Shona
Nyika Yazara Nematambudziko—Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/102022008/univ/art/102022008_univ_sqr_xl.jpg
g22 nha. 1 pp. 10-12

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe

3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe

NEI ZVICHIKOSHA?

Kuwedzera kuri kuita matambudziko munyika kuri kuita kuti vakawanda vapedzisire vasisina ushamwari hwakasimba nevamwe.

  • Vamwe vanopedzisira vasingachatauri neshamwari dzavo.

  • Varume nemadzimai mudzimba vanopedzisira vasisawirirani.

  • Vabereki vanopedzisira vasisina hanya nezviri kusangana nevana vavo.

Zvaunofanira Kuziva

  • Kuva neshamwari kwakanaka nekuti kunotibatsira kuti tive neutano hwakanaka uye kuti tisanyanya kunetseka zvinhu pazvinooma.

  • Kunetseka nezviri kuitika munyika kunogona kukonzera matambudziko amanga musingambofungiri mumhuri.

  • Nhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika dzinogona kuvhiringidza vana venyu kupfuura zvamungafungira.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Shamwari dzinogona kutibatsira uye kutipa mazano akanaka. Kungoziva kuti pane mumwe munhu anokuda uye ane hanya newe kunogona kukubatsira kutsungirira matambudziko auri kusangana nawo.