Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Tingazvidzivirira Sei Pazvirwere?

Tingazvidzivirira Sei Pazvirwere?

Zuva nezuva muviri wako unorwisana neutachiona uye humwe hwacho hunogona kuuraya. * Kurwisa kunoita muviri hakuoneki nekuti dzimwe nguva masoja emuviri wako anorwisa utachiona pasati patombova nechiratidzo chekuti uri kurwara. Asi dzimwe nguva muviri unogona kukurirwa. Kana izvi zvikaitika, unenge wava kutofanira kunwa mushonga kana kuti kushandisa zvimwe zvinhu kuti upore.

Kwezviuru zvemakore, vanhu vakanga vasingazivi kuti utachiona husingaoneki hunogona kutirwarisa. Asi pakazosvika makore ekuma1800, nyanzvi dzesainzi dzakazoona kuti utachiona ndihwo hunokonzera zvirwere uye izvi zvakabatsira kuti tizvidzivirire. Nyanzvi dzezvekurapa dzakakwanisa kuderedza kana kuti kudzivirira zvirwere zvinotapuriranwa zvakadai sechibhokisi (smallpox) nepolio. Asi zvimwe zvirwere zvakadai seyellow fever nedengue zvadzoka nesimba. Nemhaka yei? Verenga zvinotevera:

  • Gore negore mamiriyoni evanhu anoenda kunyika dzakasiyana-siyana uye mukufamba imomo ndimo mavanoparadzira zvirwere. Nyaya yakabudiswa mubhuku rinonzi Clinical Infectious Diseases yakati “zvirwere zvakaipisisa zvinotapuriranwa” zvinogona kuparadzirwa vanhu pavanofamba vachienda kune dzimwe nyika.

  • Humwe utachiona hahucharapike nemishonga inonzi maantibiotics. Sangano rinoona nezveutano rinonzi World Health Organization rakati: “Nyika ichasvika pekuti zvirwere zvatakajaira zvichange zvisisarapike nemaantibiotics . . . uye zvichange zvava kuurayazve vanhu.”

  • Hondo neurombo zvinowanzotadzisa hurumende kudzivirira zvirwere kuti zvisapararira.

  • Vanhu vakawanda havazivi zvavanofanira kuita kuti vazvidzivirire pazvirwere.

Pasinei nezvataurwa izvi, pane zvakawanda zvaunogona kuita kuti uzvidzivirire nemhuri yako. Nyaya inotevera icharatidza kuti kunyange uchigara munyika iri kusimukira, pane zvinhu zviri nyore zvaunogona kuita.

^ ndima 3 Mabacteria akawanda haakonzeri zvirwere. Nyaya ino iri kutaura nezveutachiona nezvimwe zvinhu zvinokonzera zvirwere.