Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 13

Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho

Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho

Zvirevo 3:21

PFUPISO YECHIDZIDZO: Batsira vateereri vako kuti vaone kuti nyaya yako inovabatsira sei muupenyu, uye kuti vazive zvavanofanira kuita nezvinhu zvavadzidza.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga vateereri vako. Funga kuti nei vateereri vako vachifanira kunzwa mashoko acho, uye funga kuti ndepapi pachanyatsovabatsira panyaya yauri kutaura.

  • Kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira, ratidza vateereri vako zvavanofanira kuita. Kubvira paunotanga nyaya yako, muteereri mumwe nemumwe anofanira kugona kuti, ‘Zviri kutaurwa zvinonyatsondibatsira muupenyu hwangu.’ Paunenge uchitsanangura pfungwa huru imwe neimwe, ratidza kuti ingashandiswa sei muupenyu. Nyatsonanga pazvinoshanda chaipo.