Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Wainyatsoona Kuti Vane Rudo”

“Wainyatsoona Kuti Vane Rudo”

MUSI weMugovera, 25 April 2015, kuNepal kwakaitika kudengenyeka kwenyika kwaityisa chaizvo. Nyika iyi izere nemakomo uye iri nechekumusoro kweIndia. Kudengenyeka uku kwakaitika munzvimbo iri makiromita 80 kubva muguta guru reNepal rinonzi Kathmandu. Vanhu vanopfuura 8 500 vakafa, uye hapana njodzi yati yambouraya vanhu vakawanda kudaro muNepal. Misha inopfuura hafu yemiriyoni yakaparara. PaZvapupu zvaJehovha 2 200 zvemuNepal, vakawanda vacho vaigara munzvimbo iyi. Pakashaya vamwe amai vaiva Chapupu nevana vavo vaviri.

“Pakaitika kudengenyeka kwenyika, ungano dzakawanda dzemunzvimbo yacho dzakanga dzichitoita misangano yechiKristu,” akadaro mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Michelle. “Kudai izvi zvakaitika vakawanda vari kumba, pangadai pakafa vazhinji.” Chii chakaita kuti vaiva pamisangano vapone? Mavakirwo akaitwa Dzimba dzeUmambo.

“TAVA KUONA KUTI ZVINOBATSIRA!”

Dzimba dzeUmambo dzekuNepal dzinovakwa zvakasimba kuti dzisadonha kana pakaitika kudengenyeka kwenyika. Man Bahadur, uyo anovaka Dzimba dzeUmambo, anoti: “Kakawanda taibvunzwa kuti nei taigadzira faundesheni dzakasimba kudaro isu tichingovaka Dzimba dzeUmambo diki. Tava kuona kuti zvinobatsira!” Vamiririri veZvapupu zvaJehovha vakabvumira Zvapupu zveko nevamwewo vasiri Zvapupu kugara paDzimba dzeUmambo.

Zvapupu zvaJehovha nevavakidzani vavo vachigara muDzimba dzeUmambo

Vakuru veungano vakamhanya mhanya kutsvaga vamwe vemuungano vakanga vasati vawanikwa. Mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Babita akati, “Vakuru ivavo vakaita zvese zvavaikwanisa kuti vabatsire vanhu vemuungano. Wainyatsoona kuti vane rudo.” Mangwana acho pashure pekudengenyeka, varume vatatu vari mukomiti inotungamirira basa reZvapupu zvaJehovha muNepal pamwe chete nevatariri vanoshanyira ungano, vakabva vaenda kuungano imwe neimwe kuti vaone rubatsiro rwaidiwa uye kuti vasimbise vakuru vemuungano dzacho.

Gary Breaux, wekumahofisi makuru eZvapupu kuUnited States, ari kuNepal

Papera mazuva 6 kubva pakaitika kudengenyeka, Gary Breaux, uyo anoshanda kumahofisi makuru eZvapupu kuUnited States, akaenda kuNepal nemudzimai wake Ruby. “Sezvo zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muKathmandu, taisava nechokwadi kuti vaizokwanisa kuuya here. Asi vakasvika! Zvapupu zvekuno zvakafara chaizvo,” akadaro Reuben, ari mukomiti yambotaurwa.

‘ZVAKAITA KUTI TIWEDZERE KUBATANA’

Silas, uyo anoshanda pahofisi yeZvapupu kuNepal, akati: “Foni padzakangogadziriswa, vanhu vakatanga kufona siku nesikati! Zvapupu pasi rose zvaida kuziva kuti zvinhu zvakamira sei. Vamwe vaitaura mutauro wataisanzwa, asi tainyatsoona kuti vane rudo nesu uye vaida chaizvo kutibatsira.”

Zvapupu zvaJehovha zvakabva kuEurope kuzorapa varwere

Zvapupu zvemo zvakaita mazuva zvichiendesa zvekudya kuDzimba dzeUmambo. Pakarongwawo komiti yekubatsira panjodzi iyi, uye zvinhu zvakawanda zvakabva kuBangladesh, India, neJapan. Pasina kana nguva, Zvapupu zvekuEurope zvakauya kuzorapa varwere uye basa racho raiitirwa paImba yeUmambo. Vachingosvika, vakabva vatotanga kubatsira vanhu vainge vawirwa nenjodzi iyi uye kuvanyaradza.

Mumwe mukadzi anonzi Uttara akati: “Kudengenyeka kwakaitika kwaityisa. Asi zvakaita kuti tiwedzere kubatana sevanhu vaMwari.” Kudengenyeka uku kwakatoita kuti vanhu vaJehovha vawedzere kudanana uye kuda Mwari wavo.