Umambo hwaMwari Huri Kutonga!
Kutongwa neUmambo hwaMwari hwakarurama kwaita kuti vakawanda vafare, vararame vasina kana chokutya. Unoda kutongwawo nahwo here?
Tsamba Inobva Kudare Rinotungamirira
Chii chinoratidza kuti chiziviso chinofadza chakapiwa naC. T. Russell musi wa2 October, 1914 ndechechokwadi?
CHITSAUKO 1
“Umambo Hwenyu Ngahuuye”
Jesu akadzidzisa nezvoUmambo hwaMwari kupfuura musoro upi zvawo. Huchauya sei uye riini?
CHITSAUKO 2
Umambo Hunozvarwa Kudenga
Ndivanaani vakabatsira vateveri vaJesu vechokwadi kuti vave vakagadzirira Umambo? Zvinhu zvipi zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo?
CHITSAUKO 3
Jehovha Anozivisa Chinangwa Chake
Umambo hwakagara huri muchinangwa chaJehovha kubvira pakutanga here? Jesu akajekesa sei Umambo?
CHITSAUKO 4
Jehovha Anokwidziridza Zita Rake
Umambo hwakagadzirisa chii panyaya yezita raMwari? Iwe pachako uri kuita sei pakutsveneswa kwezita raJehovha?
CHITSAUKO 5
Mambo Anovhenekera Vanhu Kuti Vanzwisise Umambo
Nzwisisa zvakajeka nezvoUmambo hwaMwari, vatongi vahwo uye vahuchatonga, uye kuvimbika kwahuri.
CHITSAUKO 6
Vanhu Vanoparidza—Vashumiri Vanozvipa Nemwoyo Unoda
Nei Jesu aiva nechivimbo chokuti aizova neuto revanhu vaizoparidza nemwoyo unoda mumazuva okupedzisira? Ungaratidza sei kuti uri kutanga kutsvaka Umambo?
CHITSAUKO 7
Nzira Dzokuparidza—Kushandisa Nzira Dzose Kusvitsa Shoko roUmambo Kuvanhu
Dzidza nzira dzakatangwa nevanhu vaMwari kuti vasvitse mashoko akanaka kuvanhu vakawanda mugumo usati wasvika.
CHITSAUKO 8
Zvinhu Zvokushandisa Pakuparidza—Kubudisa Mabhuku Anoshandiswa Kuparidza Munyika Yose
Basa redu rekushandura rinoratidza sei kuti tiri kutsigirwa naJesu? Zvii zvinotaurwa nezvemabhuku edu zvinotibatsira kutenda muUmambo?
CHITSAUKO 9
Kubudirira Kwebasa Rokuparidza—“Minda . . . Yachenera Kukohwa”
Jesu akadzidzisa vadzidzi vake zvidzidzo zviviri zvinokosha nezvebasa guru rokukohwa. Zvidzidzo izvozvo zvinoshanda sei pakukohwa kwatiri kuita nhasi?
CHITSAUKO 11
Kunatsiridzwa Kwetsika Kunoratidza Utsvene hwaMwari
Zvinomiririrwa nedzimba dzevarindi uye magedhi etemberi yakaonekwa naEzekieri zvange zvichikosheswa nevanhu vaMwari kubvira muna 1914.
CHITSAUKO 12
Takarongwa Kuti Tishumire “Mwari Worugare”
Bhaibheri rinosiyanisa nyonganyonga nerugare kwete nekurongeka. Nei? Mhinduro yacho inobatsira sei vaKristu nhasi?
CHITSAUKO 13
Vaparidzi voUmambo Vanoendesa Nyaya Dzavo Kumatare
Vatongi vari mumatare emazuva ano vanoita sezvakaitwa nomudzidzisi weMutemo wekare Gamarieri.
CHITSAUKO 14
Kusatsigira Imwe Hurumende Ipi Zvayo Kunze kweyaMwari
“Rwizi” rwekutambudzwa rwaida kunyudza Zvapupu zvaJehovha nechikonzero chekuti havapindiri mune zvematongerwo enyika rwakamedzwa nevanhu vaisambofungirwa.
CHITSAUKO 15
Kurwira Rusununguko Rwokunamata
Vanhu vaMwari vakarwira kodzero yokuchengeta mutemo woUmambo hwaMwari.
CHITSAUKO 16
Kuungana Kuti Tinamate
Tingaita sei kuti tinyatsobatsirwa nemisangano yekunamata Jehovha?
CHITSAUKO 17
Kudzidzisa Vashumiri voUmambo Kuita Basa
Zvikoro zvesangano zvakagadzirira sei vashumiri veUmambo kuti vaite mabasa avo?
CHITSAUKO 19
Basa Rekuvaka Rinokudza Jehovha
Nzvimbo dzekunamatira dzinokudza Mwari, asi anokoshesa chimwe chinhu chinotopfuura ipapo.
CHITSAUKO 20
Ushumiri Hwokuyamura
Tinoziva sei kuti basa rekuyamura rinobatanidzwawo pabasa dzvene ratinoitira Jehovha?
CHITSAUKO 21
Umambo hwaMwari Hunobvisa Vavengi Vahwo
Unogona kugadzirira hondo yeAmagedhoni iye zvino.
CHITSAUKO 22
Umambo Hunoita Kuda kwaMwari Panyika
Ungava sei nechokwadi kuti zvakavimbiswa naJehovha zvichazadziswa?

