogona kutibatsira kuti tisaita zvinhu zvakaipa. Uye kana tikakanganisa, inoita kuti tipfidze tochinja mararamiro edu. Kunzwisisa matongero akarurama anoita Mwari kunotibatsira uye kunoita kuti tiswedere pedyo naye!

MWARI RUDO

“Mwari rudo.”1 JOHANI 4:8.

Mwari anoratidza simba, uchenjeri uye anotonga zvakarurama asi Bhaibheri haritauri kuti Mwari isimba, uchenjeri kana kuti kururama. Rinoti Mwari rudo. Nei? Nekuti simba rake rinoita kuti akwanise kuita zvaanoda uye kururama neuchenjeri zvinoita kuti azive kuti oita sei zvaanoda kuita. Asi rudo rwake ndirwo runoita kuti azoita zvaari kuda. Zvese zvaanoita zvinobva parudo rwaainarwo.

Kunyange zvazvo Jehovha akanga aine zvese, rudo ndirwo rwakaita kuti asike ngirozi uye vanhu. Akasikira vanhu nyika kuti ive musha wavo. Anoramba achiratidza kuti anoda vanhu nekuti ‘anoita kuti zuva ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’—Mateu 5:45.

Uyewo, “Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Ane hanya nevaya vanoratidza kuti vanoda kuva pedyo naye. Mwari anovada semunhu mumwe nemumwe. Bhaibheri rinototi, ‘ane hanya newe.’1 Petro 5:7.

Rudo rwaMwari runotibatsira sei? Tinonakidzwa nekuona zuva richinyura. Tinonakidzwa nekunzwa mwana achiseka. Tinofara nekudiwa kwatinoitwa nevemumhuri. Izvi hazvisi zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu asi zvinoita kuti tiwedzere kunakidzwa neupenyu.

Rudo rwaMwari tinoruonawo pachipo chaakatipa chemunyengetero. Bhaibheri rinoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” Sababa vane rudo, Mwari anoda kuti tiende kwaari kana tiine zvinotinetsa. Anotivimbisa kutipa ‘rugare rwake runopfuura kufunga kwose.’—VaFiripi 4:6, 7.

Kukurukura kwataita unhu hwaMwari hwakadai sesimba, uchenjeri, kutonga zvakarurama uye rudo, kwakubatsira here kunzwisisa kuti Mwari akaita sei? Kuti uwedzere kumunzwisisa, nyaya dzinotevera dzichakubatsira kuti uzive zvinhu zvaakaita uye zvaachaita.

MWARI ANE UNHU HWAKAITA SEI?

Jehovha ane simba, ane uchenjeri uye anotonga zvakarurama. Asi kupfuura zvese ane rudo