Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 5

Chokwadi Pamusoro Pemashiripiti Nouroyi

Chokwadi Pamusoro Pemashiripiti Nouroyi

1. Kudavira mashiripiti nouroyi kwakapararira zvakadini?

“MUAFRICA kupedza nguva kubvunza kana kuine varoyi,” rinodaro bhuku rinonzi African Traditional Religion, richiwedzera kuti “kuvanhu vose vose vomuAfrica, uroyi ichokwadi chisina mubvunzo.” Vaya vanodavira mashiripiti nouroyi vanosanganisira vose vasina kudzidza nevakadzidza zvikuru. Vatungamiriri vezvitendero zvechiIslam nechiKristudhomu vanodavirawo izvozvo.

2. Maererano nezvinodavirwa nevakawanda, masimba emashiripiti anobvepi?

2 Maererano nezvinodavirwa nevakawanda muAfrica, kune simba romudzimu rakavanzika. Mwari ndiye anoridzora. Midzimu nemadzitateguru vanogona kurishandisa. Uye vamwe vanhu vanozivawo nzira yokuritora nayo vorishandisa, zvakanaka (kupinga) kana kuti zvakashata (kutsinga).

3. Chitsinga chii, uye vanhu vanodavira kuti chinogona kuita sei?

3 Zvitsinga zvinotumirwa vavengi. Vaya vanozvishandisa vanonzi vane simba rokutuma zviremwaremwa, zvishiri, nhunzi, nedzimwewo mhuka kunokuvadza vanhu. Zvitsinga zvinowanzodavirwa kuti ndizvo zvinokonzera kurwa, kushaya mbereko, kurwara, uye kunyange rufu.

4. Vakawanda vanodavirei maererano nevaroyi, uye vamwe vaimboroya vakareurura kuti chii?

4 Chimwe chine ukama neizvi uroyi. Mune dzimwe nzvimbo varoyi vanonzi vanosiya miviri yavo usiku vobhururuka, zvichida kuti vanosangana nevamwe varoyi kana kuti vanodya vanhu. Sezvo miviri yevaroyi ichisara yakarara pamibhedha yavo, nyaya idzi dzinowanzotsigirwa nokureurura kwevanhu vanenge vasiya zvokuroya. Somuenzaniso, imwe magazini yomuAfrica inoti vamwe vaimbova varoyi (kunyanya vasikana vari kuyaruka) vanoti: “Ndakauraya vanhu 150 nokukonzera tsaona dzemotokari.” “Ndakauraya vana vashanu nokunwa ropa ravo rose.” “Ndakauraya vakomana vangu vatatu nokuti vakandiramba pasina zvikonzero.”

5. Kupinga kudini, uye kunoitwa sei?

5 Kupinga kunoitirwa kudzivirira mamhepo. Vanopinga mamhepo vanopfeka mazango kana kuti matumwa. Vanonwa mushonga wokudzivirira kana kuuzora pamuviri wavo. Vanocherera mumba mavo kana muvhu midzi inonzi ine masimba okupinga musha. Vanovimba nematumwa ane mashoko omuKoran kana kuti muBhaibheri.

Nhema Nokunyengedza

6. Satani nemadhimoni ake vakaitei munguva yakapfuura, uye tinofanira kuona sei masimba avo?

6 Ichokwadi kuti Satani nemadhimoni ake vavengi vevanhu uye vane ngozi. Vane simba rokudzora pfungwa noupenyu hwevanhu, uye munguva yakapfuura vakatopinda muvanhu nemhuka. (Mateu 12:43-45) Nepo tisingafaniri kurerutsa masimba avo, hatifaniriwo kunyanya kuona masimba iwayo seakakurisa.

7. Satani anoda kuti tidavirei, uye izvi zvinoenzanisirwa sei?

7 Satani inyanzvi yokunyengedza. Anonyengedza vanhu kuti vafunge kuti ane simba rakawanda kupfuura raanaro chairo. Somuenzaniso: Mukurwisana kuchangobva kuitika mune imwe nyika yomuAfrica, varwi vaishandisa gudzanzwi kutyisidzira vavengi vavo. Vasati vatanga kurwisa, varwi vacho vairidza zvombo nepfuti zvakarekodwa nenzira ine ruzha. Vaida kuti muvengi afunge kuti akanga achirwiswa neuto rine zvombo zvakawanda zvine simba. Saizvozvowo, Satani anoda kuti vanhu vafunge kuti ane simba risingaperi. Chinangwa chake ndechokutyisidzira vanhu kuti vaite zvaanoda uye kwete zvinodiwa naJehovha. Ngatimbokurukurai nhema nhatu idzo Satani anoda kuti vanhu vadavire.

8. Ndedzipi dzimwe nhema dzinosimudzirwa naSatani?

8 Dzimwe nhema dzinotsigirwa naSatani ndeidzi: Hapana chinokuvadza chinongoerekana chaitika; chinhu chose chakaipa chisingakonzerwi zvakananga nomumwe munhu chinokonzerwa nesimba rakavanzika. Somuenzaniso, ngatiti mwana afa nemarariya. Amai vake vangaziva kuti marariya chirwere chinotakurwa noutunga. Asi vangadavirawo kuti pane munhu ashandisa uroyi kutumira utunga kuzoruma mwana wavo.

Dzimwe nguva zvinhu zvakashata zvinongoitika zvoga

9. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Satani haakonzeri zvinetso zvose?

9 Nepo Satani ane simba rokukonzera zvimwe zvinetso, hazvina kururama kudavira kuti ane simba rokukonzera zvinetso zvose. Bhaibheri rinoti: “Unomhanyisa haasi iye unokunda, une simba haasi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haasi iye une zvokudya, vanhu vane njere havasi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havasi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Mumwe mumhanyi mumakwikwi angamhanya kupinda vamwe vose, asi angasakunda. “Zvinoitika” zvisingafanoonekwi zvingaita kuti akundikane. Zvichida anogumburwa opunzika kana kuti anorwara kana kuminyuka. Zvinhu izvi zvinogona kuitika kuna ani nani. Hakusi kuti zvinokonzerwa naSatani kana kuti nouroyi; zvinongoitika zvoga.

10. Chii chinotaurwa maererano nevaroyi, uye tinoziva sei kuti inhema?

10 Nhema dzechipiri dzinosimudzirwa naSatani ndeidzi: Varoyi vanosiya miviri yavo vofamba usiku kunosangana nevamwe varoyi kana kuti kunodya vanhu. Zvino zvibvunze kuti: ‘Kana varoyi vachigona kuita kudaro, chii chacho chinosiya muviri?’ Sezvataona, mweya ndiye munhu, kwete chimwe chinhu chinogona kubuda mumunhu. Pamusoro pazvo, mudzimu isimba roupenyu rinopa muviri simba asi haugoni kuita chimwe chinhu usina muviri.

Varoyi havagoni kusiya miviri yavo

11. Nei tichiziva kuti varoyi havasiyi miviri yavo, uye unozvidavira here?

11 Mweya kana mudzimu haugoni kusiya muviri kuti uite chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa. Saka, varoyi havagoni kusiya miviri yavo. Havaiti chaizvoizvo zvinhu zvavanoti vanoita kana kuti zvavanofunga kuti vaita.

12. Satani anoita sei kuti vanhu vafunge kuti vaita zvinhu zvavasina kuita?

12 Ko tingati kudini nokureurura kunoitwa nevaya vaimboita zvouroyi? Satani anogona kuita kuti vanhu vafunge kuti vakaita zvinhu zvavasina kuita. Achishandisa zviono, Satani anogona kuita kuti vanhu vafungidzire kuti vakaona, kunzwa nokuita zvinhu zvavasina. Nenzira iyi, Satani anotarisira kutsausa vanhu pana Jehovha uye kuvaita kuti vafunge kuti Bhaibheri harina kururama.

13. (a) Kupinga kwakanaka here? (b) Magwaro anotii nezvemashiripiti?

13 Nhema dzechitatu ndeidzi: Kupinga—mashiripiti anoitirwa kudzivirira kutsingwa—kwakanaka. Bhaibheri harimbotauri kuti kutsinga nokupinga zvakasiyana. Rinoshora mashiripiti ose. Funga nezvemitemo iyo Jehovha akapa rudzi rwevaIsraeri maererano nemashiripiti nevaya vaiaita.

  • “Musaita mashiripiti.”—Revhitiko 19:26, NW.

  • “Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo unofanira kuurawa.”—Revhitiko 20:27.

  • “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro.”—Dheuteronomio 18:10-14.

14. Nei Jehovha akaita mitemo yairambidza mashiripiti?

14 Mitemo iyi yakajekesa kuti Mwari akanga asingadi kuti vanhu vake vaite mashiripiti. Jehovha akapa vanhu vake mitemo iyi nokuti aivada uye akanga asingadi kuti vave varanda vokutya nemashura. Akanga asingadi kuti vadzvinyirirwe nemadhimoni.

15. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha ane simba rakakura kwazvo kupfuura Satani?

15 Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri zvose maererano nezvinogona kuitwa uye zvisingagoni kuitwa nemadhimoni, rinoratidza kuti Jehovha Mwari ane simba rakakura kwazvo kupfuura Satani nemadhimoni ake. Jehovha akaita kuti Satani adzingwe kudenga. (Zvakazarurwa 12:9) Cherechedza zvakare kuti Satani akakumbira mvumo yokuedza Jobho uye akateerera yambiro yaMwari yokuti asauraya Jobho.—Jobho 2:4-6.

16. Tinofanira kutarisira kuchengetwa naani?

16 Zvirevo 18:10 inoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” Saka tinofanira kutarisira kuchengetedzwa naJehovha. Vashumiri vaMwari havatarisiri kudzivirirwa nemazango uye mishonga pamabasa akaipa aSatani nemadhimoni, uye havatyi zvitsinga zvevaroyi. Vashumiri vaMwari vanodavira zvinotaura Bhaibheri kuti: “Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9.

17. Jakobho 4:7 inotivimbisei, asi chii chatinofanira kuita?

17 Iwewo unogona kuva nechivimbo ichi kana uchishumira Jehovha. Jakobho 4:7 inoti: “Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.” Kana uchishumira Mwari wechokwadi, uchizviisa pasi pake, uchava nechokwadi chokuti Jehovha achakudzivirira.