NHAURIRANO | ANTONIO DELLA GATTA
Chakaita kuti Mupristi Asiye Chechi Yake
ANTONIO DELLA GATTA akagadzwa kuva mupristi muna 1969 pashure pokupedza makore 9 achidzidziswa basa racho kuRome. Akazova mukuru wechikoro chokudzidzisa vapristi chiri pedyo neNaples kuItaly. Pashure penguva yakareba achitsvakurudza uye nokudzamisa pfungwa, akazoona kuti zvinoitwa nechechi yeRoma hazvisi muBhaibheri. Akaudza vanyori veMukai! nezvekutsvaka kwake Mwari.
Tiudzeiwo nezvemakuriro amakaita.
Ndakaberekerwa muItaly muna 1943. Takaberekwa tiri vakomana 4 nevasikana 3 uye baba vedu vaiva muvezi uye murimi. Takakurira muchechi yeRoma.
Nei maida kuzova mupristi?
Ndichiri kakomana, ndainakidzwa nokuteerera vapristi vachiparidza muchechi. Ndainakidzwa nematauriro avo, uyewo ndainakidzwa nezvaigara zvichiitwa muchechi imomo. Ndakabva ndati ndikakura ndoda kuzoitawo mupristi. Ndava nemakore 13, amai vangu vakandiendesa bhodhin’i kwaidzidziswa vakomana zvidzidzo zvepamusoro zvaizoita kuti vave vapristi.
Maidzidzawo Bhaibheri here kuchikoro kwacho?
Kwete zvakanyanya. Ndava nemakore 15, mumwe wevadzidzisi vangu akandipa bhuku reEvhangeri rinotaura nezveupenyu noushumiri hwaJesu uye ndakariverenga kakawanda. Pandakanga ndava nemakore 18, ndakaenda kumayunivhesiti anodzidzisa zvidzidzo zvechechi yeRoma. Yunivhesiti dzacho dzinotungamirirwa napapa pachake. Ndakadzidza chiLatin, chiGreek, nyaya dzakaitika kare, philosophy, psychology, netheology. Kunyange zvazvo taimbodzokorora nomusoro mavhesi omuBhaibheri uye tairiverengerwa pamisi yeSvondo, taisanyatsoridzidza.
Chigaro chenyu chaisanganisira kudzidzisa here?
Basa rangu rakawanda raiva romuhofisi asi ndakambodzidzisa mitemo yeSecond Vatican Council.
Chii chakazoita kuti mutange kusava nechokwadi neChechi yeRoma?
Pane zvinhu zvitatu zvaindinetsa. Chokutanga, chechi yaiita zvematongerwo enyika. Chechipiri, vafundisi nenhengo dzechechi vaisazvibata asi vaingosiyiwa vakadaro. Uye chokupedzisira, pane zvimwe zvinodzidziswa muchechi zvandakaona kuti zvakanga zvisiri zvechokwadi. Somuenzaniso, Mwari ane rudo anotambudzirei vanhu nokusingaperi pavanenge vafa? Uyewo, Mwari anoda here kuti tidzokorore minyengetero tichishandisa rozari? *
Saka makazoita sei?
Ndakanyengetera ndichichema ndichikumbira kuti ndibatsirwe kuziva zvokuita. Ndakatengawo Bhaibheri reRoma rakanga richangobuda mumutauro wechiItalian rinonzi Jerusalem Bible, ndichibva ndatanga kuriverenga. Mumwe musi weSvondo ari mangwanani, pandakanga ndichangobva kuMisa, vamwe
varume vaviri vakabva vasvika. Vakandiudza kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Takataura nyaya dzeBhaibheri kweinopfuura awa kusanganisira nyaya yokuti tingaziva sei chitendero chechokwadi.Zvii zvamunoyeuka nezvevarume vacho?
Ndakayemura matsananguriro uye maziviro avaiita mavhesi emuBhaibheri reRoma. Pave paya, chimwe Chapupu chinonzi Mario chakatanga kundishanyira. Aiva nemwoyo murefu uye aiita zvaainge avimbisa. Aiuya Mugovera woga woga na9:00 mangwanani, nyangwe kupise kana kunaye.
Vamwe vapristi vaiti kudini nokushanyirwa kwamaiitwa?
Pataidzidza Bhaibheri ndaivakoka kuti vauyewo, asi hapana akada kuzvikoshesa. Asi ini ndainakidzwa. Ndaishamiswa pandaidzidza zvinhu zvakadai sokuti nei Mwari ari kurega vanhu vachitambura uye zvinhu zvakaipa zvichiitika. Izvi zvinhu zvaigarondinetsa.
Vakuru venyu havana kumbokurambidzai kudzidza Bhaibheri here?
Muna 1975, ndakaenda kuRome kakati wandei ndichinovaudza nezvemaonero angu. Vakaedza kuchinja mafungiro angu, asi hapana kana akashandisa Bhaibheri. Musi wa9 January 1976, ndakavanyorera tsamba ndichivaudza kuti zveRoma ndava kusiya. Pashure pemazuva maviri ndakabva ndatama uye ndakakwira chitima ndichienda kumusangano wangu wokutanga weZvapupu zvaJehovha. Musangano iwoyo waitova gungano raipindwa neungano dzakawanda. Zvandakaona ikoko zvakandishamisa. Mumwe nomumwe aiva neBhaibheri rake uye vose vaiavhura pavainzi nomunhu aipa mharidzo vavhure.
Ko hama dzenyu dzakati kudini nazvo?
Vakawanda vacho vakandigumbukira zvisingaite. Asi ndakazonzwa kuti mumwe wevanin’ina vangu aidzidzawo Bhaibheri neZvapupu kuLombardy, kuchamhembe kweItaly. Ndakaenda kunomuona, uye Zvapupu zveko zvakandibatsira kuwana basa nepokugara. Pave paya mugore iroro, ndakabva ndabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha.
Ndava kunyatsonzwa ndiri pedyo naMwari
Munodemba zvamakaita here?
Kana! Ndava kunyatsonzwa ndiri pedyo naMwari nokuti zvandava kuziva nezvake zvinotsigirwa neBhaibheri. Izvi zvinosiyana netsanangudzo dzinopiwa nemachechi kana kuti nevanhu vakadzidza. Uye ndava kudzidzisawo vamwe zvichibva pamwoyo ndiine chokwadi nezvandiri kutaura.
^ ndima 13 Mibvunzo iyi nemimwewo inopindurwa zvakajeka neBhaibheri. Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA.