Shona
Kuverenga Nekudzidzisa—Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka
/assets/ct/28ada02fb0/images/syn_placeholder_sqr.png
th chidzidzo 16

CHIDZIDZO 16

Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka

Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka

Jobho 16:5

PFUPISO YECHIDZIDZO: Nyanya kutaura nezvezvinhu zvinobatsira pakugadzirisa matambudziko uye zvinokurudzira vateereri vako.

MAITIRWO AZVO:

  • Vimba nevateereri vako. Vimba nehama dzako kuti dzinoda kufadza Jehovha. Kunyange paunenge uchivaruramisa, tanga wavarumbidza nemwoyo wese pese pazvinoita.

  • Usanyanye kutaura zvinhu zvisingafadzi. Ingotaura zvinhu kana zviitiko zvisingafadzi pazvinenge zvichikubatsira kuti ubudise pfungwa inokosha. Zvizhinji zvaunotaura zvinofanira kunge zvichikurudzira.

  • Shandisa Shoko raMwari. Ratidza vateereri vako zvinhu zvakaitirwa vanhu naJehovha, zvaari kuvaitira uye zvaachavaitira. Vakurudzire uye vabatsire kuti vave netariro.