Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!
Bhuku reBhaibheri raEzekieri rine uprofita hwakawanda hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Uprofita uhwu hunorevei kwatiri?
Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
Chido chedu ndechekuti bhuku rino rikubatsire kuti unamate Jehovha zvakachena, sezvo ari iye akakodzera kunamatwa.
Tsanangudzo Yezvimwe Zviri Mubhuku Rino
Mabhokisi ekudzidzisa nemachati enguva ane mamwe mashoko ekuwedzera achakubatsira kunzwisisa zvaunenge uchiverenga.
CHITSAUKO 1
“Jehovha Mwari Wako Ndiye Waunofanira Kunamata”
Satani paakafurira vanhu kuti vapanduke muEdheni, ainge achitoti Jehovha haana kodzero yekutonga, uye aitorwisa kunamata kwakachena.
CHITSAUKO 2
“Mwari Akafarira” Zvipo Zvavo
Zvakaitwa nevarume vaiva nekutenda zvinoratidza kuti pane zvinhu zvina zvinodiwa kuti kunamata kugamuchirwe naMwari.
CHIKAMU 1
“Denga Rakavhurika”
CHITSAUKO 3
‘Ndakatanga Kuona Zviratidzo zvaMwari’
Chiratidzo chekutanga chaEzekieri chakamusiya apererwa. Chinobatsira vashumiri vaMwari vakatendeka mazuva ano.
CHITSAUKO 4
‘Zvisikwa Zvipenyu Zvine Zviso Zvina’ Zvinomiririrei?
Jehovha akapa Ezekieri zvinhu zvinooneka zvekuti amubatsire kunzwisisa zvinhu zvataisazokwanisa kuona kana kunzwisisa.
CHITSAUKO 5
‘Ona Zvinhu Zvakaipa Uye Zvinosemesa Zvavari Kuita’
Ezekieri anoona zvinhu zvinomuvhundutsa zviri kuitwa zvinoratidza kuti vaIsraeri vese vasiya kunamata kwakachena.
CHITSAUKO 6
“Kuguma Kwazosvika Pauri”
Kuenzanisira kweuprofita kwaiita Ezekieri kwairatidza hasha dzaMwari paguta reJerusarema.
CHITSAUKO 7
Marudzi ‘Achaziva Kuti Ndini Jehovha’
Marudzi aishora zita raMwari uye aitambudza kana kuti kusvibisa vanhu vake aisazongosiyiwa asina kurangwa. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nemamwe marudzi?
CHITSAUKO 8
“Ndichaapa Mufudzi Mumwe Chete”
Mwari anofemera Ezekieri kuprofita nezvaMesiya, Mutongi uye Mufudzi wevanhu vaJehovha, aizodzorera zvachose kunamata kwakachena.
CHITSAUKO 9
“Ndichavapa Mwoyo Mumwe Chete”
Uprofita hwakapiwa vaJudha vakatendeka muBhabhironi hune zvahunoreva kwatiri here?
CHITSAUKO 10
“Muchava Vapenyu”
Ezekieri akaona chiratidzo chebani rizere nemapfupa akazova neupenyu. Chinorevei?
CHITSAUKO 11
“Ndakugadza Kuti Uve Murindi”
Basa remurindi uyu nderei? Iyambiro ipi yaanofanira kuzivisa vanhu?
CHITSAUKO 14
“Uyu Ndiwo Mutemo Wetemberi Yacho”
VaJudha vemunguva yaEzekieri vanofanira kunge vakadzidzei pachiratidzo chetemberi. Chiratidzo ichi chinotidzidzisei mazuva ano?
CHITSAUKO 15
“Ndichapedza Upfambi Hwako”
Tinodzidzei parondedzero yepfambi dzinotaurwa mubhuku raEzekieri neraZvakazarurwa?
CHITSAUKO 16
‘Isa Chiratidzo Pahuma Dzevanhu’
Kuiswa chiratidzo kwakaitwa vanhu vakatendeka mumazuva aEzekieri kuti vapone kune zvakunotidzidzisa.
CHITSAUKO 18
“Hasha Dzangu Dzichatutuma”
Kurwisa kwaGogi kuchamutsa hasha dzaJehovha zvomuita kuti adzivirire vanhu vake.
CHITSAUKO 19
“Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”
Nei tichigona kuti chiratidzo chaEzekieri cherwizi rwuri kuyerera chakazadziswa, changa chichizadziswa, uye chichazadziswa mune ramangwana?
CHITSAUKO 20
‘Govai Nyika Kuti Ive Nhaka Yenyu’
Muchiratidzo, Mwari anoudza Ezekieri nedzimwe nhapwa kuti vagove Nyika Yakapikirwa pakati pemadzinza evaIsraeri.
CHITSAUKO 21
‘Guta Racho Richanzi Jehovha Ari Ipapo’
Tinodzidzei pachiratidzo chaEzekieri cheguta nezita raro raiva nezvarinoreva?
CHITSAUKO 22
“Namata Mwari”
Chinangwa chebhuku rino ndechekusimbisa chido chedu chekunamata Jehovha Mwari chete.
Pfupiso Yezvakagadziridzwa
Chii chakaita kuti manzwisisiro ataiita humwe uprofita huri mubhuku raEzekieri achinjwe?
BHOKISI REKUDZIDZISA 1A
Chii Chinonzi Kunamata?
Chii chinombonzi kunamata? Kunobudiswa sei mubhuku raEzekieri? Kunamata kwakachena kunosanganisirei?
BHOKISI REKUDZIDZISA 1B
Mamiriro Akaita Bhuku raEzekieri
Zvitsauko zvemubhuku racho zvinogona kupatsanurwa maererano nekuti chii chakatanga kuitika, uye nenyaya inenge ichitaurwa.
BHOKISI REKUDZIDZISA 2A
Kunzwisisa Uprofita hwaEzekieri
Bhuku raezekieri rine zviratidzo, mienzaniso, nyaya dzinodzidzisa, uye kuedzesera. Zvakawanda zvacho zvaiva nemashoko akafemerwa naMwari ezvinhu zvichaitika mune ramangwana.
BHOKISI REKUDZIDZISA 2B
Ezekieri—Upenyu Hwake Uye Makore Aakararama
Pane vamwe vaprofita vakashumirawo panguva yaEzekieri. Panguva yaakararama, pane zvinhu zvinokosha zvakaitika munhoroondo yevanhu vake.
BHOKISI REKUDZIDZISA 3A
Rwendo Rurefu Rwekuenda kuBhabhironi
VaJudha vanofanira kunge vakafamba nenzira ipi pavaibva kuJudha vachienda kuBhabhironi?
BHOKISI REKUDZIDZISA 4A
“Ndakatarisa Zvisikwa Zvacho Zvipenyu”
Chii chinosiyanisa zvisikwa zvina zvakaonekwa naEzekieri nezvivezwa zvakakura zvaiva kuAsiriya neBhabhironi?
BHOKISI REKUDZIDZISA 5A
“Mwanakomana Wemunhu, Uri Kuzviona Here?”
Ezekieri anoona zvinhu zvina zvinosemesa zviri kuitwa mutemberi nemuchivanze chayo.
BHOKISI REKUDZIDZISA 6A
“Gera Musoro Wako Nendebvu Dzako”
Achitungamirirwa naMwari, Ezekieri akaenzanisira uprofita hwairatidza zvakanga zvava pedyo kuitika muJerusarema.
BHOKISI REKUDZIDZISA 7A
Nyika Dzakapoteredza Jerusarema
Vanhu vaigara vachirwisana muJudha nemunyika dzainge dzakavakidzana nayo nenyaya yekuda kutonga.
BHOKISI REKUDZIDZISA 7B
Mashoko Anonyanya Kushandiswa Mubhuku raEzekieri
Mamwe mashoko anoramba achidzokororwa kakawanda mubhuku iri reuprofita.
BHOKISI REKUDZIDZISA 8A
Uprofita hwaMesiya—Musidhari Unoyevedza
Chirahwe chiri muchitsauko 17 chaEzekieri chinorevei?
BHOKISI REKUDZIDZISA 8B
Uprofita Hutatu Hune Chekuita naMesiya
Ezekieri anoprofita achiratidza kuti taizokwanisa kuvimba nemutungamiriri wevanhu vaMwari.
BHOKISI REKUDZIDZISA 9A
Jehovha Anozadzisa Zvaanovimbisa—Kare
Mwari anofemera Ezekieri kuti audze vaJudha uprofita hushanu hwekusunungurwa kwavo uye kudzorerwa kwekunamata kwakachena.
BHOKISI REKUDZIDZISA 9B
Nei Tichiti Zvakaitika Muna 1919?
Nei tichiti vanhu vaMwari vakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi Guru muna 1919?
BHOKISI REKUDZIDZISA 9C
Jehovha Anozadzisa Zvaanovimbisa—Mazuva Ano
Dzimwe vimbiso dzaMwari dzakazadziswa sei kaviri?
BHOKISI REKUDZIDZISA 9D
Uprofita Hwekutapwa Nekudzorerwa Kwevanhu vaMwari
Uprofita hwekutapwa kwevaJudha vachiendeswa kuBhabhironi nekudzorerwa kwavo kunyika yavo hwakazozadziswa kechipiri uye pamwero mukuru, ungano yechiKristu payakatapwa neBhabhironi Guru uye kunamata kwakachena pakwakazodzorerwa.
BHOKISI REKUDZIDZISA 9E
“Nguva Yekudzorerwa Kwezvinhu Zvese”
Muapostora Petro akafemerwa kuti ataure nezvenguva yaizogadzwa Kristu saMambo kusvikira pakupera kwemakore 1 000.
BHOKISI REKUDZIDZISA 10A
Kunamata Kwakachena Kunodzorerwa Zvishoma Nezvishoma
Ndezvipi zvakaitika zvakaita kuti tizosvika pakuparidza sezvatinoita mazuva ano?
BHOKISI REKUDZIDZISA 10B
“Mapfupa Akaoma” Uye ‘Zvapupu Zviviri’—Zvakafanana Uye Zvakasiyana Papi?
Uprofita uhwu hwakazadziswa sei mazuva ano?
BHOKISI REKUDZIDZISA 10C
Kubatsirwa Kwatinoitwa Kuti Tisimuke
Dzimwe nguva tinogona kuremerwa nematambudziko topera simba, asi tinogona kuwana simba kana tikafunga chiratidzo chemapfupa akaoma akamutswa.
BHOKISI REKUDZIDZISA 11A
Varindi Vakaita Zvakanaka
Vakapikiswa asi vakaramba vakavimbika kuna Jehovha vachiyambira vanhu uye vachiparidza mashoko akanaka.
BHOKISI REKUDZIDZISA 12A
Kubatanidzwa Kwetutanda Twuviri
Ndivanaani vaimiririrwa netutanda twuviri kare uye mazuva ano twunomirira ani?
BHOKISI REKUDZIDZISA 13A
Temberi Dzakasiyana, Zvidzidzo Zvakasiyana
Temberi yakaonekwa naEzekieri yakasiyana papi neyakatsanangurwa nemuapostora Pauro?
BHOKISI REKUDZIDZISA 14A
Zvatinodzidza Patemberi Yakaonekwa naEzekieri
Zvidzidzo zvipi zvatinowana patemberi yakaratidzwa Ezekieri zvaunoda kushandisa pakunamata kwako?
BHOKISI REKUDZIDZISA 15A
Mukoma Nemunin’ina Pfambi
Zvakataurwa naJehovha nezvaOhora naOhoribha zvinoratidza kuti anonzwa sei nezvevanhu vanonyepedzera kumiririra zita rake dzvene uye vasingatevedzeri mitemo yezvaanotarisira pakunamata kwakachena.
BHOKISI REKUDZIDZISA 16A
Jerusarema Rinomiririra chiKristu Chenhema Here?
Nei takachinja manzwisisiro edu?
BHOKISI REKUDZIDZISA 16B
Kuchema Nekugomera, Kuisa Chiratidzo, Kuputsa—Zvichaitika Riini Uye Zvichaitika Sei?
Chiratidzo chiri muchitsauko 9 chaEzekieri chinogona kutibatsira kuva nechivimbo patiri kutarisana nekuguma kwenyika ino.
BHOKISI REKUDZIDZISA 18A
Jehovha Anoyambira Vanhu Nezvehondo Huru Iri Kuuya
Bhaibheri rinotaura nezvehondo huru ichashandiswa naMwari kuparadza vese vanomupikisa.
BHOKISI REKUDZIDZISA 19A
Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna Jehovha
Vanyori veBhaibheri vakasiyana-siyana vakashandisa fananidzo imwe chete kuratidza makomborero anobva kuna Jehovha.
BHOKISI REKUDZIDZISA 19B
Tumvura Twuri Kusinina Twunova Mafashamo!
Rwizi rwuri kuyerera ruchibva panzvimbo tsvene yaMwari runomiririrei?
BHOKISI REKUDZIDZISA 20A
Kugovewa Kwenyika Yacho
Chiratidzo chaEzekieri chekugovewa kwenyika chakakurudzira nhapwa dzechiJudha dzaiva kuBhabhironi uye chinokurudzirawo vanhu vaMwari mazuva ano.
BHOKISI REKUDZIDZISA 21A
‘Munofanira Kupa Mupiro Uyu’
Inharaunda dzipi 5 dzaiva muchikamu chenyika chakasiyiwa naMwari kuti uve mupiro wake? Dzinoshandiswei?
BHOKISI REKUDZIDZISA 22A
Kutarisana Nemuedzo Wekupedzisira
Vanhu vachakunda muedzo wekupedzisira vachawanei?

