Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 CHITSAUKO 18

“Hasha Dzangu Dzichatutuma”

“Hasha Dzangu Dzichatutuma”

EZEKIERI 38:18

ZVATICHADZIDZA: Jehovha anoshatirwa panorwiswa vanhu vake naGogi; Jehovha anodzivirira vanhu vake pahondo yeAmagedhoni

1-3. (a) Chii chichaitika ‘hasha dzaJehovha padzichatutuma’? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Tichakurukurei iye zvino?

VARUME, vakadzi, nevana vakamira pamwe chete vachiimba rwiyo rweUmambo. Mumwe mukuru anobva anyengetera nemwoyo wese achikumbira Jehovha kuti avadzivirire. Vanhu vemuungano iyi vane chivimbo chekuti Jehovha achavachengetedza, asi vari kuda kunyaradzwa uye kusimbiswa. Panze hondo iri kutsviriridza. Amagedhoni yatanga!—Zvak. 16:14, 16.

2 Pahondo yeAmagedhoni, Jehovha achaparadza vanhu ‘hasha dzake dzichitutuma.’ (Verenga Ezekieri 38:18.) Acharatidza hasha dzake dzinotyisa kuvanhu vakawanda pasi rese, kwete kunyika imwe chete kana uto rimwe chete. Pazuva iroro, vaya vachaurayiwa naJehovha vachava panyika yese, “kubvira kumugumo wayo kusvika kune mumwe mugumo wayo.”—Jer. 25:29, 33.

3 Chii chichaita kuti Jehovha, Mwari werudo, uya anonzi ane “ngoni netsitsi” uye “anononoka kutsamwa,” aite zvakadaro, kuviruka ‘nehasha’? (Eks. 34:6; 1 Joh. 4:16) Ngationei kuti mhinduro yemubvunzo iwoyo inotinyaradza sei, inotipa sei ushingi,  uye kuti inotikurudzira sei kuti tirambe tichiita basa redu rekuparidza mazuva ano.

Chii Chinomutsa “Hasha” dzaJehovha?

4, 5. Hasha dzaMwari dzakasiyana papi nedzevanhu vane chivi?

4 Kutanga, tinofanira kuziva kuti hasha dzaJehovha dzakasiyana nedzevanhu vane chivi. Vanhu pavanotsamwa votutuma nehasha havawanzokwanisi kuzvidzora uye kuita zvakanaka. Semuenzaniso, Kaini, dangwe raAdhamu, “akagumbuka chaizvo” nekuti Jehovha akaramba chibayiro chake achifarira mupiro waAbheri. Zvakaguma nei? Kaini akazouraya munin’ina wake akarurama. (Gen. 4:3-8; VaH. 11:4) Fungawo nezvaDhavhidhi, anotsanangurwa achinzi munhu aidiwa nemwoyo waJehovha. (Mab. 13:22) Kunyange murume iyeye akanaka, akapotsa aita chivi chakakura paakanzwa kuti mumwe murume akapfuma ainzi Nabhari akanga apopotera varume vake uye amutuka. Akaita kuguta nehasha, Dhavhidhi nemasoja ake ‘vakatora mapakatwa avo’ vachida kunouraya Nabhari nevanhurume vese pamusha pake. Dhavhidhi nevarume vake vakatozodzikamiswa nemudzimai waNabhari, Abhigairi, uyo akavaudza kuti vasatsiva. (1 Sam. 25:9-14, 32, 33) Saka hazvishamisi kuti Jehovha akafemera Jakobho kunyora kuti: “Kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.”—Jak. 1:20.

Jehovha anodzora hasha dzake nguva dzese uye tinogona kuziva zvinomutsamwisa

5 Kusiyana nevanhu, avo vanowanzoratidza hasha dzavo pasiri ipo, Jehovha anodzora hasha dzake nguva dzese uye tinogona kuziva zvinomutsamwisa. Jehovha anoita zvakarurama kunyange paanenge atsamwiswa zvikuru. Paanorwisa muvengi, haambotsvairi “vakarurama pamwe chete nevakaipa.” (Gen. 18:22-25) Uyewo Jehovha anongoratidza hasha pazvinenge zvakakodzera chete. Ngationei zvikonzero zviviri zvinoita kuti atsamwe, toona kuti tinodzidzei pazviri.

6. Jehovha anoita sei zita rake parinosvibiswa?

6 Chikonzero: Kusvibiswa kwezita raJehovha. Vaya vanoti vanomiririra zita raJehovha asi vachiita zvinhu zvakaipa vanenge vachirisvibisa uye haangambotadzi kugumbuka. (Ezek. 36:23) Sezvatakakurukura muzvitsauko zvakapfuura zvebhuku rino, vaIsraeri vakazvidzisa zita raJehovha zvikuru. Jehovha haaimbotadza kugumbuka nezviito zvavo. Asi haana kumbobvira atadza kudzora hasha dzake, nekuti akavaranga zvakafanira, kwete zvakapfurikidza. (Jer. 30:11) Uye paaigadzirisa zvinenge zvakanganiswa zvacho, hasha dzake dzaibva dzaserera, zvobva zvangoperawo.—Pis. 103:9.

7, 8. Tinodzidzei pamabatiro akaita Jehovha vaIsraeri?

7 Zvidzidzo: Mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anotipa yambiro. Isu tinomiririra zita raJehovha sezvakanga zvakangoitawo vaIsraeri. Tiri Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10) Maitiro edu uye matauriro edu zvinogona kuita kuti Mwari watinomiririra  azvidzwe kana kuti akudzwe. Hatidi kumbofa takava vanhu vasinganyari kuita zvakaipa, tozvidzisa zita raJehovha. Unyengeri hwakadaro hunomutsa hasha dzaJehovha, uye anotozoita chimwe chinhu kuti achenese zita rake.—VaH. 3:13, 15; 2 Pet. 2:1, 2.

8 Saka totadza kuswedera pedyo naJehovha nekuti anokwanisa kuviruka ‘nehasha’ here? Aiwa. Tinoziva kuti Jehovha ane mwoyo murefu uye anoregerera. (Isa. 55:7; VaR. 2:4) Asi tinozivawo kuti anoranga pazvinenge zvakakodzera. Tingatoti izvi zvinoita kuti timuremekedze, tichiziva kuti acharatidza hasha dzake pavanhu vanoramba vachiita zvivi uye kuti haazovasiyi vari pakati pevanhu vake. (1 VaK. 5:11-13) Jehovha akatitaurira zvakajeka kuti ndezvipi zvinomushatirisa. Isu ndisu tinosarudza tega kuita kana kusaita zvinhu zvinomushatirisa.—Joh. 3:36; VaR. 1:26-32; Jak. 4:8.

9, 10. Jehovha anoita sei panorwiswa vanhu vake vakatendeka? Taura mienzaniso.

9 Chikonzero: Kurwiswa kwevanhu vaJehovha vakatendeka. Jehovha anoshatirwa kana vavengi vakarwisa vanhu vakavimbika kwaari, vari pasi pemapapiro ake. Semuenzaniso, pashure pekunge vaIsraeri vabuda muIjipiti, Farao neuto rake guru vakatevera vanhu ava vaiva vangoungana pamahombekombe eGungwa Dzvuku, vachiita sevasina anovadzivirira. Asi uto iroro rine simba parakangotanga kudzingirira vaIsraeri, richipindawo nepakati pegungwa pakaoma, Jehovha akagurunura mavhiri pangoro dzavo dzehondo akazunzira vaIjipiti mukati megungwa. “Hapana kana mumwe chete wavo akapona.” (Eks. 14:25-28) Jehovha akaratidza hasha dzake kuvaIjipiti nekuti ane ‘rudo rusingachinji’ nevanhu vake.—Verenga Eksodho 15:9-13.

Ngirozi dzichatidzivirira sezvakaita imwe ngirozi yakadzivirira vanhu vaMwari pavaAsiriya mumazuva aHezekiya (Ona ndima 10, 23)

10 Rudo rwaJehovha nevanhu vake ndirwo rwakaitawo kuti arwe mumazuva aMambo Hezekiya. Asiriya, nyika yaiva neuto rine simba uye utsinye kupfuura dzimwe dzese panguva iyoyo, yakafora yakananga kuguta reJerusarema. Vashumiri vaJehovha vakavimbika vakanga vakombwa vachida kuurayiwa zvishoma nezvishoma, zvinorwadza, uye zvinotyisa. (2 Madz. 18:27) Jehovha akabva atuma ngirozi imwe chete; yakauraya mauto emuvengi anosvika 185 000 usiku humwe chete! (2 Madz. 19:34, 35) Fungidzira kuti mumusasa wevaAsiriya makafuma makaita sei. Mapfumo, nhoo, nemapakatwa zvakangoti mwarara. Hapana mabhosvo ekumutsa vanhu. Hapana ari kudanidzira achiudza mauto zvekuita. Musasa wese wangoti zii, zvitunha zvakangoti katakata.

11. Mienzaniso yemuBhaibheri yezvakaitwa naJehovha pakarwiswa vanhu vake inotinyaradza sei uye inotipa sei ushingi?

11 Zvidzidzo: Mienzaniso iyi yezvinoitwa naJehovha panorwiswa vanhu vake inopa vavengi vedu yambiro yakasimba yekuti: “Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu” kana atsamwiswa. (VaH. 10:31) Asi kwatiri, mienzaniso iyoyo inonyaradza  uye inopa ushingi. Tinonyaradzwa nekuziva kuti muvengi wedu mukuru, Satani, haazombobudiriri. “Nguva [yake] pfupi” achitonga yava pedyo kupera! (Zvak. 12:12) Asi kusvikira nguva iyoyo yasvika, tinogona kushumira Jehovha tiine ushingi, tichiziva kuti hapana chingatitadzisa kuita kuda kwaMwari, angava munhu, sangano, kana hurumende. (Verenga Pisarema 118:6-9.) Muapostora Pauro akaratidza chivimbo chatiinacho paakataura mashoko aya achifemerwa: “Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angamirisana nesu?”—VaR. 8:31.

12. Chii chichaita kuti hasha dzaJehovha dzitutume pakutambudzika kukuru?

12 Pakutambudzika kukuru kuri kuuya, Jehovha achatidzivirira sezvaakaita vaIsraeri vakanga vaiswa parumananzombe nevaIjipiti uye sezvaakaita vaJudha vakanga vakombwa nevaAsiriya muJerusarema. Vavengi vedu pavachaedza kutiparadza, rudo runa Jehovha nevanhu vake ruchaita kuti hasha dzake dzitutume. Vaya vachaita upenzi hwekutirwisa vachaita sekunge vari kutobata mboni yeziso raJehovha. Achabva angopindira  pakarepo. (Zek. 2:8, 9) Hondo ichamuka ipapo ichauraya vanhu zvisati zvamboitika. Asi vavengi vaJehovha havafaniri kushamisika paachadurura hasha dzake pavari. Nei tichidaro?

Jehovha Akayambira Vanhu Zvakadini?

13. Jehovha akayambira vanhu zvakadini?

13 Jehovha “anononoka kutsamwa” uye akayambira vanhu zvakakwana achivaudza kuti aizoparadza vaya vanomupikisa uye vanorwisa vanhu vake. (Eks. 34:6, 7) Jehovha akashandisa vaprofita vakadai saJeremiya, Ezekieri, Dhanieri, Kristu Jesu, uye vaapostora vakadai saPetro, Pauro, naJohani kuti vayambire vanhu nezvehondo inotyisa iri kuuya.—Ona bhokisi rakanzi “Jehovha Anoyambira Vanhu Nezvehondo Huru Iri Kuuya.”

14, 15. Jehovha akaita basa rei, uye nei akadaro?

14 Jehovha akaita kuti yambiro idzi dzinyorwe muShoko rake. Akavawo nechokwadi chekuti Bhaibheri raizoshandurwa mumitauro yakawanda roparadzirwa kupfuura mamwe mabhuku ese panyika. Pasi rese, akaita kuti pave neuto revanhu vanozvipira  kubatsira vamwe kuti vave neushamwari naMwari uye kuvayambira ‘nezvezuva guru raJehovha.’ (Zef. 1:14; Pis. 2:10-12; 110:3) Akaita kuti vanhu vake vashandure mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumazana emitauro uye kuti vaite mamiriyoni emaawa gore negore vachiudza vamwe vimbiso neyambiro dziri muShoko rake.

15 Jehovha akaita kuti basa rese iri riitwe “nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (2 Pet. 3:9) Tine chikomborero chakakura chekumiririra Mwari wedu ane rudo uye ane mwoyo murefu uye chekuparidzawo shoko rake. Asi pasina kana nguva, vaya vasingateereri yambiro idzi vachaona kuti vanenge vadya manonoko.

Hasha dzaJehovha “Dzichatutuma” Riini?

16, 17. Jehovha akatosarudza here zuva rehondo yekupedzisira? Tsanangura.

16 Jehovha akatosarudza kare zuva rehondo yekupedzisira. Anotoziva kuti vanhu vake vacharwiswa riini. (Mat. 24:36) Jehovha anoziva sei kuti vavengi vake vacharwisa riini?

 17 Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura chebhuku rino, Jehovha anoudza Gogi kuti: ‘Ndichaisa zvirauro mushaya dzako.’ Achaita kuti nyika dzipinde muhondo. (Ezek. 38:4) Izvi hazvirevi kuti Jehovha ndiye anenge avadenha muhondo yacho; hazvireviwo kuti achatorera vavengi vake rusununguko rwekusarudza zvavanoda kuita. Chazvinoreva ndechekuti Jehovha anogona kuziva zviri mumwoyo mevanhu uye anoziva zvichaitwa nevavengi vake zvichienderana nemamiriro anenge aita zvinhu.—Pis. 94:11; Isa. 46:9, 10; Jer. 17:10.

18. Chii chichaita kuti vanhu varwe neWemasimbaose?

18 Kana Jehovha asiri iye achatanga hondo yacho kana kuti asingamanikidze vavengi vake kuti varwe naye, chii chichaita kuti vanhuwo zvavo vafunge kurwisana neWemasimbaose? Chimwe chikonzero ndechekuti panozosvika nguva iyoyo, vanogona kunge vanyatsozvishingisa vachiti hakuna Mwari kana kuti, kana ariko, haapindire munyaya dzevanhu. Pamwe chichaita kuti vafunge saizvozvo ndechekuti vanenge vachangobva kutsvaira masangano ese ezvitendero zvenhema. Saka vanogona  kufunga kuti dai Mwari ariko angadai arwira masangano anoti anomumiririra. Vanenge vasingazive kuti Mwari wacho ndiye akatoisa mumwoyo mavo pfungwa yekuti vaparadze zvitendero zvanga zvichisvibisa zita rake.—Zvak. 17:16, 17.

19. Chii chinogona kuitika pashure pekunge zvitendero zvenhema zvaparadzwa?

19 Kana zvitendero zvenhema zvaparadzwa, Jehovha anogona kuita kuti vanhu vake vazivise mashoko anorwadza chaizvo, aya anofananidzwa mubhuku raZvakazarurwa nechimvuramabwe chine mazigodo anorema makirogiramu angasvika 20. (Zvak. 16:21, mashoko emuzasi) Mashoko aya, ayo anogona kunge ari ekuti zvekutengeserana uye zvematongerwo enyika zvava kuda kuguma, acharwadza vanhu vanenge vachianzwa zvekuti vachamhura Mwari. Pamwe mashoko iwayo ndiwo achaita kuti nyika dzese dzide kubatana pakurwisa vanhu vaMwari, kuti dzivanyararidze zvachose. Dzichafunga kuti takangoyanikwa, tisina anotidzivirira. Apa ndipo pavachaona kuti vanenge varova shumba nembama!

Jehovha Acharatidza Sei Hasha Dzake?

20, 21. Gogi ndiani, uye chii chichaitika kwaari?

20 Sezvatakaona muChitsauko 17 chebhuku rino, Ezekieri anoshandisa zita rekuti, “Gogi wenyika yeMagogi” achireva mubatanidzwa wenyika dzinotirwisa. (Ezek. 38:2) Asi kubatana kwenyika idzi kunenge kuri kwekunyepera. Vanenge vachiita kunge vari kushandira pamwe asi pfungwa yekuvengana, kuzvikudza, uye kuda nyika dzavo inoramba iripo. Zvichaitira nyore Jehovha kuti aite kuti mumwe nemumwe ‘arwise hama yake nebakatwa.’ (Ezek. 38:21) Asi kuparadzwa kwenyika idzi kunenge kusina kuitwa nevanhu.

21 Vasati vaparadzwa, vavengi vedu vachaona chiratidzo cheMwanakomana wemunhu, izvo zvingareva kuti vachaona kuratidzwa kunoshamisa kwesimba raJehovha naJesu. Vavengi vachaona zvinhu zvichaita kuti vashungurudzike. Sekutaura kwakaita Jesu, “vanhu vachapera simba nekutya uye nekutarisira zvinhu zvinouya panyika.” (Ruka 21:25-27) Vachavhunduka pavachaziva kuti kurwisa kwavakaita vanhu vaJehovha kwaiva kuzvisikira moto muziso. Vachamanikidzwa kuziva Musiki saJehovha wemauto, mutungamiriri wehondo. (Pis. 46:6-11; Ezek. 38:23) Hapana mubvunzo kuti Jehovha achavaregedzera mauto ake ekudenga nezvinhu zvaakasika nenzira inoita kuti adzivirire vashumiri vake uku achiparadza vavengi vake.—Verenga 2 Petro 2:9.

Vanhu vake pavacharwiswa, Jehovha achashandisa mauto ake ekudenga kuti adurure hasha dzake (Ona ndima 21)

22, 23. Ndivanaani vachadzivirira vanhu vaMwari, uye vanofanira kunge vachinzwa sei nebasa iroro?

Kuziva kwatinoita nezvezuva raJehovha kunoita kuti tiite sei?

22 Funga kuti Jesu achafara sei kutungamirira pakurwisa vavengi vaMwari uye kudzivirira vaya vanoda Baba vake uye vanovashumira! Fungawo kuti vakazodzwa vachanzwawo sei ipapo. Amagedhoni isati yatanga, vekupedzisira vavo vanenge vachiri  pasi pano vachamutswa voenda kudenga, kuitira kuti vese vari 144 000 vabatane naJesu muhondo yacho. (Zvak. 17:12-14) Hapana mubvunzo kuti vakawanda vevakazodzwa vakava neshamwari dzepedyo nevamwe vemamwe makwai pavaishanda vese mumazuva ekupedzisira. Iye zvino vakazodzwa vanenge vapiwa simba rekudzivirira vaya vaivatsigira vakavimbika mumiedzo yavo.—Mat. 25:31-40.

23 Ngirozi dzichange dzirimowo muuto racho rekudenga. (2 VaT. 1:7; Zvak. 19:14) Dzakatobatsira Jesu kare paakabvisa Satani nemadhimoni kudenga. (Zvak. 12:7-9) Uye dzanga dzichibatsira pakuunganidza panyika vaya vanoda kunamata Jehovha. (Zvak. 14:6, 7) Zvakanyatsokodzera kuti Jehovha ashandise ngirozi kudzivirira vakavimbika ava. Chichatonyanya kukosha ndechekuti vese vachange vari muuto raJehovha vachaona kuri kukudzwa chaiko kutsvenesa uye kureverera zita rake kuburikidza nekuparadza vavengi vake.—Mat. 6:9, 10.

24. Veboka guru remamwe makwai vachaita sei pavacharwiswa?

24 Vemamwe makwai vachange vasina kana chikonzero chekudedera sezvo vachange vaine uto rakasimba rine chido chekuvadzivirira. Tingatoti ‘vachatosimudza misoro yavo, nekuti kununurwa kwavo kunenge kwaswedera pedyo.’ (Ruka 21:28) Zvinokosha chaizvo kuti zuva raJehovha risati rasvika, tibatsire vakawanda vatingakwanise kuti vasvike pakuziva uye kuda Baba vedu vane ngoni uye vanodzivirira.—Verenga Zefaniya 2:2, 3.

PaAmagedhoni, vanhu vaJehovha havasi kuzorwa. Ngirozi dzichavadzivirira uye vavengi vavo vacharwisana pachavo.—Ezek. 38:21 (Ona ndima 22-24)

25. Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

25 Hondo dzevanhu dzinosiya zvinhu zvangova manyama amire nerongo uye vanhu vachitambura. Asi Amagedhoni ichasiya zvinhu zvarongeka uye vanhu vachifara. Zvinhu zvichange zvaita sei kana hasha dzaJehovha dzaserera, varwi vake vadzorera mapakatwa panzvimbo yawo, uye ruzha rwehondo rwapera? Tichakurukura nezveramangwana iroro rinofadza muchitsauko chinotevera.