Uprofita Hwakazadzika
Munyaya yapfuura tanzwa nezvaCroesus uyo akanyengerwa nemupristi wekuDelphi, achibva akundwa namambo wePezhiya. Asi muBhaibheri mune uprofita hunotaura nezvemumwe mambo wePezhiya uye zvese zvahwakataura zvakazadzika.
Pachine makore anenge 200 mambo wacho asati azvarwa, muprofita Isaya akataura kuti mambo wacho aizonzi Koreshi. Akataurawo makundiro aaizoita guta reBhabhironi raiva nesimba.
Isaya 44:24, 27, 28: “Zvanzi naJehovha, . . . ‘iye ari kuti kumvura yakadzika, “Ipwa; ndichaomesa nzizi dzako dzose”; Iye ari kuti nezvaKoreshi, “Ndiye mufudzi wangu, zvose zvandinofarira achazviita chose”; kunyange pakutaura kwangu nezveJerusarema kuti, “Richavakwazve,” uye nezvetemberi, “Nheyo yako ichavakwa.”’”
Munyori wezvakaitika kare wechiGiriki ainzi Herodotus akati mauto aKoreshi akachera mugero achibva atsausa mvura yemuRwizi rwaYufratesi, urwo rwaipfuura nemuguta reBhabhironi. Rwizi rwakabva rwaserera mauto ake akakwanisa kupinda muguta. Koreshi paakakunda guta racho, akasunungura vaJudha vakanga vari nhapwa muBhabhironi vachibva vadzokera kunovakazve guta ravo reJerusarema rakanga rava nemakore 70 riri dongo.
Isaya 45:1: “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi pamberi pake, kuti ndisunungure hudyu dzemadzimambo; kuti ndimuvhurire masuo ane madhoo maviri, zvokuti kunyange magedhi haazovharwi.”
VaPezhiya vakapinda muguta nepamadhoo akasimba eguta, ayo akanga asiyiwa akavhurika. Dai vaBhabhironi vakanga vaziva zvairongwa naKoreshi, vangadai vakavhara magedhi ese eguta aiva kurwizi. Kusavharwa kwemagedhi kwakaita kuti zvive nyore kuparadza guta racho.
Uyu ungori muenzaniso mumwe chete pauprofita hwakawanda huri muBhaibheri hwakazadzika nemo nemo. * Uprofita huri muBhaibheri hwakasiyana nekufembera kunoita vanhu pakuti hunobva kuna Mwari, uyo anoti: ‘Ndiri kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.’—Isaya 46:10.
Hakuna munhu anokwanisa kutaura izvi kunze kwaMwari wechokwadi anonzi Jehovha. Nyanzvi dzeBhaibheri dzakawanda dzinoti zita iri rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Rinoratidza kuti ane simba rekuziva uye rekuronga zvinhu kuti zviitike maererano nezvaanoda. Izvi zvinotipa chivimbo chekuti achazadzisa zvese zvaakavimbisa.
UPROFITA HURI KUZADZIKA MAZUVA ANO
Unoda kuziva uprofita hunotaura nezvemazuva atiri kurarama here? Makore 2 000 apfuura, Bhaibheri rakataura kuti “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzaizosvika “mumazuva okupedzisira.” Mazuva okupedzisira echii? Kwete enyika kana kuti evanhu, asi ekurwisana, udzvanyiriri uye kutambura, izvo zvashungurudza vanhu kwezviuru zvemakore. Ngationgororei uprofita hushoma hunotaura ‘nezvemazuva okupedzisira.’
2 Timoti 3:1-5: “Mumazuva okupedzisira. . . , vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.”
Handizvo zviri kunyatsoitwa nevanhu mazuva ano here? Wakambozviona here kuti munyika makazara vanhu vanozvida, vanoda mari, vanodada uye vasingadi kubvumirana nevamwe? Vana havasi kuteerera vabereki uye vanhu vari kuda mafaro kupfuura Mwari. Zvinhu zviri kutowedzera kuipa.
Mateu 24:6, 7: “Muchanzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo. . . Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.”
Dzimwe ongororo dzinoti nhamba yevanhu vakafira muhondo kubvira muna 1914 inopfuura 100 miriyoni, uye nhamba iyi inotopfuura uwandu hwevagari vemune dzimwe nyika. Imboedza kufungidzira kurwadziwa uye kushungurudzika kwakaita hama neshamwari dzakafirwa. Pane zviri kuitwa here nehurumende dzenyika kupedza hondo?
Mateu 24:7: “Kuchava nokushomeka kwezvokudya.”
Sangano rekuyamura rinonzi World Food Programme rakati: “Pasi rese pane zvekudya zvinokwana munhu wese, asi zuva rega rega munhu mumwe chete pavanhu 9 anorara nenzara. Mumwe chete pavatatu anorwara nekutadza kuwana zvekudya zvine utano.” Zvinofungidzirwa kuti gore rimwe nerimwe kunofa vana 3 miriyoni zvichikonzerwa nenzara.
Ruka 21:11: “Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru.”
Gore negore kunoitika kudengenyeka kwenyika kunopfuura 50 000. Kudengenyeka kunosvika 100 kunoparadza zvivako, uye gore negore panotoitika kudengenyeka kwakasimba. Imwe ongororo yakaitwa inoti kubva muna 1975 kusvika muna 2000, kudengenyeka kwenyika kwakauraya vanhu 471 000.
Mateu 24:14: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”
Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 8 miriyoni zviri kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari munyika dzinosvika 240. Vanoparidza mashoko aya akanaka mumaguta, mumaruwa uye kwese kunowanika vanhu. Mwari paachagutsikana kuti basa iri rekuparidza raitwa zvakakwana, uprofita hwacho hunoti: “Zvadaro kuguma kuchasvika.” Chii chichazoitika? Pachange pasisina hurumende dzevanhu panyika, Umambo hwaMwari ndihwo hunenge hwava kutonga. Ndezvipi zvimwe zvakavimbiswa naMwari zvichazadzika? Verenga nyaya inotevera unzwe.
^ ndima 8 Ona nyaya yakanzi “Chivako Chinotsigira Uprofita hweBhaibheri.”