Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Ungaitei Kuti Usafurirwa Neshamwari?

Ungaitei Kuti Usafurirwa Neshamwari?

DAMBUDZIKO

“Pandakanga ndiri kupuraimari ndakanga ndisina vokutamba navo uye zvaindirwadza. Saka pandakazoenda kusekondari ndakatanga kuita zvinhu zvaiita kuti ndifarirwe nevamwe asi zvinhu zvacho zvakanga zvisina kunaka. Ndaidawo kuva neshamwari saka ndaiita zvavaifarira kuti ndiwane vokutamba navo.”—Jennifer, 16. *

Shamwari dzako dzinombokufurira here? Kana dzichikufurira, nyaya ino ichakubatsira kukunda dambudziko iroro.

Kana ukabvumira shamwari dzako kukuudza zvokuita uchafanana nechitoyi chinoita zvinodiwa nomuridzi. Ungabvuma kuitwa zvinhu zvakadaro?—VaRoma 6:16.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Shamwari dzinogona kuita kuti vanhu vanoita zvakanaka vapedzisire vava kuita zvinhu zvakaipa.

“Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

“Zvinoita sokuti tinoziva kuti chakanaka ndechipi, asi tinotadza kuita zvakanaka nemhaka yokuda kufadza vamwe!”—Dana.

Hadzisi shamwari chete dzinoita kuti ude kuita zvakaipa.

“Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.”—VaRoma 7:21.

“Ini pachangu ndini ndinonzwa ndichida kuita zvinhu zvinoita sokunge kuti zvakanaka pazvinenge zvichitaurwa neshamwari dzangu.”—Diana.

Kusaita gundamusaira kunoita kuti unzwe kuti uri munhu anoshandisawo pfungwa.

‘Iva nehana yakanaka.’—1 Petro 3:16.

“Kare zvaindiomera kuti ndisabvuma kufurirwa neshamwari dzangu, asi iye zvino handichanyari kuramba kufurirwa uye handityi kutaura. Pandinonorara ndinonzwa ndichifara nokuti hana yangu inenge isiri kunditongesa.”—Carla.

ZVAUNGAITA

Kana shamwari dzichikufurira kuita zvakaipa edza kuita zvinotevera:

Funga kuti zvaunoda kuita zvichava nemagumo akadii. Zvibvunze kuti, ‘Kana ndikaita zviri kutaurwa neshamwari dzangu ko ndikabatwa? Ko vabereki vangu vachati kudii? Kana ndikaita izvi ndicharatidza kuti ndiri munhu akaita sei?’—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaGaratiya 6:7.

“Vabereki vangu vanondibvunza mibvunzo yakadai sokuti, ‘Kana ukaita zviri kutaurwa neshamwari dzako, chii chichapedzisira chaitika kwauri?’ Vanondibatsira kuti ndione kuti kubvuma kufurirwa neshamwari kunogona kundipinza muna taisireva.”—Olivia.

Nyatsova nechokwadi nezvaunotenda. Zvibvunze kuti, ‘Sei kuita izvi kuchigona kundikanganisa kana kukanganisa vamwe?’—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaHebheru 5:14.

“Ndichiri muduku ndaiti ndikafurirwa neshamwari ndairamba kana kuti ndaingotaura zvishomanana, asi iye zvino ndava kugona kupa tsanangudzo yakanaka yokuti nei ndisingadi kuita zvimwe zvinhu. Ndine chokwadi nezvandakadzidziswa uye ndinoziva kuti chakanaka nechakaipa ndechipi. Pakupindura ndinotaura zvandinofunga kwete kuti nhingi ndiye akanditi ndiite chakati.”—Anita.

Funga kuti unoda kuva munhu akaita sei. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuva munhu akaita sei?’ Chifunga kufurirwa kwauri kuitwa neshamwari dzako wozvibvunza kuti, ‘Munhu wandiri kuti ndinoda kuva, chii chaaizoita kana afurirwa seizvi?’—Zvinotaurwa neBhaibheri: 2 VaKorinde 13:5.

“Ndinogutsikana nezvandiri saka handina basa kuti vamwe vanofungei nezvangu. Vanhu vakawanda vanofarira zvandiri.”—Alicia.

Funga nezveramangwana. Kana uchiri kuchikoro, ziva kuti mumakore mashoma kana mwedzi mishoma iri kutevera, uchange usisina vanhu vauri kuedza kufadza.

“Ndakatarisa pikicha yatakatorwa tiri kuchikoro, uye vamwe vevandaidzidza navo vaivapo ndakanga ndakanganwa mazita avo. Asi pandaiva kuchikoro ndaiona sokuti zvavaitaura ndizvo zvinhu zvaikosha kudarika kuvaratidza zvandinotenda. Ndokupusa manje!”—Dawn, iye zvino ava nemakore 22.

Gadzirira. Bhaibheri rinoti: “Ziva mapinduriro aunofanira kuita munhu mumwe nomumwe.”VaKorose 4:6.

“Ini nemunin’ina wangu tinobatsirwa nevabereki vedu kuti tifunge miedzo yatinogona kusangana nayo tobva tadzidzira kuti tingazviita sei kana tazosangana nemiedzo yacho uye izvi zvinotibatsira.”—Christine.

^ ndima 4 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.